Mariko 4
4
Muenzaniso wembeu dzakakushwa
(Mat 13:1–9; Ruka 8:4–8)
1Jesu akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa. Mhomho huru yavanhu yakamuunganira, zvokuti akatokwira mugwa ogaramo iro riri mugungwa kudaro. Gungano rose ndokuti chechetere pamucheto wegungwa. 2Akavadzidzisa zvinhu zvakawanda nemienzaniso. Achinokuvadzidzisa kudaro akati kwavari, 3“Teererai munzwe, Mukushi akaenda kundokusha mbeu. 4Paakanga achikusha dzimwe mbeu dzakandowira munzira, shiri ndokuuya dzikadzidya. 5Dzimwe dzakandowira parukangarahwe padzakashaya ivhu rakadzika; dzakabva dzakurumidza kumera nokuti dzakanga dzisina ivhu rakadzika. 6Kuzoti zuva rakwira dzakapiswa nezuva, sezvo dzakanga dzisina midzi, dzakashwauruka. 7Dzimwe mbeu dzakandowira muminzwa; minzwa yakakura ikadzivhunga dzikasaita vana. 8Dzimwewo dzakandowira muvhu rakanaka dzikamera dzikakura ndokuberekana, dzimwe ndokuita makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu dzimwewo zana.” 9Akazoti, “Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
Basa remienzaniso
(Mat 13:10–17; Ruka 8:9–10)
10Kuzoti ava oga, vakanga vanaye pamwechete navane gumi navaviri vakamubvunza nezvemienzaniso. 11Iye ndokuti kwavari, “Imi makapiwa zvakavanzika zvoumambo hwaMwari asi kune vokunze zvose zvinopiwa nemienzaniso, kuti,
12“Kutarisisa vatarisise zvavo asi vasina zvavanoona.
Kuteerera vateererese zvavo asi vasinganzwisisi
nokuti vangadaro vakapinduka vakazoregererwa.”
Tsananguro yomuenzaniso womukushi
(Mat 13:18–23; Ruka 8:11–15)
13Ipapo Jesu akati kwavari, “Ko, hamuna kunzwisisa muenzaniso uyu here? Ko zvino muchazonzwisisa sei mienzaniso yose. 14Mukushi anomwaya izwi. 15Vari munzira munokushwa izwi, ndivo vaya vanoti kana vanzwa, pakarepo Satani anouya obvisa izwi rakushwa mavari. 16Ndizvozvo zvimwechete navakakushwa parukangarahwe, vanoti kana vanzwa izwi vanobva varigamuchira pakarepo norufaro; 17asi havana midzi mavari, vanongovapo kwechinguvana chete. Zvino kana dambudziko nokushushirwa izwi zvauya vanobva vatsauka pakarepo. 18Vanokushwa muminzwa ndivo vaya vanonzwa izwi, 19asi kuzvidya mwoyo nezvapasi pano nokutorwa mwoyo noupfumi, uyezve ruchiva rwezvimwe zvinhu, zvinopinda zvovhunga izwi, rokundikana kubereka michero. 20Vakakushwa muvhu rakanaka ndivo vaya vanonzwa shoko nokurigamuchira nokubereka michero, dzimwe makumi matatu, dzimwe makumi matanhatu, dzimwe zana.”
Muenzaniso womwenje unokwidibirwa
(Ruka 8:16–18)
21Akatizve kwavari, “Ko mwenje unounzirwa kuti ukwidibirwe nedengu here kana kuti uiswe pasi pomubhedha here? Handiti kuti ugoiswa pachidzimikiro? 22Chinhu chose chakavanzika chakavanzirwa kuti chizoburitswa pachena; hakunawo chinhu chakavigwa chisingazobudi pachena. 23Ane nzeve dzokunzwa ngaanzwe.”
24Akati kwavari, “Nyatsochenjerai zvamuri kunzwa: chiereso chamunoera nacho, ndicho chamuchaererwawo nacho, uye muchapamidzirwa. 25Nokuti uyo anazvo achawedzerwa, nouyo asina, kunyange chaanacho achachitorerwa.”
Muenzaniso wokukura kwembeu
26Akatizve, “Umambo hwaMwari hwakadaizvi, hwakaita somunhu anomwaya mbeu muvhu. 27Angavate zvake usiku, masikati achimukawo, asi mbeu iya inomera ichitokura, iye asingambozivi kuti zvinoitika sei. 28Zvinongoitika pachazvo zvoga kuti ivhu rinobereka zvirimwa, pokutanga nhungo,#4:28 Nhungo: Kana kuti chipande. teverei hura, ndokuzouya koroni yakakora pahura dziya. 29Zvino kana koroni yaibva, anobva apinza jeko kuicheka, nokuti kukohwa kwasvika.”
Muenzaniso wembeu yeMasitadhi
(Mat 13:31–32,34; Ruka 13:18–19)
30Akatizve, “Umambo hwaMwari tingauenzanise neiko? Uye tingahufananidze nomuenzanisoiko? 31Hwakaita setsanga yamasitadhi yokuti painodyarwa muvhu, inenge iri duku duku pane mbeu dzose dzapasi pose. 32Asi kana yadyarwa inokura kwazvo kudarika magwenzi ose. Inoita mapazi makuru, zvokuti shiri dzedenga dzinogona kuvaka matendere adzo mumumvuri wayo.”
33Nemienzaniso mizhinji yakadai aivataurira izvi maererano nezvavaikwanisa kubata. 34Haaimbotaura kwavari asingashandisi mienzaniso. Asi pavainge vava voga aizotsanangura zvose kuvadzidzi vake.
Jesu anodzikamisa dutu
(Mat 8:23–27; Ruka 8:22–25)
35Kuzoti ava manheru ezuva rakarero akavati, “Ngatichiyambukirai mhiri.” 36Vakasiya vanhu vazhinji vaya, vakamutora voenda naye ari mugwa sezvaakanga arimo nakare. Kwakanga kuina mamwe magwa aiva naye. 37Ipapo dutu guru rakamuka, mafungu akaroverera pagwa achipindamo zvokuti igwa rakanga rotoda kuzara nemvura.
38Asi iye akanga ari mugwa necheshure akakotsira akatsamira pamutsago. Vadzidzi vake vakumumutsa vachiti kwaari, “Mudzidzisi hamuna hanya here kuti tava kupera?” 39Jesu akamuka akakarira dutu achiti kugungwa, “Nyarara! Udzikame!” Dutu rakati zi–i kunyarara, kukabva kwanyatsoti dzikadzika. 40Zvino Jesu akati kwavari, “Sei muchitya kudai? Hamuna chitendero here?” 41Ivo vakabatwa nokutya kukuru, ndokutaurirana vachiti, “Ko uyu ndianiko uyu anoteererwa kunyange nemhepo negungwa?”
Zvasarudzwa nguva ino
Mariko 4: SCLBD
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.