Naʋanyori ʋakaŋga ʋaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakati: UnaBeerzeburi, unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomucinda wemŋeya yakaipa. Ɀino akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari nemifananidzo: Satani uŋgaɓuɗisa Satani seiko? Kana ʋushe bguciɀipesanisa, ʋushe ubgo habguŋgagoni kumira. Kana imba iciɀipesanisa, imba iyo haiŋgagoni kumira. Kana Satani aciɀimukira, akaɀipesanisa, haaŋgagoni kumira, asi unopera. Hakunomunhu uŋgapinda mumba mounesimba, akatora nhumbi dzake, asati ambosuŋga unesimba; ɀino uŋgaparadza imba yake. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋanakomana ʋaʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose, nokumhura kwose kwaʋanomhura Mŋari nako; asi aninani wamhura Mŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi nokuirŋgaperi, asi unemhoȿa yeciʋi cisiŋgapesi. Nokuti ʋakati: Unomŋeya wetȿina.
Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya, ʋakamira kunze, ʋakatumira nhume kwaari, kumuɗana. Ʋazhinji ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Tarirai, mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu nehanɀadzi dzenyu ʋari kunze ʋacikutȿakai. Akaʋapindura, akati: Mai ʋaŋgu, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! Nokuti aninani unoita kuɗa kwaMŋari, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.