Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 27

27
Mirairo yokugarisa nhaka.
1Ɀino ʋanasikana ʋaZerofehadi, mŋanakomana waHeferi, mŋanakomana waGireadi, mŋanakomana waMakiri, mŋanakomana waManase, wemhuri dzaManase, mŋanakomana waJosefa, ʋakasweɗera kunaMosesi; ndiwo mazita aʋanasikana ʋake: Mara, naNoa, naHogra, naMirka, naTirza; 2ʋakamira pamberi paMosesi napamberi paEreazari muprista, napamberi pamacinda neʋuŋgano yose, pamukoʋa wetente rokusoŋgana, ʋakati: 3Ƃaɓa ʋeɗu ʋakafira murenje, asi ʋakaŋga ʋasi pakati peɓoka raʋaya ʋakaʋuŋgana kuzorwa naJehova, ʋeɓoka raKora; ʋakafira haʋo muɀiʋi ɀaʋo, ʋasinaʋanakomana. 4Ɀino zita raɓaɓa ʋeɗu ricabvisirweiko pakati pemhuri yaʋo, nokuti ʋakaŋga ʋasinaʋanakomana? Tipei ʋo nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋeɗu. 5Mosesi akaisa shoko raʋo pamberi paJehova. 6Jehova akataura naMosesi, akati: 7Ʋanasikana ʋaZerofehadi ʋanotaura kwaɀo; ɀirokwaɀo, unofanira kuʋapa nhaka pakati pehama dzaɓaɓa ʋaʋo; unofanira kuʋagarisa nhaka yaɓaɓa ʋaʋo. 8Ɀino unofanira kutaura naʋana ʋaIsraeri, uciti: Kana munhu akafa asinomŋanakomana, munofanira kugarisa mŋanasikana wake nhaka yake. 9Kana asinomŋanasikana, munofanira kupa ʋakuru ʋake naʋanuŋuna ʋake nhaka yake. 10Kana asinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa ʋakuru kana ʋanuŋuna ʋaɓaɓa ʋake nhaka yake. 11Kana ɓaɓa ʋake ʋasinaʋakuru kana ʋanuŋuna, munofanira kupa hama yake yomumba nhaka yake, iʋe yake. Unofanira kuʋa mutemo wokutoŋga nawo pakati paʋana ʋaIsraeri, seɀakarairwa Mosesi naJehova.
Joshua muteʋeri waMosesi.
12Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Kwira pagomo iri reAbarimi, uʋone nyika yandakapa ʋana ʋaIsraeri. 13Ipapo kana waiʋona, newe ʋo ucasoŋganiswa naʋanhu ʋako, seɀakasoŋganiswa mukuru wako Aroni; 14nokuti makaramba shoko raŋgu murenje reZini, paŋguʋa yokurwa kweʋuŋgano, mukarega kunditsaura pamberi paʋo pamvura. (Ndiyo mvura yeMeriba paKadeshi, murenje reZini.) 15Ɀino Mosesi akataura naJehova, akati: 16Jehova, Mŋari wemŋeya yaʋanhu ʋose, ŋgaagadze murume paʋuŋgano iyi, 17ucaɓuɗa pamberi paʋo, nokupinda pamberi paʋo, uŋgaʋaɓuɗisa nokuʋapinza; kuti ʋuŋgano yaJehova irege kuʋa samakwai asinomufudzi. 18Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tora Joshua, mŋanakomana waNuni, murume unomŋeya mukati make, uise ruʋoko rwako pamsoro pake. 19Umuise pamberi paEreazari muprista, napamberi peʋuŋgano yose, ugomurairira pamberi paʋo. 20Uise pamsoro pake ɀoʋukuru bgako, kuti ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri imuterere. 21Iye unofanira kumira pamberi pomuprista Ereazari, iye amuvunzire pamberi paJehova nokutoŋga kweUrimi; nokuraira kwake, ʋanofanira kuɓuɗa, nokuraira kwake, ʋanofanira kupinda, iye pamŋe cete naʋana ʋaIsraeri ʋose, ʋuŋgano yose. 22Mosesi akaita seɀaakarairwa naJehova; akatora Joshua, akamuisa pamberi pomuprista Ereazari, napamberi peʋuŋgano yose; 23akaisa maʋoko ake pamsoro pake, akamurairira, seɀakataura Jehova nomuromo waMosesi.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 27: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda