Mako 13:14-37
Mako 13:14-37 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Pamunenge moona nyangadzi yokuparadza yamira paisingafaniri, anoverenga ngaanzwisise, ipapo vari muJudhea ngavatizire kumakomo. Ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka kana kupinda mumba kuti abudise chinhu chipi zvacho chiri mumba. Munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kumba kuti andotora jasi rake. Zvichava zvinotyisa zvakadiniko kuvakadzi vane mimba navanoyamwiswa mumazuva iwayo! Nyengeterai kuti izvi zvirege kuitika munguva yechando, nokuti ayo achava mazuva okutambudzika asina kumbovapo kubva pakutanga, Mwari paakasika nyika, kusvikira zvino, uye haachazombovapozve. Dai Ishe akanga asina kutapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama. Asi nokuda kwavasanangurwa, avo vaakasarudza, akaatapudza hake. Panguva iyo kana munhu akati kwamuri, ‘Tarirai, houno Kristu!’ kana kuti, ‘Tarirai, uyo ari apo!’ musazvitenda. Nokuti vanaKristu venhema navaprofita venhema vachaonekwa uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti vatsause vatsvene, kana zvaigoneka. Saka mugare makarinda; ndagara ndakuudzai zvinhu zvose zvisati zvaitika. “Asi mumazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, “ ‘zuva richasvibiswa, uye mwedzi hauchazovhenekeri; nyeredzi dzichawa kudenga, uye masimba okudenga achadengenyeka.’ “Panguva iyoyo vanhu vachaona Mwanakomana woMunhu achiuya ari mumakore nesimba guru uye nokubwinya. Uye achatuma vatumwa vake, vagounganidza vasanangurwa kubva kumhepo ina, kubva kumagumo enyika kusvikira kumigumo yamatenga. “Zvino dzidzai chidzidzo ichi kubva pamuonde: Paunongotanga kuva namatavi manyoro uye mashizha awo otungira, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo kana moona zvinhu izvi zvoitika, zivai kuti ava pedyo, atova pamukova. Ndinokuudzai chokwadi, zvirokwazvo rudzi urwu harungapfuuri kusvikira zvinhu zvose izvi zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Hakuna munhu anoziva nezvezuva iro kana nguva iyo, kunyange vatumwa kudenga, kana Mwanakomana, asi Baba voga. Rindai! Svinurai! Hamuzivi kuti nguva iyo inosvika rini. Zvakaita somunhu anoenda kure: Anosiya imba yake akaichengetesa varanda vake, mumwe nomumwe pabasa rake, uye agoudza ari pamukova kuti agare akarinda. “Naizvozvo rindai nokuti hamuzivi musi unouya muridzi weimba, zvimwe madekwana, kana usiku, kana pakurira kwejongwe, kana mambakwedza. Kana akakurumidza kuuya, musamurega achikuwanai muvete. Zvandinotaura kwamuri, ndinozvitaura kuvanhu vose ndichiti, ‘Rindai!’ ”
Mako 13:14-37 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kana muchiona nyangadzi yokuparadza imire paisina kufanira kumira anorava ngaacherekedze, vari muJudhea ngavatizire kumakomo; ari pamusoro pedenga reimba ngaarege kuburuka, kana kupinda kuzotora chinhu mumba make. Nowari mumunda ngaarege kudzokera shure kuzotora nguo yake. Vachava nenhamo vane pamuviri navanoyamwisa namazuva iwayo! Nyengeterai kuti zvirege kuva panguva yechando. Nokuti namazuva iwayo kuchavapo kutambudzika, kusati kwakambovapo kwakadaro, kubva pakutanga kwokusikwa kwakasikwa naMwari, kusvikira zvino, uye hakuchazovipo. “Dai Ishe asaitapudza mazuva iwayo, hakuna munhu airarama; asi nokuda kwavakasanangurwa vaakasanangura, akatapudza mazuva iwayo. “Zvino kana munhu achiti kwamuri, ‘Tarirai Kristu ari pano, tarirai, ari apo,’ regai kutenda. Nokuti vanaKristu venhema vachamuka, navaporofita venhema, vachaita zviratidzo nezvinoshamisa, kuti vatsause vakasanangurwa, kana zvichibvira. Asi chenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuudzai zvose! “Asi namazuva iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuva richasviba, nomwedzi hauchazobwinyi, nenyeredzi dzichawa kudenga, namasimba ari kudenga achazununguswa. Ipapo vachaona Mwanakomana womunhu achiuya mumakore nesimba guru nokubwinya. “Ipapo achatuma vatumwa, akaunganidza vakasanangurwa vake kunobva mhepo ina, kubva kurutivi rumwe rwenyika kusvikira kuno rumwe rutivi rwedenga. “Dzidzai pamuonde mufananidzo uyu; kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhizha rava pedyo. Saizvozvo imiwo, kana moona izvozvo zvichiitwa, zivai kuti ava pedyo atosvika pamusuo. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, rudzi urwu harungatongopfuuri, kusvikira izvozvo zvose zvaitika. Denga nenyika zvichapfuura, asi mashoko angu haangatongopfuuri. “Asi kana riri zuva iro nenguva iyo, hakuna anozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange Mwanakomana, asi Baba. Chenjerai, murinde, nokunyengetera; nokuti hamuzivi kuti nguva ichasvika rini. Zvakaita somunhu akaenda kune imwe nyika, akasiya imba yake, akapa varanda vake simba, mumwe nomumwe basa rake, akarayira murindi womusuo kuti arindire. Naizvozvo rindai, nokuti hamuzivi musi muridzi weimba anouya nawo, kana madeko, kana pakati pousiku, kana pakurira kwehuku, kana mangwanani; kuti arege kuuya kamwe-kamwe, akakuwanai muvete. Zvandinokuudzai imi, ndinoudza vose, ndichiti, ‘Rindai!’ ”
Mako 13:14-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo. Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake. Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti zvisaitike panguva yechando. Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve. Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho. “Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende. Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka. Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose. “Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri. Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvoitika, zivai kuti iye ava pedyo, atova pamusuo chaipo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga. Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini. Izvi zvakafanana nomunhu ari parwendo, anoti kana obva pamba, anosiya aturira imba yake mumaoko avaranda vake mumwe nomumwe aine basa rake. Anoudza mutariri wapasuo guru kugaririra. Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani. Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira. Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.”
Mako 13:14-37 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza imire paisina‐kufanira kumira (unoraʋa ŋgaacerekedze), ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba ŋgaarege kuɓuruka, kana kupinda kuzotora cinhu mumba make. Nouri mumunda ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo! Nyeŋgeterai kuti ɀirege kuʋa pacando. Nokuti namazuʋa iwayo kucaʋa’po kutambudzika, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwokusikwa kwakasikwa naMŋari, kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai Ishe asaitapudza mazuʋa iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa ʋaakasanaŋgura, wakatapudza mazuʋa iwayo. Ɀino kana munhu aciti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. Nokuti ʋanaKristu ʋenhema ʋacamuka, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaita ɀiratidzo neɀinoshamisa, kuti ʋatsause ʋakasanaŋgurwa, kana ɀicibvira. Asi cenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuʋudzai ɀose! Asi namazuʋa iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuʋa ricaȿiɓa, Nomŋedzi haucazobginyi, nenyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba ari kuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya mumakore nesimba guru nokubginya. Ipapo ucatuma ʋatumŋa, akaʋuŋganidza ʋakasanaŋgurwa ʋake kunobʋa mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwokuɗeŋga. Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo; kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo imi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀiciitwa, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira iɀoɀo ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa. Cenjerai, murinde, nokunyeŋgetera; nokuti hamuziʋi kuti ŋguʋa icaȿika rini. Ɀakaita somunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akasiya imba yake, akapa ʋaranda ʋake simba, mumŋe nomumŋe ɓasa rake, akaraira murindi womukoʋa kuti arindire. Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi musi mŋene weimba waanoʋuya nawo, kana maɗeko, kana pakati poʋusiku, kana pakurira kwehuku, kana maŋgwanani; kuti arege kuʋuya kamŋe‐kamŋe, akakuwanai muʋete. Ɀandinokuʋudzai imi, ndinoʋudza ʋose, ndiciti: Rindai!
Mako 13:14-37 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)