Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 28

28
Ɀipiriso ɀezuʋa rimŋe nerimŋe.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Raira ʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Munofanira kuraŋgarira kundipa neŋguʋa yaɀo yakafanira ɀipo ɀaŋgu, iɀo ɀokudya ɀaŋgu ɀeɀipiriso ɀaŋgu ɀinopiswa, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kwandiri. 3Unofanira kuti kwaʋari: Ndico cipiriso cinopiswa camunofanira kupa Jehova: Makwaiana amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara, maʋiri zuʋa rimŋe nerimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose. 4Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maŋgwanani, rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; 5necegumi ceefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa nececinna cehini yamafuta akaȿiniwa. 6Ndico cipiriso cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose, cakarairwa pagomo reSinai, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka, cipiriso cinopisirwa Jehova. 7Necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cecinna cehini cegwaiana rimŋe nerimŋe; unofanira kuɗururira Jehova cipiriso ceɀinoɓata. 8Rimŋe gwaiana unofanira kuʋuya naro maɗekwana; unofanira kuʋuya naro pamŋe cete necipiriso coʋupfu, necipiriso cinoɗururwa, ɀakafanana neɀamaŋgwanani, ciʋe cipiriso cinopiswa, cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova.
Ɀipiriso ɀesaɓata neɀokuʋamba kwomŋedzi.
9Asi nomusi wesaɓata munofanira kuʋuya namakwaiana amakondobge maʋiri egore rimŋe, asina‐kuremara, neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, necipiriso caco cinoɗururwa. 10Ndico cipiriso cinopiswa cesaɓata rimŋe nerimŋe, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
11Pakuʋamba kwemŋedzi yenyu munofanira kuʋuya necipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku negondobge rimŋe, namakwaiana manomŋe amakondobge egore rimŋe, asina‐kuremara; 12neɀegumi ɀitatu ɀeefa yoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, panzombe imŋe neimŋe; neɀegumi ɀiʋiri ɀoʋupfu bgakatsetseka, ciʋe cipiriso coʋupfu, bgakakanyiwa namafuta, pagondobge rimŋe nerimŋe; 13necegumi cimŋe coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso coʋupfu pagwaiana rimŋe nerimŋe; ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka cinopisirwa Jehova. 14Ɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa ɀinofanira kuʋa ɀehafu yehini yewaini panzombe imŋe, necetatu cehini pagondobge rimŋe, nececinna cehini pagwaiana rimŋe; ndico cipiriso cinopiswa cinofanira kuitwa mŋedzi mumŋe nomumŋe wemŋedzi yegore rose. 15Ʋuye nhoŋgo imŋe yembudzi ciʋe cipiriso ceɀiʋi kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco cinoɗururwa.
Mitambo mikuru.
16Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, munofanira kuraŋgarira paseka yaJehova. 17Mutambo unofanira kuitwa nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyo; ciŋgwa cisina — kuʋiriswa cinofanira kudyiwa mazuʋa manomŋe. 18Pazuʋa rokutaŋga kunofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda pazuʋa iro; 19asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa, cipiriso cinopisirwa Jehova: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge manomŋe egore rimŋe, ɀiʋe ɀisina‐kuremara kwamuri; 20necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; munofanira kuʋuya neɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe. 21Unofanira kuʋuya necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe pamakwaiana manomŋe; 22nenhoŋgo imŋe yembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, cokuyananisira naco. 23Munofanira kuʋuya naiɀoɀo kunze kwecipiriso cinopiswa camaŋgwanani, cinofanira kupiswa ŋguʋa dzose. 24Saiɀoɀo munofanira kuʋuya neɀokudya ɀecipiriso cinopiswa zuʋa rimŋe nerimŋe pamazuʋa manomŋe, ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova; cinofanira kuʋuyiswa kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose necipiriso caco cinoɗururwa. 25Pazuʋa recinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda naro.
26Ʋuye pazuʋa reɀitȿa, kana muciʋuya necipiriso citȿa coʋupfu kunaJehova pamutambo wenyu wamaviki, munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata maɓasa aʋaranda. 27Asi munofanira kuʋuya necipiriso cinopiswa ciʋe cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova, ɀinoti: Nzombe mbiri ɗuku, negondobge rimŋe, namakwaiana amakondobge egore rimŋe; 28necipiriso caɀo coʋupfu, coʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta; ɀegumi ɀitatu panzombe imŋe, neɀegumi ɀiʋiri pagondobge rimŋe, 29necegumi cimŋe pagwaiana rimŋe nerimŋe ramakwaiana manomŋe; 30nenhoŋgo imŋe yembudzi, ɀokuyananisira naɀo. 31Munofanira kuʋuya naɀo (ɀiʋe kwamuri ɀisina‐kuremara) neɀipiriso ɀaɀo ɀinoɗururwa, kunze kwecipiriso cinopiswa ŋguʋa dzose, necipiriso caco coʋupfu.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 28: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda