Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 13

13
Jesu unoprofita kuputswa kweJerusarema nokudzoka kwake.
(Mat 24:1–51; Ruka 21:5–36)
1Wakati aciɓuɗa mutembere, mumŋe waʋadzidzi ʋake akati kwaari: Mudzidzisi, tarirai mabge, kunaka! nedzimba kunaka! 2Jesu akati kwaari: Unoʋona dzimba idzi huru? Hakuŋgaregwi ibge pamsoro pebge, risiŋgazowisirwi pasi.
3Ɀino wakati agere pagomo reMiorivi, pakatarisana netembere, Petro, naJakobo, naJohane, naAndrea ʋakamubvunza ʋari ʋoga, ʋaciti: 4Tiʋudzei kuti iɀoɀi ɀicagoʋa riniko? Neciratidzo cicaʋa cipiko, kana iɀoɀi ɀose ɀoɗo‐kuitwa? 5Ɀino Jesu akataŋga kuʋaʋudza, akati: Cenjerai kuti murege kutsauswa nomunhu. 6Ʋazhinji ʋacaʋuya nezita raŋgu, ʋaciti: Ndini Kristu, ʋacitsausa ʋazhinji. 7Kana mucinzwa ɀokurwa, neguhu rokurwa, musavunduka; iɀoɀo ɀinofanira kumboitika; asi kuguma kucigere kuȿika. 8Nokuti rudzi rucamukira rudzi, ʋushe bgucamukira ʋushe; kuɗeŋgenyika kwenyika kucaʋa’po kunedzimŋe nɀimbo; nenzara dzicaʋa’po. Ndiko kutaŋga kwenhamo.
9Ɀicenjerei imi, nokuti ʋacakuisai kumakurukota, ʋuye mucarobga mumasinagoge, mucaiswa pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, ciʋe capupu kwaʋari. 10NeEvaŋgeri inofanira kutaŋga kumboparidzirwa marudzi ose. 11Kana ʋacienda nemi kukutoŋgwa, ʋacikuisai kumakurukota, musambofuŋganya ɀamucataura, asi taurai camuneŋge mapiwa neŋguʋa iyo. Nokuti hamuzimi munotaura, asi ndi Mŋeya Mutȿene. 12Mukoma ucaisa munuŋuna kurufu, naɓaɓa mŋana waʋo; naʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋurayisa. 13Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋga kuȿikira pakuguma ucaponeswa.
14Ɀino kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza imire paisina‐kufanira kumira (unoraʋa ŋgaacerekedze), ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; 15uri pamsoro peɗeŋga reimba ŋgaarege kuɓuruka, kana kupinda kuzotora cinhu mumba make. 16Nouri mumunda ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. 17Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo! 18Nyeŋgeterai kuti ɀirege kuʋa pacando. 19Nokuti namazuʋa iwayo kucaʋa’po kutambudzika, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwokusikwa kwakasikwa naMŋari, kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. 20Ƌai Ishe asaitapudza mazuʋa iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa ʋaakasanaŋgura, wakatapudza mazuʋa iwayo. 21Ɀino kana munhu aciti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. 22Nokuti ʋanaKristu ʋenhema ʋacamuka, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaita ɀiratidzo neɀinoshamisa, kuti ʋatsause ʋakasanaŋgurwa, kana ɀicibvira. 23Asi cenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuʋudzai ɀose!
24Asi namazuʋa iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuʋa ricaȿiɓa, Nomŋedzi haucazobginyi, 25nenyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba ari kuɗeŋga acazunuŋguswa. 26Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya mumakore nesimba guru nokubginya. 27Ipapo ucatuma ʋatumŋa, akaʋuŋganidza ʋakasanaŋgurwa ʋake kunobʋa mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwokuɗeŋga.
28Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo; kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. 29Saiɀoɀo imi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀiciitwa, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. 30Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira iɀoɀo ɀose ɀaitika. 31Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. 32Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa. 33Cenjerai, murinde, nokunyeŋgetera; nokuti hamuziʋi kuti ŋguʋa icaȿika rini. 34Ɀakaita somunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akasiya imba yake, akapa ʋaranda ʋake simba, mumŋe nomumŋe ɓasa rake, akaraira murindi womukoʋa kuti arindire. 35Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi musi mŋene weimba waanoʋuya nawo, kana maɗeko, kana pakati poʋusiku, kana pakurira kwehuku, kana maŋgwanani; 36kuti arege kuʋuya kamŋe‐kamŋe, akakuwanai muʋete. 37Ɀandinokuʋudzai imi, ndinoʋudza ʋose, ndiciti: Rindai!

Zvasarudzwa nguva ino

Marko 13: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda