Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mako 3:1-21

Mako 3:1-21 SNA2002

Akapindazve musinagoge; zvino kwakanga kune munhu akanga ane ruoko rwakakokonyara. Vakamutarisisa kuona kana angamuporesa nomusi weSabata; kuti vamupomere mhosva. Zvino akati kumunhu akanga ano ruoko rwakakokonyara, “Simuka pakati pavo!” Akati kwavari, “Zvakatenderwa here neSabata kuita zvakanaka kana zvakaipa, kuponesa munhu kana kuuraya?” Vakanyarara. Zvino akati aringa-ringa achivatarira nokutsamwa, ane shungu nokuda kwokuoma kwemwoyo yavo, akati kumunhu, “Tambanudza ruoko rwako.” Akarutambanudza, ruoko rwake rukapora. Zvino vaFarisi vakati vabuda, vakandorangana pakarepo navaHerodhi pamusoro pake kuti vangamuuraya sei. Zvino Jesu akaenda navadzidzi vake kugungwa; vanhu vazhinji-zhinji vakamutevera vachibva Gariria; nokuJudhea, neJerusaremu, neIdhumia, nemhiri kwaJorodhani, nokunyika yeTire neSidhoni, vanhu vazhinji-zhinji vakati vanzwa zvaanoita, vakauya kwaari. Akaudza vadzidzi vake kuti kagwa kamugarire nokuda kwavazhinji, kuti varege kumutsikirira. Nokuti akanga aporesa vazhinji; naizvozvo vose vakanga vanamarwere vakamutsikirira, kuti vamunyangate. Nemweya yakaipa yakati kana yamuona, yaiwira pasi pamberi pake, ikadanidzira ichiti, “Ndiwe Mwanakomana waMwari!” Akairayira zvikuru kuti irege kumuzivisa pachena. Zvino akakwira mugomo akadana vaakanga achida, vakauya kwaari. Akagadza vane gumi navaviri kuti vagare naye, avatume kuti vaparidze, uye vave nesimba rokubudisa mweya yakaipa. Akatumidza Simoni zita rinonzi Petirosi, naJakobho, mwanakomana waZebhedhi, naJohani, munun'una waJakobho; akavatumidza ivo mazita anonzi Bhoanerigesi, ndokuti “Vanakomana vokutinhira;” naAndireya, naFiripi, naBhatoromeo, Mateu naTomasi, naJakobho mwanakomana waArifeo, naTadheo, naSimoni muKanani, naJudhasi Isikarioti akamupandukirawo. Zvino akapinda mumba, vazhinji vakaunganazve, nokudaro vakanga vasingagoni kunyange kudya chingwa. Vanhu vokwake vakati vachizvinzwa, vakabuda kuzomubata, nokuti vakati, “Anopenga.”

Verenga chikamu Mako 3