Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 28:1-15

Numeri 28:1-15 SUB1949

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Munofanira kuraŋgarira kundipa neŋguʋa yaɀo yakafanira ɀipo ɀaŋgu, iɀo ɀokudya ɀaŋgu ɀeɀipiriso ɀaŋgu ɀinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kwandiri. Unofanira kuti kwaʋari: Ndico cipiriso cinopiswa camunofanira kupa Jehova: Makwaiana amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara, maʋiri zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maŋgwanani, rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿiniwa. Ndico cipiriso cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose, cakarairwa pagomo reSinai, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cipiriso cinopisirwa Jehova. Necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cecinna cehini cegwaiana rimŋe nerimŋe; unofanira kuɗururira Jehova cipiriso ceɀinoɓata. Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; unofanira kuʋuya naro pamŋe cete necipiriso coʋupfu, necipiriso cinoɗururwa, ɀakafanana neɀamaŋgwanani, ciʋe cipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa. Ndico cipiriso cinopiswa cesaɓata rimŋe nerimŋe, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa. Pakuʋamba kwemŋedzi yenyu munofanira kuʋuya necipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku negondobge rimŋe, namakwaiana manomŋe amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara; neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, panzombe imŋe neimŋe; neɀegumi ɀiʋiri ɀoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, pagondobge rimŋe nerimŋe; necegumi cimŋe coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu pagwaiana rimŋe nerimŋe; ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka cinopisirwa Jehova. Ɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀinofanira kuʋa ɀehafu yehini yewaini panzombe imŋe, necetatu cehini pagondobge rimŋe, nececinna cehini pagwaiana rimŋe; ndico cipiriso cinopiswa cinofanira kuitwa mŋedzi mumŋe nomumŋe wemŋedzi yegore rose. Ʋuye nhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.

Verenga chikamu Numeri 28