Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mariko 1:21-45

Mariko 1:21-45 SCLB

Zvino vakazosvika muKapenaumu. Zvarakanga ravaSabata, Jesu akapinda musinagogu akadzidzisamo. Vanhu vakashamiswa kwazvo norudzidziso rwake nokuti aidzidzisa somunhu ane chiremera, kwete senyanzvi dzoMutemo. Ipapo musinagogu mavo maiva nomunhu aiva nomweya wetsvina. Akazhamba achiti, “Ko, tinei newe Jesu weNazareti? Wauya kuzotiparadza here? Ndinokuziva kuti ndiwe ani, ndiwe Mutsvene waMwari.” Jesu akaukarira achiti, “Nyarara, buda maari!” Mweya wetsvina uya wakamupfurupfutisa ndokuridza mhere uchibva wabuda maari. Vanhu vose vakashamiswa kwazvo zvokuti vakabvunzana vachiti, “Ko, chiiko ichi? Chidzidziso chitsvasu! Anotaurira kunyange mweya yetsvina ichimuteera.” Mukurumbira wake wakabva wapararira kwose kwose, munharaunda yose yeGarirea. Zvino ivo pakarepo vakabva vabva pasinagogu vakandopinda mumba mavanaSimoni naAndireya vaina Jemusi naJohani. Zvino vambhuya vaSimoni vakanga varere muviri wavo wakanga uchipinda chando. Vakabva vataurira Jesu nezvavo. Jesu akaenda akavabata ruoko ndokuvasimudza, denda ndokubva ravasiya, ivo ndokuvashandira. Zvino kuzoti ava manheru, zuva ravira, vanhu vakauya kuna Jesu navose vakanga vachirwara kana vakanga vakagarwa nemweya yakaipa. Guta rose rakaungana pamusuo. Jesu akaporesa vazhinji vaiva namatenda akasiyana–siyana, achidzingawo mweya yakaipa mizhinji; akanga asingabvumiri mweya yakaipa iyoyo kuti itaure chinhu nokuti yakanga ichimuziva. Mangwanani–ngwanani, kuchiri kutema, Jesu akamuka akabuda achienda kunzvimbo isina vanhu kwaakandonamata ikoko. Simoni navamwe vaiva naye vakazotevera vachimutsvaka. Kuzoti vamuwana, vakati kwaari, “Vanhu vose vari kukutsvakai.” Ipapo Jesu akati kwavari, “Handeyi kumwe, kuna maguta ari pedyo ndigondoparidzawo ikoko, nokuti izvi ndizvo zvandakavinga.” Nokudaro akafamba neGarirea yose achiparidza mumasinagogu avo, achidzingawo mweya yakaipa. Kwakazouya kwaari munhu aiva namaperembudzi achimuteterera, akapfugama achiti, “Kana muchida henyu munogona kundiporesa nokundichenura.” Zvino Jesu akamunzwira tsitsi ndokutambanudza ruoko rwake kwaari omubata, ndokuti kwaari, “Ndinoda, chipora uchenurwe.” Pakarepo maperembudzi ake akabva apera, akabva achenurwa. Zvino Jesu akamutsindidza akamuendesa pakarepo achiti kwaari, “Uone kuti usataurire kana ani zvake; asi enda undozviratidza kumupristi, upe chipo chokuchenurwa kwako sezvakatemwa naMosesi, kuti chive chapupu kuvanhu.” Asi munhu uya paakangoti budei, akatangisa kuparidzira zvinhu pachena achimwaya kwose kwose nyaya iya zvokuti Jesu haana kuzokwanisa kupinda zviri pachena muguta ripi zvaro. Akatenge ogara kunzvimbo dzisina vanhu, asi vanhu vakauya kwaari vachibva kumativi ose.

Verenga chikamu Mariko 1