Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Numeri 28

28
Zvipiriso zvezuva rimwe nerimwe
1Zvino Jehovha akataura naMosesi, akati, 2“Raira vana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Munofanira kurangarira kundipa nenguva yazvo yakafanira zvipo zvangu, izvo zvokudya zvangu zvezvipiriso zvangu zvinopiswa, chive chinonhuwira zvakanaka kwandiri.’ 3Unofanira kuti kwavari, ‘Ndicho chipiriso chinopiswa chamunofanira kupa Jehovha: Makwayana amakondohwe egore rimwe, asina kuremara, maviri zuva rimwe nerimwe, chive chipiriso chinopiswa nguva dzose. 4Rimwe gwayana unofanira kuuya naro mangwanani, rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; 5nechegumi cheefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa nechechina chehini yamafuta akasviniwa. 6Ndicho chipiriso chinofanira kupiswa nguva dzose, chakarairwa pagomo reSinai, chive chinonhuwira zvakanaka, chipiriso chinopisirwa Jehovha.’ 7Nechipiriso chacho chinodururwa chinofanira kuva chechina chehini chegwayana rimwe nerimwe; unofanira kudururira Jehovha chipiriso chezvinobata. 8Rimwe gwayana unofanira kuuya naro madekwana; unofanira kuuya naro pamwechete nechipiriso choupfu, nechipiriso chinodururwa, zvakafanana nezvamangwanani, chive chipiriso chinopiswa, chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha.
Zvipiriso zveSabata nezvokuvamba kwomwedzi
9“Asi nomusi weSabata munofanira kuuya namakwayana amakondohwe maviri egore rimwe, asina kuremara, nezvegumi zviviri zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, nechipiriso chacho chinodururwa. 10Ndicho chipiriso chinopiswa cheSabata rimwe nerimwe, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
11“Pakuvamba kwemwedzi yenyu munofanira kuuya nechipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku negondohwe rimwe, namakwayana manomwe amakondohwe egore rimwe, asina kuremara; 12nezvegumi zvitatu zveefa youpfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, panzombe imwe neimwe; nezvegumi zviviri zvoupfu hwakatsetseka, chive chipiriso choupfu, hwakakanyiwa namafuta, pagondohwe rimwe nerimwe; 13nechegumi chimwe choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta, chive chipiriso choupfu pagwayana rimwe nerimwe; chive chipiriso chinopiswa chinonhuwira zvakanaka chinopisirwa Jehovha. 14Zvipiriso zvazvo zvinodururwa zvinofanira kuva zvehafu yehini pagondohwe rimwe, nechechina chehini pagwayana rimwe; ndicho chipiriso chinopiswa chinofanira kuitwa mwedzi mumwe nomumwe wemwedzi yegore rose. 15Uye nhongo imwe yembudzi chive chipiriso chezvivi kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho chinodururwa.
Mitambo mikuru
16“Nomwedzi wokutanga, nezuva regumi namana romwedzi, munofanira kurangarira Pasika yaJehovha. 17Mutambo unofanira kuitwa nezuva regumi namashanu romwedzi uyo; chingwa chisina kuviriswa chinofanira kudyiwa mazuva manomwe. 18Pazuva rokutanga kunofanira kuva neungano tsvene; kuSabata mabasa avaranda pazuva iro; 19asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa, chipiriso chinopisirwa Jehovha: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe manomwe egore rimwe, zvive zvisina kuremara kwamuri; 20nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; munofanira kuuya nezvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe. 21Unofanira kuuya nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe pamakwayana manomwe; 22nenhongo imwe yembudzi, chive chipiriso chezvivi, chokuyananisira nacho. 23Munofanira kuuya naizvozvo kunze kwechipiriso chinopiswa chamangwanani, chinofanira kupiswa nguva dzose. 24Saizvozvo munofanira kuuya nezvokudya zvechipiriso chinopiswa zuva rimwe nerimwe pamazuva manomwe, chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha; chinofanira kuuyiswa kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose nechipiriso chacho chinodururwa. 25Pazuva rechinomwe munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda naro.
26“Uye pazuva rezvitsva, kana muchiuya nechipiriso chitsva choupfu kuna Jehovha pamutambo wenyu wamavhiki, munofanira kuita ungano tsvene; musabata mabasa avaranda. 27Asi munofanira kuuya nechipiriso chinopiswa chive chinonhuwira zvakanaka kuna Jehovha, zvinoti: Nzombe mbiri duku, negondohwe rimwe, namakwayana amakondohwe egore rimwe; 28nechipiriso chazvo choupfu, choupfu hwakatsetseka, hwakakanyiwa namafuta; zvegumi zvitatu panzombe imwe, nezvegumi zviviri pagondohwe rimwe, 29nechegumi chimwe pagwayana rimwe nerimwe ramakwayana manomwe; 30nenhongo imwe yembudzi, zvokuyanisira nazvo. 31Munofanira kuuya nazvo (zvive kwamuri zvisina kuremara) nezvipiriso zvazvo zvinodururwa, kunze kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nechipiriso chacho choupfu.

Zvasarudzwa nguva ino

Numeri 28: SNA2002

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda