Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 28:1-15

Numeri 28:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Upe murayiro uyu kuvaIsraeri, uti kwavari, ‘Onai kuti maisa pamberi pangu panguva yakatarwa, zvokudya zvangu zvezvipiriso zvinoitwa nomoto, sezvinonhuhwira zvinondifadza.’ Uti kwavari: ‘Ichi ndicho chipiriso chakaitwa nomoto chamunofanira kupa kuna Jehovha: makwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, sechipiriso chinopiswa chamazuva ose, zuva rimwe nerimwe. Ugadzire gwayana rimwe chete mangwanani uye rimwe racho panguva yamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo, chegumi cheefa youpfu hwakatsetseka hwakavhenganiswa nechikamu chimwe chete muzvina chehini yamafuta omuorivhi akasvinwa. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chamazuva ose chakatarwa paGomo reSinai kuti chive munhuwi unonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Panobayirwa gwayana rimwe nerimwe, chipiriso chokunwa chinopiwa panguva imwe cheteyo chinofanira kuva chikamu chimwe chete muzvina chehini, chezvinonhuhwira zvakaviriswa. Udurure chipiriso chinonwiwa kuna Jehovha panzvimbo tsvene. Ugadzire gwayana rechipiri panguva dzamadekwana, pamwe chete nechipiriso chezviyo nechipiriso chinonwiwa, zvakafanana nezvamangwanani. Ichi ndicho chipiriso chinoitwa nomoto, chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha. “ ‘Nomusi weSabata, muite chipiriso chamakwayana maviri egore rimwe chete asina kuremara, pamwe chete nechipiriso chacho chokunwa, uye nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose uye nechipiriso chacho chinonwiwa. “ ‘Nomusi wokutanga womwedzi woga woga, mupe kuna Jehovha chipiriso chehando duku mbiri, gondobwe rimwe chete namakwayana makono manomwe egore rimwe chete, ose asina kuremara. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chezviyo chezvegumi zviviri zveefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta; uye negwayana rimwe nerimwe, chipiriso chezviyo chechegumi cheefa yeupfu hwakatsetseka, hwakavhenganiswa namafuta. Izvi ndizvo zvinoitwa pachipiriso chinopiswa, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto. Pamwe chete nehando imwe neimwe, panofanira kuva nechipiriso chokunwa chehafu yehini yewaini; pamwe chete negondobwe, chikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini; uye pamwe chete negwayana rimwe nerimwe, chikamu chimwe chete muzvina chehini. Ichi ndicho chipiriso chinopiswa chomwedzi mumwe nomumwe chinofanira kupiwa pakugara kwomwedzi mumwe nomumwe pagore. Pamusoro pechipiriso chinopiswa chamazuva ose nechipiriso chacho chokunwa, nhongo imwe chete inofanira kupiwa sechipiriso chechivi kuna Jehovha.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 28

Numeri 28:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, “Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.’ Unofanira kuti kwavari, ‘Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose. Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa. Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.’ Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata. Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha. “Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa. “Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara; nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe; nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha. Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose. Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 28

Numeri 28:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Taurira vaIsiraeri kuti vangwarire kundipa, mipiro yangu panguva dzakatemwa, mipiro yangu yezvokudya inoita zvokupiswa nomoto inonhuhwirira zvinondifadza. Vaudze kuti zuva nezuva vagare vachipira Mwari mupiro wokupisa wehwayana mbiri, dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. Ngavapire Mwari hwayana imwechete mangwanani, vozopira imwe yacho manheru. Ngavapirewo upfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema kirogiramu rimwechete, hwakakanywa namafuta eorivhi akanakisisa anokwana rita rimwechete. Uyu ndiwo mupiro wokupisa pazuva roga roga wakarayirwa vaIsiraeri pagomo reSinai unopiswa pamoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Piraiwo mupiro wayo wezvokunwa unokwana rita rimwechete, nechibayiro chehwayana yokutanga, muteurire Tenzi zvokunwa, zvinoraradzisa munzvimbo inoera. Ngavapire hwayana yechipiri manheru nomupiro wayo wembesanwa nomupiro wayo wezvokunwa sezvinenge zvamboitwa mangwanani. Mupiro iwoyo uitei zvokuupisa nomoto kunhuhwirira kwawo kufadze ini Tenzi. “Musi weSabata pirai hwayana hono mbiri, dzine gore rimwechete, dzisina chinoshoreka, pamwechete noupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hunorema makirogiramu maviri, hwomupiro wembesanwa, hwakakanywa namafuta, pamwechete nomupiro wawo wezvokunwa. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa wokuita paSabata rimwe nerimwe, uchiwedzerwa pamupiro wokupisa wamazuva ose nomupiro wawo wezvokunwa. “Mwedzi woga woga pakugara kwawo, pirai Tenzi mupiro wokupisa, wehandira mbiri dzichiri duku nehondohwe imwechete, nehwayana hono nomwe dzine gore rimwechete dzisina chinoshoreka. Pirai mupiro wembesanwa weupfu hwekoroni hwakanyatsokuyiwa hwakakanyiwa namafuta eorivhi. Pahandira imwe neimwe torai upfu hunorema makirogiramu matatu, pahondohwe, mutore makirogiramu maviri, Pahwayana imwe neimwe torai kirogiramu rimwechete. Uyu ndiwo mupiro unoita zvokupiswa nomoto kuti kunhuhwirira kwawo kufadze Tenzi. Mipiro yezvokunwa inopirwa pamwechete nayo ndeiyi: pahandira imwe neimwe torai, waini inokwana marita maviri, pahondohwe torai waini inokwana rita rimwechete nechikamu charo chapakati napakati, pahwayana imwe neimwe torai waini inokwana rita rimwechete. Iwoyu ndiwo mupiro wokupisa unoitwa pazuva rokutanga romwedzi nomwedzi gore rose. Piraiwo Tenzi gotora rimwechete romupiro wokupfupira zvitadzo uchiwedzerwa pamupiro wokupisa uya unogaroitwa pamwechete nomupiro wewaini.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 28

Numeri 28:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Munofanira kuraŋgarira kundipa neŋguʋa yaɀo yakafanira ɀipo ɀaŋgu, iɀo ɀokudya ɀaŋgu ɀeɀipiriso ɀaŋgu ɀinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kwandiri. Unofanira kuti kwaʋari: Ndico cipiriso cinopiswa camunofanira kupa Jehova: Makwaiana amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara, maʋiri zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maŋgwanani, rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿiniwa. Ndico cipiriso cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose, cakarairwa pagomo reSinai, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cipiriso cinopisirwa Jehova. Necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cecinna cehini cegwaiana rimŋe nerimŋe; unofanira kuɗururira Jehova cipiriso ceɀinoɓata. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; unofanira kuʋuya naro pamŋe cete necipiriso coʋupfu, necipiriso cinoɗururwa, ɀakafanana neɀamaŋgwanani, ciʋe cipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa. Ndico cipiriso cinopiswa cesaɓata rimŋe nerimŋe, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa. Pakuʋamba kwemŋedzi yenyu munofanira kuʋuya necipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku negondobge rimŋe, namakwaiana manomŋe amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara; neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, panzombe imŋe neimŋe; neɀegumi ɀiʋiri ɀoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, pagondobge rimŋe nerimŋe; necegumi cimŋe coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu pagwaiana rimŋe nerimŋe; ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka cinopisirwa Jehova. Ɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀinofanira kuʋa ɀehafu yehini yewaini panzombe imŋe, necetatu cehini pagondobge rimŋe, nececinna cehini pagwaiana rimŋe; ndico cipiriso cinopiswa cinofanira kuitwa mŋedzi mumŋe nomumŋe wemŋedzi yegore rose. Ʋuye nhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Numeri 28

Numeri 28:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)