Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 13:14-37

Mariko 13:14-37 SCLBD

“Asi kana moona chiya choumharadzi chinon'oresa chomira pachisingafaniri kumira, anoverenga ngaanzwisisewo, saka vari Judhea ngavatizire kumakomo. Anenge ari pamusoro pemba, ngaarege kuburukira pasi kuti apinde mumba make kundotora chinhu. Anenge ari kumunda ngaarege kudzokera kundotora jazi rake. Hameno zvavo vanenge vane pamuviri navavo vanenge vachiri kuyamwisa pamazuva iwayo. Namatai kuti zvisaitike panguva yechando. Nokuti pamazuva iwayo pachava nenhamo isati yamboitika kubvira pakutanga kwokusikwa kwezvinhu zvakasikwa naMwari kusvika pari nhasi, uye hazvichazomboitikazve. Dai kuri kuti Tenzi haana kutapudza zvake mazuva iwayo, hapana munhu airarama, asi pamusana pavasarudzwi vaakasarudza akatapudza mazuva acho. “Panguva iyoyo kana ani zvake akati kwamuri, ‘Tarisai houno Kristu! Kana kuti ari koko!’ Musazvitende. Kuchamuka vana kristu venhema navaporofita venhema vachionesa zviratidzo namashura kuti vatsautse vasarudzwi, kana zvichigoneka. Asi, imimi chichenjerai, ndafanokuudzai zvinhu zvose. “Asi mumazuva iwayo, mushure menhamo iyoyo zuva richaora, mwedzi ucharega kuvhenekera, uye nyenyedzi dzichadonha kubva mudenga, uye masimba omudenga achazungunutswa. Ndipo pavachaona Mwanakomana womunhu achiuya ari mumakore aine simba guru nembiri. Zvino iye achazotuma vatumwa vake kundokokorodza vasarudzwi vake kubva kumativi mana enyika, kubvira kwakaperera nyika yose kusvika kwakaperera denga. “Dzidzai chidzidzo chinobva kumuonde. Kana bazi rawo rotunga, pfumvudza yobuda, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo. Naizvozvo imiwo kana moona izvi zvoitika, zivai kuti iye ava pedyo, atova pamusuo chaipo. Zviro kwazvo ndinoti kwamuri chizvarwa ichi hachimbopfuuri zvinhu izvi zvose zvisati zvaitika. Denga napasi zvichapera zvazvo asi mazwi angu haachapfuuri. “Asi zvezuva iroro nenguva yacho hapana anozviziva kunyange vatumwa vari kudenga, kanawo Mwanakomana, asi Baba voga. Chenjerai mugaririre, nokuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika rini. Izvi zvakafanana nomunhu ari parwendo, anoti kana obva pamba, anosiya aturira imba yake mumaoko avaranda vake mumwe nomumwe aine basa rake. Anoudza mutariri wapasuo guru kugaririra. Naizvozvo rindirai nokuti hamuzivi kuti saimba anouya rini, kumanheru here, pakati pousiku kana kuti nguva yomurirakamwe kana kuti mangwanani. Angadaro akayerekana asvika okuwanai makakotsira. Zvandiri kukutaurirai ndiri kutaurira vose, rindirai.”

Verenga chikamu Mariko 13