Zvino Jesu akapindazve musinagogu; imomo maiva nomunhu aiva noruoko rwakakokonyara. Vaivamo vakamutarisisa vachida kuona kuti achamuporesa here nomusi weSabata kuti vamupe mhosva. Ipapo Jesu akati kumunhu woruoko rwakakokonyara, “Simuka, umire apa,” ndokuvati, “Ko, zvinobvumirwa here nomusi weSabata kuita zvakanaka kana kuita zvakaipa; kuponesa munhu kana kuuraya?” Ivo vakati zi–i kunyarara. Zvino iye akaringa–ringa achivatarisa nehasha, achisiririswa nokuomarara mwoyo kwavo, ndokuti kumunhu uya, “Tambanudza ruoko rwako.” Iye ndokutambanudza, ruoko rwake rukabva rwatwasanuka. VaFarisei vakabudamo kundomurangana pakarepo neveboka rokwaHerodhi kuti vangamuuraye sei.
Jesu akabvapo navadzidzi vake oenda kugungwa; chitawo chikuru chavanhu vaibva kuGarirea chakatevera uyewo vanhu vakauya kwaari vachibva kuJudhea neJerusaremu, neIdhumia; nokumhiri kwaJorodhani nokunharaunda yeTire neyeSidhoni, chita chikuru chavanhu vakanga vanzwa zvose zvaaiita. Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vafanomugadzirira igwa duku kuti arege kuzomanikwa nouzhinji hwavanhu. Sezvo akanga aporesa vazhinji, vose vakanga vaine zvirwere vaitsikinyidzana vachida kumubata. Uye mweya yakaipa payaingomuona yaizviwisira pasi pamberi pake ichidaidzira ichiti, “Iwe, uri Mwanakomana waMwari.” Asi Jesu aiikohomedza kuti irege kuzivisa vanhu kuti iye ndiani.
Zvino Jesu akakwira mugomo ndokudaidza vaaida, ivo ndokuenda kwaari. Akasarudza gumi navaviri kuti vagochigara naye achivatuma kundoparidza, uyezve kuti vave nesimba rokudzinga mweya yakaipa.
Vaiti, Simoni, waakapa rimwe zita rokuti Pita, kwouya Jemusi mwana waZebhedhi naJohani munun'una waJemusi vaakapa zita rokuti Bhoanerigesi, zvinoreva kuti vanaKutinhirasemheni kwozoti Andireya, naFiripi, kwouyawo Bhatoromeo, naMateu, kwozoti Tomasi, naJemusi, mwana waArifeo, uyewo Tadheusi naSimoni muKananai Nyashungu, uyewo ndokuzoti Judhasi Isikarioti uya akazomupandukira.
Jesu akaenda kumba; gurumwandira ravanhu ndokubva ramuunganirazve, zvokuti vakatadza kana kudya chaiko. Zvino hama dzake padzakazvinzwa, dzakauya kuzomutora nokuti zvainzi, “Wava kupenga.”