1
ƲaFiripi 4:6
Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Musafuŋganya pamsoro pecinhu cimŋe; asi paɀinhu ɀose, mikumbiro yenyu ŋgaiziʋiswe Mŋari nokunyeŋgetera nokukumbira, pamŋe cete nokuʋoŋga.
Yenzanisa
Ongorora {{vhesi}}
2
ƲaFiripi 4:7
Ɀino rugare rwaMŋari runopfuʋura kunzwisisa kwose, rucarinda mŋoyo yenyu nemifuŋgo yenyu munaKristu Jesu.
3
ƲaFiripi 4:8
Pakupedzisira, hama dzaŋgu, ɀose ɀaɀokwaɗi, ɀose ɀinokudzwa, ɀose ɀakarurama, ɀose ɀakacena, ɀose ɀinoɗikanwa, ɀose ɀinorumbidzwa, kana kunaka kupi nokupi, kana ciŋgarumbidzwa cipi necipi, fuŋgisisai iɀoɀo.
4
ƲaFiripi 4:13
Ndiŋgaita ɀose naiye unondipa simba.
5
ƲaFiripi 4:4
Farai munaShe ŋguʋa dzose; ndicapamhidza ɀe: Farai.
6
ƲaFiripi 4:19
Ɀino Mŋari waŋgu ucazadzisa kushaiwa kwenyu kwose pafuma yake, mukubginya, munaKristu Jesu.
7
ƲaFiripi 4:9
Ɀinhu iɀo ɀamakadzidza, neɀamakapiwa, neɀamakanzwa, neɀamakaʋona kwandiri, itai iɀoɀo; Mŋari worugare ŋgaaʋe nemi.
8
ƲaFiripi 4:5
Ʋunyoro bgenyu ŋgabguzikanwe naʋanhu ʋose. Ishe uri pedyo.
9
ƲaFiripi 4:12
Ndinoziʋa ʋurombo, ndinoziʋa ʋo kuʋa neɀakawanda; pacinhu cipi necipi napaɀinhu ɀose ndakadzidziswa kuti ndiziʋe kuguta nokunzwa nzara, kuʋa neɀizhinji nokushaiwa.
10
ƲaFiripi 4:11
Handireʋi iɀoɀi nokuti ndinoshaiwa; nokuti ini ndakadzidza kutenda neɀose ɀandinaɀo.
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo