Mariko 3
3
Jesu anoporesa munhu aiva noruoko rwakakokonyara
(Mat 12:9–14; Ruka 6:6–11)
1Zvino Jesu akapindazve musinagogu; imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. 2Vaivamo vakamutarisisa vachida kuona kuti achamuporesa here nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. 3Ipapo Jesu akati kumunhu woruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire apa,” 4ndokuvati, “Ko, zvinobvumirwa here nomusi weSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa; kuponesa munhu kana kuuraya?” Ivo vakati zi–i kunyarara. 5Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. 6VaFarisei vakabudamo kundomurangana pakarepo neveboka rokwaHerodhi kuti vangamuuraye sei.
Mhomho yavanhu pamucheto wegungwa
7Jesu akabvapo navadzidzi vake oenda kugungwa; chitawo chikuru chavanhu vaibva kuGarirea chakatevera uyewo vanhu vakauya kwaari vachibva kuJudhea 8neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita. 9Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu. 10Sezvo akanga aporesa vazhinji, vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana vachida kumubata. 11Uye mweya yakaipa payaingomuona yaizviwisira pasi pamberi pake ichidaidzira ichiti, “Iwe, uri Mwanakomana waMwari.” 12Asi Jesu aiikohomedza kuti irege kuzivisa vanhu kuti iye ndiani.
Jesu anosarudza vapositori gumi navaviri
(Mat 10:1–4; Ruka 6:12–16)
13Zvino Jesu akakwira mugomo ndokudaidza vaaida, ivo ndokuenda kwaari. 14Akasarudza gumi navaviri kuti vagochigara naye achivatuma kundoparidza, 15uyezve kuti vave nesimba rokudzinga mweya yakaipa.
16Vaiti, Simoni, waakapa rimwe zita rokuti Pita, 17kwouya Jemusi mwana waZebhedhi naJohani munun'una waJemusi vaakapa zita rokuti Bhoanerigesi, zvinoreva kuti vanaKutinhirasemheni 18kwozoti Andireya, naFiripi, kwouyawo Bhatoromeo, naMateu, kwozoti Tomasi, naJemusi, mwana waArifeo, uyewo Tadheusi naSimoni muKananai Nyashungu,#3:18 Zvinoreva munhu ane shungu dzokurwira nyika. 19uyewo ndokuzoti Judhasi Isikarioti uya akazomupandukira.
Jesu naBheerizebhuri
(Mat 12:22–32; Ruka 11:14–23; 12:10)
20Jesu akaenda kumba; gurumwandira ravanhu ndokubva ramuunganirazve, zvokuti vakatadza kana kudya chaiko. 21Zvino hama dzake padzakazvinzwa, dzakauya kuzomutora nokuti zvainzi, “Wava kupenga.” 22Uyezve nyanzvi dzoMutemo dzakabva Jerusaremu dzaiti, “Akagarwa naBheerizebhuri, uye kuti anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda remweya yakaipa.” 23Ipapo Jesu akadaidza vanhu ndokutaura kwavari nemienzaniso, achiti, “Nhaimi, Satani angadzinge Satani seiko? 24Kana umambo hwavakuzvirwisa, umambo ihwohwo haungagoni kumira. 25Kana vemba imwechete vorwisana pachavo, imba iyoyo haigoni kumira. 26Zvino kana iye Satani ava kuzvirwisa, haangagoni kumira, asi kuti avakutoenda kumagumo ake. 27Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro.
28“Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu. 29Asi ani naani anoshonha Mweya Mutsvene haachazomboregererwa chitadzo chake; achava nemhosva yechitadzo chinoramba chiripo narini wose.” 30Akadaro nokuti vakati, “Ane mweya wakaipa.”
Amai navakoma navanun'una vaJesu
(Mat 12:46–50; Ruka 8:19–21)
31Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake#3:31 Izwi rokuti mukomanomun'una rinoreva kuti “brothers.” vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. 32Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” 33Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” 34Ndokuringa–ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. 35Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.”
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 3: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.