Mako 3:22-35
Mako 3:22-35 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye vadzidzisi vomurayiro vaibva kuJerusarema vakati, “Akabatwa nomweya waBheerizebhubhi! Ari kudzinga madhimoni nomuchinda wamadhimoni.” Saka Jesu akavadana akataura kwavari nomufananidzo achiti, “Ko, Satani angadzinga sei Satani? Kana umambo huchizvipesanisa, umambo ihwohwo hahugoni kumira. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyoyo haigoni kumira. Uye kana Satani achizvipikisa pachake uye achizvipesanisa, haangagoni kumira; kuguma kwake kwasvika. Zviripo ndezvokuti, hakuna munhu angapinda mumba momunhu ane simba agotakura zvinhu zvake, kana asina kutanga asunga murume wacho ane simba. Ipapo angagona kupamba imba yake. Ndinokuudzai chokwadi kuti zvivi zvose nokumhura kwavanhu kwose zvicharegererwa. Asi ani naani anomhura Mweya Mutsvene haazomboregererwi; ane mhosva yechivi chisingaperi.” Akataura izvozvo nokuti vakanga vachiti, “Ano mweya wakaipa.” Ipapo mai vaJesu navanunʼuna vake vakauya. Vakatuma munhu kundomudana ivo vamire panze. Vazhinji vakanga vagere vakamukomberedza, uye vakati kwaari, “Mai venyu navanunʼuna venyu vari kukutsvakai panze.” Iye akati, “Vanamai vangu navanunʼuna vangu ndivanaaniko?” Ipapo akatarisa kuna avo vakanga vagere vakaita denderedzwa vakamupoteredza akati, “Ava ndivo mai vangu navanunʼuna vangu! Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mununʼuna wangu nehanzvadzi, uye namai vangu.”
Mako 3:22-35 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Navanyori vakanga vaburuka vachibva Jerusaremu, vakati, “Ana Bheerizebhuri, anobudisa mweya yakaipa nomuchinda wemweya yakaipa.” Zvino akavadanira kwaari, akati kwavari nemifananidzo. “Satani angabudisa Satani seiko? Kana ushe huchizvipesanisa, ushe uhwo hahungagoni kumira. Kana imba ichizvipesanisa, imba iyo haingagoni kumira. Kana Satani achizvimukira, akazvipesanisa, haangagoni kumira, asi anopera. “Hakuna munhu angapinda mumba moane simba, akatora nhumbi dzake, asati ambosunga anesimba; zvino angaparadza imba yake. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, vanakomana vavanhu vacharegererwa zvivi zvose, nokushonha kwose kwavanoshonha Mwari nako; asi ani naani ashonha Mweya Mutsvene, haangaregerwi nokusingaperi, asi ane mhosva yechivi chisingaperi.” Nokuti vakati, “Ano mweya wakaipa.” Zvino mai vake navanun'una vake vakauya, vakamira kunze, vakatumira nhume kwaari, kumudana. Vazhinji vakanga vagere, vakamukomba, vakati kwaari, “Tarirai, mai venyu navanun'una venyu navakoma nehanzvadzi dzenyu vari kunze vachikutsvakai.” Akavapindura, akati, “Mai vangu, vakoma navanun'una vangu ndivanaaniko?” Zvino akaringa-ringa vanhu vakanga vagere, vakamukomba, akati, “Tarirai mai vanhu navakoma navanun'una vangu! “Nokuti ani naani anoita kuda kwaMwari, ndiye mukoma nomunun'una wangu, nehanzvadzi, naamai.”
Mako 3:22-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Uyezve nyanzvi dzoMutemo dzakabva Jerusaremu dzaiti, “Akagarwa naBheerizebhuri, uye kuti anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda remweya yakaipa.” Ipapo Jesu akadaidza vanhu ndokutaura kwavari nemienzaniso, achiti, “Nhaimi, Satani angadzinge Satani seiko? Kana umambo hwavakuzvirwisa, umambo ihwohwo haungagoni kumira. Kana vemba imwechete vorwisana pachavo, imba iyoyo haigoni kumira. Zvino kana iye Satani ava kuzvirwisa, haangagoni kumira, asi kuti avakutoenda kumagumo ake. Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu. Asi ani naani anoshonha Mweya Mutsvene haachazomboregererwa chitadzo chake; achava nemhosva yechitadzo chinoramba chiripo narini wose.” Akadaro nokuti vakati, “Ane mweya wakaipa.” Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” Ndokuringa–ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.”
Mako 3:22-35 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Naʋanyori ʋakaŋga ʋaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakati: UnaBeerzeburi, unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomucinda wemŋeya yakaipa. Ɀino akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari nemifananidzo: Satani uŋgaɓuɗisa Satani seiko? Kana ʋushe bguciɀipesanisa, ʋushe ubgo habguŋgagoni kumira. Kana imba iciɀipesanisa, imba iyo haiŋgagoni kumira. Kana Satani aciɀimukira, akaɀipesanisa, haaŋgagoni kumira, asi unopera. Hakunomunhu uŋgapinda mumba mounesimba, akatora nhumbi dzake, asati ambosuŋga unesimba; ɀino uŋgaparadza imba yake. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋanakomana ʋaʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose, nokumhura kwose kwaʋanomhura Mŋari nako; asi aninani wamhura Mŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi nokuirŋgaperi, asi unemhoȿa yeciʋi cisiŋgapesi. Nokuti ʋakati: Unomŋeya wetȿina. Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya, ʋakamira kunze, ʋakatumira nhume kwaari, kumuɗana. Ʋazhinji ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Tarirai, mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu nehanɀadzi dzenyu ʋari kunze ʋacikutȿakai. Akaʋapindura, akati: Mai ʋaŋgu, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! Nokuti aninani unoita kuɗa kwaMŋari, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.
Mako 3:22-35 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)