Ɀino kana muciʋona nyaŋgadzi yokuparadza imire paisina‐kufanira kumira (unoraʋa ŋgaacerekedze), ʋari muJudea ŋgaʋatizire kumakomo; uri pamsoro peɗeŋga reimba ŋgaarege kuɓuruka, kana kupinda kuzotora cinhu mumba make. Nouri mumunda ŋgaarege kudzokera shure kuzotora ŋguʋo yake. Ʋacaʋa nenhamo ʋanemimba naʋanomŋisa namazuʋa iwayo! Nyeŋgeterai kuti ɀirege kuʋa pacando. Nokuti namazuʋa iwayo kucaʋa’po kutambudzika, kusati kwakamboʋa’po kwakaɗaro, kubva pakutaŋga kwokusikwa kwakasikwa naMŋari, kuȿikira ɀino, ʋuye hakucazoʋi’po. Ƌai Ishe asaitapudza mazuʋa iwayo, hakunenyama yairarama; asi nokuɗa kwaʋakasanaŋgurwa ʋaakasanaŋgura, wakatapudza mazuʋa iwayo. Ɀino kana munhu aciti kwamuri: Tarirai Kristu uri pano, tarirai uri papo, regai kutenda. Nokuti ʋanaKristu ʋenhema ʋacamuka, naʋaprofita ʋenhema, ʋacaita ɀiratidzo neɀinoshamisa, kuti ʋatsause ʋakasanaŋgurwa, kana ɀicibvira. Asi cenjerai imi; tarirai, ndagara ndakuʋudzai ɀose!
Asi namazuʋa iwayo, shure kwokutambudzika ikoko, zuʋa ricaȿiɓa, Nomŋedzi haucazobginyi, nenyeredzi dzicawa kuɗeŋga, namasimba ari kuɗeŋga acazunuŋguswa. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya mumakore nesimba guru nokubginya. Ipapo ucatuma ʋatumŋa, akaʋuŋganidza ʋakasanaŋgurwa ʋake kunobʋa mhepo inna, kubva kurutiʋi rumŋe rwenyika kuȿikira kunorumŋe rutiʋi rwokuɗeŋga.
Dzidzai pamuʋonde mufananidzo wawo; kana ɗaʋi rawo raʋa nyoro, mashizha acituŋga, munoziʋa kuti zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo imi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀiciitwa, ziʋai kuti waʋa pedyo pamukoʋa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu haruŋgatoŋgopfuʋuri, kuȿikira iɀoɀo ɀose ɀaitika. Ƌeŋga nenyika ɀicapfuʋura, asi mashoko aŋgu haaŋgatoŋgopfuʋuri. Asi kana riri zuʋa iro neŋguʋa iyo, hakuna‐unoɀiziʋa, kunyaŋge ʋatumŋa ʋokuɗeŋga, kunyaŋge Mŋanakomana, asi Ƃaɓa. Cenjerai, murinde, nokunyeŋgetera; nokuti hamuziʋi kuti ŋguʋa icaȿika rini. Ɀakaita somunhu wakaenda kuneimŋe nyika, akasiya imba yake, akapa ʋaranda ʋake simba, mumŋe nomumŋe ɓasa rake, akaraira murindi womukoʋa kuti arindire. Naiɀoɀo rindai, nokuti hamuziʋi musi mŋene weimba waanoʋuya nawo, kana maɗeko, kana pakati poʋusiku, kana pakurira kwehuku, kana maŋgwanani; kuti arege kuʋuya kamŋe‐kamŋe, akakuwanai muʋete. Ɀandinokuʋudzai imi, ndinoʋudza ʋose, ndiciti: Rindai!