Mako 3:1-21
Mako 3:1-21 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pane imwe nguva akapinda musinagoge, uye imomo makanga mune murume akanga ane ruoko rwakanga rwakakokonyara. Vamwe vavo vakanga vachitsvaka mhosva yavangapomera Jesu, saka vakamutarisisa kuti vaone kana aizomuporesa nomusi weSabata. Jesu akati kumurume akanga ane ruoko rwakakokonyara, “Simuka umire pamberi pavanhu vose.” Ipapo Jesu akavabvunza akati, “Ndezvipiko zvinotenderwa nomusi weSabata: kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Asi vakaramba vanyerere. Atsamwa, akatarisa vanhu vose vakanga vakamukomberedza, uye ashungurudzwa nokuda kwokusindimara kwemwoyo yavo akati kumurume uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, uye ruoko rwake rukaporeswa. Ipapo vaFarisi vakabuda vakatanga kurangana navaHerodhi kuti vangauraya sei Jesu. Jesu akabva kugungwa navadzidzi vake, uye vanhu vazhinji vaibva kuGarirea vakamutevera. Vakati vanzwa zvose zvaakanga achiita, vanhu vazhinji vakauya kwaari vachibva kuJudhea, Jerusarema, Idhumea, uye namatunhu ari mhiri kweJorodhani, neakapoteredza Tire neSidhoni. Akaudza vadzidzi vake kuti vamutsvagire igwa duku, kuitira kuti vanhu varege kumutsikirira nokuda kwokuwanda kwavo. Ainge aporesa vazhinji zvokuti vaya vakanga vane zvirwere vakanga vachisundana vachiuya mberi kuti vamubate. Pose paaionekwa nemweya yakaipa, yaiwira pasi pamberi pake uye yaidanidzira ichiti, “Ndimi Mwanakomana waMwari.” Asi iye akairayira kwazvo kuti irege kutaura kuti akanga ari ani. Jesu akakwira pagomo akadana kwaari vaya vaaida, uye vakauya. Akasarudza vane gumi navaviri akavati vapostori, kuti vagare naye uye kuti agozovatuma kuti vandoparidza uye kuti vave nesimba rokudzinga madhimoni. Ava ndivo gumi navaviri vaakasarudza: Simoni (uyo waakatumidza zita rokuti Petro), Jakobho mwanakomana waZebhedhi nomununʼuna wake Johani (avo vaakatumidza zita rokuti Bhoanerigesi, kureva kuti Vanakomana voKutinhira), Andirea, Firipi, Bhatoromeo, Mateo, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifeasi, Tadheo, Simoni muZeroti naJudhasi Iskarioti, uyo akamupandukira. Ipapo Jesu akapinda mune imwe imba, uye vazhinji vakaunganazve, zvokuti iye navadzidzi vake vakanga vasingagoni kunyange kudya. Mhuri yake yakati yazvinzwa, vakaenda kundomubata, nokuti vakati, “Ava kupenga.”
Mako 3:1-21 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara. Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva. Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!” Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara. Zvino akati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora. Zvino vaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei. Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera vachibva Gariria; nokuJudhea, neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJorodhani, nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari. Akaudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira. Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vanamarwere vakamutsikirira, kuti vamunyangate. Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari. Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze, uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa. Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi, naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;” naAndireya, naFiripi, naBhatoromeo, Mateu naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naTadheo, naSimoni muKanani, naJudhasi Isikarioti akamupandukirawo. Zvino akapinda mumba, vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa. Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.”
Mako 3:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino Jesu akapindazve musinagogu; imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vaivamo vakamutarisisa vachida kuona kuti achamuporesa here nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Ipapo Jesu akati kumunhu woruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire apa,” ndokuvati, “Ko, zvinobvumirwa here nomusi weSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa; kuponesa munhu kana kuuraya?” Ivo vakati zi–i kunyarara. Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. VaFarisei vakabudamo kundomurangana pakarepo neveboka rokwaHerodhi kuti vangamuuraye sei. Jesu akabvapo navadzidzi vake oenda kugungwa; chitawo chikuru chavanhu vaibva kuGarirea chakatevera uyewo vanhu vakauya kwaari vachibva kuJudhea neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu. Sezvo akanga aporesa vazhinji, vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana vachida kumubata. Uye mweya yakaipa payaingomuona yaizviwisira pasi pamberi pake ichidaidzira ichiti, “Iwe, uri Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu aiikohomedza kuti irege kuzivisa vanhu kuti iye ndiani. Zvino Jesu akakwira mugomo ndokudaidza vaaida, ivo ndokuenda kwaari. Akasarudza gumi navaviri kuti vagochigara naye achivatuma kundoparidza, uyezve kuti vave nesimba rokudzinga mweya yakaipa. Vaiti, Simoni, waakapa rimwe zita rokuti Pita, kwouya Jemusi mwana waZebhedhi naJohani munun'una waJemusi vaakapa zita rokuti Bhoanerigesi, zvinoreva kuti vanaKutinhirasemheni kwozoti Andireya, naFiripi, kwouyawo Bhatoromeo, naMateu, kwozoti Tomasi, naJemusi, mwana waArifeo, uyewo Tadheusi naSimoni muKananai Nyashungu, uyewo ndokuzoti Judhasi Isikarioti uya akazomupandukira. Jesu akaenda kumba; gurumwandira ravanhu ndokubva ramuunganirazve, zvokuti vakatadza kana kudya chaiko. Zvino hama dzake padzakazvinzwa, dzakauya kuzomutora nokuti zvainzi, “Wava kupenga.”
Mako 3:1-21 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakapinda ɀe musinagoge; ɀino kwakaŋga kunomunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana. Ʋakamutarisisa kuʋona kana aŋgamuporesa nomusi wesaɓata; kuti ʋamupomere mhoȿa. Ɀino akati kumunhu wakaŋga anoruʋoko rwakawonyana: Simuka pakati paʋo! Akati kwaʋari: Ɀakatenderwa here nesaɓata kuita ɀakanaka kana ɀakaipa, kuponesa munhu kana kuʋuraya? Ʋakanyarara. Ɀino wakati ariŋga‐riŋga aciʋatarira nokutsamŋa, aneshuŋgu nokuɗa kwokuwoma kwemŋoyo yaʋo, akati kumunhu: Tambanudza ruʋoko rwako. Akarutambanudza, ruʋoko rwake rukaʋandudzwa. Ɀino ʋaFarise ʋakati ʋaɓuɗa, ʋakandoraŋgana pakarepo naʋaHerode pamsoro pake kuti ʋaŋgamuʋuraya sei. Ɀino Jesu wakaenda naʋadzidzi ʋake kuguŋgwa; ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakamuteʋera ʋacibva Garirea; nokuJudea, neJerusarema, neIdumea, nemhiri kwaJoridani, nokunyika yeTireneSidoni, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakati ʋanzwa ɀaanoita, ʋakaʋuya kwaari. Akaʋudza ʋadzidzi ʋake kuti kagwa kamugarire nokuɗa kwaʋazhinji, kuti ʋarege kumumanikidza. Nokuti wakaŋga aporesa ʋazhinji; naiɀoɀo ʋose ʋakaŋga ʋanamarwere ʋakamumanikidza, kuti ʋamunyaŋgate. Nemŋeya yetȿina yakati kana yamuʋona, yaiwira pasi pamberi pake, ikaɗanidzira iciti: Ndiwe Mŋanakomana waMŋari! Akairaira ɀikuru kuti irege kumuziʋisa pacena. Ɀino wakakwira mugomo akaɗana ʋaakaŋga aciɗa, ʋakaʋuya kwaari. Akagadza ʋanegumi naʋaʋiri kuti ʋagare naye, aʋatume kuti ʋaparidze, ʋuye ʋaʋe nesimba rokuɓuɗisa mŋeya yakaipa. Akatumidza Simoni zita rinonzi Petro, naJakobo, mŋanakomana waZebedi, naJohane, munuŋuna waJakobo; akaʋatumidza iʋo mazita anonzi Boanergesi, ndokuti ʋanakomana ʋokutinhira; naAndrea, naFiripo, naBartoromeo, naTomasi, naJakobo mŋanakomana waArfeo, naTadeo, naSimoni muKanani, naJudasi Iskarioti wakamupandukira ʋo. Ɀino wakapinda mumba; ʋazhinji ʋakaʋuŋgana ɀe, nokuɗaro ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kunyaŋge kudya ciŋgwa. Ʋanhu ʋokwake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaɓuɗa kuzomuɓata, nokuti ʋakati: Unopeŋga.
Mako 3:1-21 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)