Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 3:22-35

Mariko 3:22-35 SCLB

Uyezve nyanzvi dzoMutemo dzakabva Jerusaremu dzaiti, “Akagarwa naBheerizebhuri, uye kuti anodzinga mweya yakaipa nesimba rejinda remweya yakaipa.” Ipapo Jesu akadaidza vanhu ndokutaura kwavari nemienzaniso, achiti, “Nhaimi, Satani angadzinge Satani seiko? Kana umambo hwavakuzvirwisa, umambo ihwohwo haungagoni kumira. Kana vemba imwechete vorwisana pachavo, imba iyoyo haigoni kumira. Zvino kana iye Satani ava kuzvirwisa, haangagoni kumira, asi kuti avakutoenda kumagumo ake. Hakuna munhu angapinde mumba merume rine simba kuti aripambe zvinhu zvaro kusatoti atanga arisunga ndokuzopamba zvemba yaro. “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, zvitadzo zvose nokushonha Mwari kwose kunoregererwa vanhu. Asi ani naani anoshonha Mweya Mutsvene haachazomboregererwa chitadzo chake; achava nemhosva yechitadzo chinoramba chiripo narini wose.” Akadaro nokuti vakati, “Ane mweya wakaipa.” Zvino amai vake uye vakoma navanun'una vake vakauya vakamira panze ndokutumira munhu kundomudaidza. Vanhu vazhinji vakanga vagere pasi vakamukomberedza, vakati kwaari, “Amai venyu uye vakoma navanun'una venyu vari panze vari kukudai.” Iye akavapindura achiti, “Ko, amai vangu navakoma navanun'una vangu ndavanaani?” Ndokuringa–ringa vaya vakanga vagere vakamukomberedza, ndokuti, “Ava ndivo amai vangu navakoma navanun'una vangu. Ani naani anoita kuda kwaMwari ndiye mukoma nomunun'una neni, ndiye hanzvadzi naamai vangu.”

Verenga chikamu Mariko 3