Ʋakapinda Kapernaume; pakarepo nomusi wesaɓata akapinda musinagoge, akadzidzisa. Ʋakashamiswa nokudzidzisa kwake, nokuti wakaʋadzidzisa somunhu unesimba, asiŋgaiti saʋanyori. Ɀino musinagoge raʋo makaŋga munomunhu wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakaɗanidzira, aciti: Tinemhaka yeiko nemi, Jesu weNazareta? maʋuya kuzotiparadza kanhi? Ndinokuziʋai kuti ndimi ani; muri Mutȿene waMŋari. Ɀino Jesu akamuraira, akati: Nyarara, uɓuɗe kwaari! Mŋeya wetȿina ukamubvundisa, ndokuɗanidzira nenzwi guru, ndokuɓuɗa kwaari. Ʋakatya ɀikuru ʋose, nokuɗaro ʋakaita nyaya, ʋaciti: Cinyiko ici? Kudzidzisa kutȿa kunesimba! Unoraira kunyaŋge nemŋeya yetȿina ikamuterera. Pakarepo mukurumbira wake ukanzwika panyika yose yakapoteredza yeGarirea.
Pakarepo ʋakati ʋacibva musinagoge, ʋakapinda mumba maSimoni naAndrea, Jakobo naJohane ʋanaʋo. Mai ʋomukadzi waSimoni ʋakaŋga ʋaʋete ʋacirwara nefiviri; pakarepo ʋakamuʋudza iɀoɀo. Akaenda, akaʋaɓata noruʋoko, akaʋamutsa; fiviri ikaʋarega, ʋakaʋashandira.
Maɗekwana, zuʋa raʋira, ʋakaisa kwaari ʋose ʋakaŋga ʋacirwadziwa, naʋakaŋga ʋakaɓatwa nemŋeya yakaipa. Guta rose rakaŋga raʋuŋgana pamukoʋa. Akaporesa ʋazhinji ʋakaŋga ʋacirwadziwa namarudzi ehosha, akaɓuɗisa mŋeya yakaipa mizhinji; asi wakaŋga asiŋgatenderi mŋeya yakaipa kutaura, nokuti yakaŋga icimuziʋa.
Maŋgwanani kucinerima, wakamuka akaɓuɗa, akaenda kunɀimbo murenje, akandonyeŋgetera’po. Simoni, naʋakaŋga ʋanaye, ʋakamuteʋera. Ʋakamuwana, ʋakati kwaari: Ʋose ʋanokutȿakai. Akati kwaʋari: Ŋgatiende kumŋe kumisha iri pedyo, kuti ndindoparidza ikoko ʋo, nokuti ndiɀo ɀandakaʋuyira. Akaenda, akaparidza mumasinagoge aʋo paGarirea rose aciɓuɗisa mŋeya yakaipa.
Ɀino munhu unamaperembudzi akaʋuya kwaari, akakumbira ɀikuru kwaari, ndokufugama pamberi pake, akati kwaari: Kana muciɗa, munogona kundinatsa. Akamunzwira ŋgoni, akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Ndinoɗa, cinatswa. Pakarepo maperembudzi akabva kwaari, akanatswa. Ɀino akamuraira kwaɀo, akamuendisa pakarepo. Akati kwaari: Cenjera kuti urege kuʋudza munhu cinhu; asi enda uɀiratidze kumuprista, uɓayire pamsoro pokunatswa kwako ɀakarairwa naMosesi, ciʋe capupu kwaʋari. Asi iye wakaɓuɗa, akataŋga kuɀiʋudza ʋanhu ʋazhinji, nokuparidzira shoko iro, nokuɗaro Jesu wakaŋga asiŋgagoni kupinda muguta pacena, asi wakaŋga ari kunze panɀimbo murenje; ʋakaʋuya kwaari ʋacibʋa kumatiʋi ose.