Mako 1:21-45
Mako 1:21-45 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakaenda kuKapenaume, uye nomusi weSabata, Jesu akapinda musinagoge akatanga kudzidzisa. Vanhu vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane simba, asingaiti savadzidzisi vomurayiro. Pakarepo mumwe murume akanga ari musinagoge ravo akanga akabatwa nomweya wakaipa akadanidzira achiti, “Munodeiko kwatiri, imi Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza here? Ndinoziva kuti ndimi ani, imi Mutsvene waMwari!” Jesu akarayira akati, “Nyarara! Buda maari!” Mweya wakaipa wakamuzunza-zunza ndokubva wabuda maari nenzwi guru. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Chiiko ichi? Idzidziso itsva ine simba! Anorayira kunyange mweya yakaipa, uye ichimuteerera.” Mukurumbira wake wakapararira munyika yose yeGarirea. Vakati vachangobva musinagoge, vakaenda naJakobho naJohani kumba kwaSimoni naAndirea. Ambuya vaSimoni vakanga vavete pamubhedha vachirwara nefivha, uye vakaudza Jesu nezvavo. Saka akaenda kwavari, akabata ruoko rwavo akavabatsira kusimuka. Fivha yakabva mavari vakatanga kuvashandira. Manheru acho iwayo zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vairwara navakanga vakabatwa namadhimoni. Guta rose rakaungana pamukova, uye Jesu akaporesa vazhinji vakanga vane zvirwere zvakasiyana-siyana. Akadzingawo madhimoni mazhinji, asi akanga asingatenderi madhimoni kuti ataure nokuti akanga achiziva kuti iye ndiani. Mangwanani-ngwanani, kuchakasviba, Jesu akamuka akabuda mumba akaenda kunzvimbo yaakanga ari oga, ikoko akandonyengetera. Simoni navamwe vake vakaenda kundomutsvaka, uye vakati vamuwana, vakati, “Vanhu vose vanokutsvakai!” Jesu akapindura akati, “Ngatiendei kune imwe nzvimbo, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidzawo ikoko. Ndizvo zvandakauyira.” Saka akafamba nomuGarirea yose, achiparidza mumasinagoge avo uye achidzinga madhimoni. Mumwe murume akanga ana maperembudzi akauya kwaari akapfugama, akamukumbira zvikuru achiti, “Kana muchida, munogona kundinatsa.” Jesu akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake akabata murume uya. Akati, “Ndinoda. Chinatswa!” Pakarepo maperembudzi akabva paari uye akaporeswa. Jesu akamuendesa pakarepo akamuyambira zvikuru achiti, “Chenjera kuti urege kuudza mumwe munhu. Asi enda, undozviratidza kumuprista ugobayira chipiriso chakarayirwa naMozisi chokuporeswa kwako, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda akatanga kutaura akasununguka, achiparadzira shoko iro. Nokuda kwaizvozvo, Jesu haana kuzogona kupinda muguta zviri pachena asi akagara kunze, kunzvimbo dzakanyarara. Kunyange zvakadaro vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:21-45 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vakapinda Kapenaume; pakarepo nomusi weSabata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Vakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti akavadzidzisa somunhu ane chiremera, asingaiti savanyori. Zvino musinagoge ravo makanga muno munhu akanga anomweya wakaipa, akadanidzira, achiti, “Tine mhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? Mauya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuzivai kuti ndimi ani; muri Mutsvene waMwari.” Zvino Jesu akamuraira; akati, “Nyarara, ubude kwaari!” Mweya wakaipa akamubvundisa, ndokudanidzira nezwi guru, ndokubuda kwaari. Vakatya zvikuru vose, nokudaro vakaita nyaya, vachiti, “Chinyiko ichi? Kudzidzisa kutsva kune simba! Anorayira kunyange nemweya yakaipa ikamuterera.” Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGariria. Pakarepo vakati vachibva musinagoge, vakapinda mumba maSimoni naAndireya, Jakobho naJohani vanavo. Vambuya vaSimoni vakanga vavete vachirwara nefivha; pakarepo vakamuudza izvozvo. Akaenda, akavabata noruoko, akavamutsa; fivha ikavarega, vakavashandira. Madekwana, zuva ravira, vakaisa kwaari vose vakanga vachirwadziwa, navakanga vakabatwa nemweya yakaipa. Guta rose rakanga raungana pamusuo. Akaporesa vazhinji vakanga vachirwadziwa namarudzi ehosha, akabudisa mweya yakaipa mizhinji; asi akanga asingatenderi mweya yakaipa kutaura, nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani kuchine rima, akamuka akabuda, akaenda kunzvimbo murenje, akandonyengeterapo. Simoni, navakanga vanaye, vakamutevera. Vakamuwana, vakati kwaari, “Vose vanokutsvakai.” Akati kwavari, “Ngatiende kumwe, kumisha iri pedyo, kuti ndinoparidza ikokowo, nokuti ndizvo zvandakauyira.” Akaenda, akaparidza mumasinagoge avo muGariria rose achibudisa mweya yakaipa. Zvino munhu aiva namaperembudzi akauya kwaari, akakumbira zvikuru kwaari, ndokupfugama pamberi pake, akati kwaari, “Kana muchida henyu, munogona kundinatsa.” Akamunzwira ngoni, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari, “Ndinoda, chinatswa.” Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Zvino akamurayira kwazvo, akamuendesa pakarepo. Akati kwaari, “Chenjera kuti urege kuudza munhu chinhu; asi enda uzviratidze kumupristi, ubayire pamusoro pokunatswa kwako zvakarairwa naMosesi, chive chapupu kwavari.” Asi iye akabuda, akatanga kuzviudza vanhu vazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokudaro Jesu akanga asingagoni kupinda muguta pachena, asi akanga ari kunze panzvimbo murenje; vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:21-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea. Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani. Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo. Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira. Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Guta rose rakaungana pamusuo. Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani–ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko. Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka. Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.” Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa. Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa. Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose.
Mako 1:21-45 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea. Pakarepo ʋakati ʋacibva musinagoge, ʋakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobo naJohane ʋanaʋo. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋaʋete ʋacirwara nefiviri; pakarepo ʋakamuʋudza iɀoɀo. Akaenda, akaʋaɓata noruʋoko, akaʋamutsa; fiviri ikaʋarega, ʋakaʋashandira. Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa. Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa. Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa. Maŋgwanani kucinerima, wakamuka akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo murenje, akandonyeŋgetera’po. Simoni, naʋakaŋga ʋanaye, ʋakamuteʋera. Ʋakamuwana, ʋakati kwaari: Ʋose ʋanokutȿakai. Akati kwaʋari: Ŋgatiende kumŋe kumisha iri pedyo, kuti ndindoparidza ikoko ʋo, nokuti ndiɀo ɀandakaʋuyira. Akaenda, akaparidza mumasinagoge aʋo paGarirea rose aciɓuɗisa mŋeya yakaipa. Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Ɀino akamuraira kwaɀo, akamuendisa pakarepo. Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose.
Mako 1:21-45 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)