Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 3

3
Jesu unoporesa munhu waiʋa noruʋoko rwakawonyana.
(Mat 12:9–14; Ruka 6:6–11)
1Wakapinda ɀe musinagoge; ɀino kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. 2Ʋakamutarisisa kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata; kuti ʋamupomere mhoȿa. 3Ɀino akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka pakati paʋo! 4Akati kwaʋari: Ɀakatenderwa here nesaɓata kuita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuponesa munhu kana kuʋuraya? Ʋakanyarara. 5Ɀino wakati ariŋga‐riŋga aciʋatarira nokutsamŋa, aneshuŋgu nokuɗa kwokuwoma kwemŋoyo yaʋo, akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako. Akarutambanudza, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. 6Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaɓuɗa, ʋakandoraŋgana pakarepo naʋaHerode pamsoro pake kuti ʋaŋgamuʋuraya sei.
Jesu unoporesa ʋazhinji.
(Mat 12:15–16; Ruka 6:17–19)
7Ɀino Jesu wakaenda naʋadzidzi ʋake kuguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera ʋacibva Garirea; nokuJudea, 8neJerusarema, neIdumea, nemhiri kwaJoridani, nokunyika yeTireneSidoni, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋanzwa ɀaanoita, ʋakaʋuya kwaari. 9Akaʋudza ʋadzidzi ʋake kuti kagwa kamugarire nokuɗa kwaʋazhinji, kuti ʋarege kumumanikidza. 10Nokuti wakaŋga aporesa ʋazhinji; naiɀoɀo ʋose ʋakaŋga ʋanamarwere ʋakamumanikidza, kuti ʋamunyaŋgate. 11Nemŋeya yetȿina yakati kana yamuʋona, yaiwira pasi pamberi pake, ikaɗanidzira iciti: Ndiwe Mŋanakomana waMŋari! 12Akairaira ɀikuru kuti irege kumuziʋisa pacena.
Jesu unoɗana ʋadzidzi ʋake.
(Mat 10:1–4; Ruka 6:12–16)
13Ɀino wakakwira mugomo akaɗana ʋaakaŋga aciɗa, ʋakaʋuya kwaari. 14Akagadza ʋanegumi naʋaʋiri kuti ʋagare naye, aʋatume kuti ʋaparidze, 15ʋuye ʋaʋe nesimba rokuɓuɗisa mŋeya yakaipa. 16Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro, 17naJakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna waJakobo; akaʋatumidza iʋo mazita anonzi Boanergesi, ndokuti ʋanakomana ʋokutinhira; 18naAndrea, naFiripo, naBartoromeo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naTadeo, naSimoni muKanani, 19naJudasi Iskarioti wakamupandukira ʋo.
Kumhura Mŋeya Mutȿene.
(Mat 12:22–32; Ruka 11:14–20)
Ɀino wakapinda mumba; 20ʋazhinji ʋakaʋuŋgana ɀe, nokuɗaro ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunyaŋge kudya ciŋgwa. 21Ʋanhu ʋokwake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaɓuɗa kuzomuɓata, nokuti ʋakati: Unopeŋga. 22Naʋanyori ʋakaŋga ʋaɓuruka ʋacibva Jerusarema, ʋakati: UnaBeerzeburi, unoɓuɗisa mŋeya yakaipa nomucinda wemŋeya yakaipa. 23Ɀino akaʋaɗanira kwaari, akati kwaʋari nemifananidzo: Satani uŋgaɓuɗisa Satani seiko? 24Kana ʋushe bguciɀipesanisa, ʋushe ubgo habguŋgagoni kumira. 25Kana imba iciɀipesanisa, imba iyo haiŋgagoni kumira. 26Kana Satani aciɀimukira, akaɀipesanisa, haaŋgagoni kumira, asi unopera. 27Hakunomunhu uŋgapinda mumba mounesimba, akatora nhumbi dzake, asati ambosuŋga unesimba; ɀino uŋgaparadza imba yake. 28Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, ʋanakomana ʋaʋanhu ʋacakaŋganwirwa ɀiʋi ɀose, nokumhura kwose kwaʋanomhura Mŋari nako; 29asi aninani wamhura Mŋeya Mutȿene, haaŋgakaŋganwirwi nokuirŋgaperi, asi unemhoȿa yeciʋi cisiŋgapesi. 30Nokuti ʋakati: Unomŋeya wetȿina.
Ʋukama naJesu.
(Mat 12:46–50; Ruka 8:19–21)
31Ɀino mai ʋake naʋanuŋuna ʋake ʋakaʋuya, ʋakamira kunze, ʋakatumira nhume kwaari, kumuɗana. 32Ʋazhinji ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, ʋakati kwaari: Tarirai, mai ʋenyu naʋanuŋuna ʋenyu nehanɀadzi dzenyu ʋari kunze ʋacikutȿakai. 33Akaʋapindura, akati: Mai ʋaŋgu, naʋanuŋuna ʋaŋgu ndiʋananiko? 34Ɀino akariŋga‐riŋga ʋanhu ʋakaŋga ʋagere, ʋakamukomba, akati: Tarirai mai ʋaŋgu naʋanuŋuna ʋaŋgu! 35Nokuti aninani unoita kuɗa kwaMŋari, ndiye munuŋuna waŋgu, nehanɀadzi, namai.

Zvasarudzwa nguva ino

Marko 3: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda