Mateo 26:44-75
Mateo 26:44-75 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka akavasiya akaendazve uye akanyengetera kechitatu, achitaura zvimwe chetezvo. Ipapo akadzokazve kuvadzidzi akati kwavari, “Muchakavata uye muchakazorora here? Tarirai, nguva yava pedyo, uye Mwanakomana woMunhu ari kupandukirwa achiiswa mumaoko avatadzi. Simukai, ngatichiendai! Anondipandukira uya ouya!” Paakanga achiri kutaura kudaro, Judhasi, mumwe wevane gumi navaviri akasvika. Akauya navanhu vazhinji vakanga vakabata minondo netsvimbo, vakanga vatumwa navaprista vakuru navakuru vavanhu. Zvino uya akamupandukira ainge avaudza chiratidzo achiti, “Uyo wandinotsvoda ndiye; mumusunge.” Judhasi akaenda pakarepo kuna Jesu akati, “Kwaziwai, Rabhi!” uye akamutsvoda. Jesu akamupindura achiti, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo varume vakaswedera pedyo vakabata Jesu, vakamusunga. Ipapo mumwe waavo vaiva naJesu akavhomora munondo wake ndokugura nzeve yomuranda womuprista mukuru. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzorera munondo wako mumuhara mawo, nokuti vose vanovhomora munondo vachafa nomunondo. Unofunga kuti handigoni here kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iye zvino, vatumwa vanopfuura mapoka makuru gumi namaviri? Asi Magwaro angagozadziswa sei anoti zvinofanira kuitika saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuvanhu vazhinji vaivapo, “Ko, ndinotungamirira vapanduki here zvamauya neminondo netsvimbo kuzondibata? Mazuva ose ndaigara mutemberi ndichidzidzisa uye hamuna kundisunga. Asi izvi zvose zvaitika kuti zvakanyorwa navaprofita zvizadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya uye vakatiza. Vaya vakanga vasunga Jesu vakaenda naye kuna Kayafasi, muprista mukuru, uko kwakanga kwakaungana vadzidzisi vomurayiro navamwe vakuru. Asi Petro akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvazhe rwomuprista mukuru. Akapinda akagara pasi pamwe chete navarindi kuti aone maperero azvo. Vaprista vakuru nedare rose ramakurukota vakanga vachitsvaka zvapupu zvenhema kuti zvipomere Jesu mhosva kuti vamuuraye. Asi havana zvavakawana, kunyange zvazvo zvapupu zvenhema zvakauya pamberi. Pakupedzisira, vaviri vakauya vakati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari ndigoivakazve namazuva matatu.’ ” Ipapo muprista mukuru akasimuka akati kuna Jesu, “Ko, haupinduri here? Uchapupu uhu hunorehwa navarume ava pamusoro pako ndohwei?” Asi Jesu akaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari, “Ndinokurayira, sezvo wapika naMwari mupenyu, kuti, ‘Tiudze kana uri iwe Kristu, Mwanakomana waMwari.’ ” Jesu akapindura akati, “Hongu, ndizvo zvamataura. Asi ndinoti kwamuri mose: Munguva inouya muchaona Mwanakomana woMunhu agere kurudyi rwaSamasimba uye achiuya ari mumakore okudenga.” Ipapo muprista mukuru akabvarura nguo dzake akati, “Ataura zvinomhura. Tichagodirei zvimwe zvapupu? Tarirai, zvino manzwa kumhura kwake. Munofungei nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa!” Ipapo vakamusvipira mate kumeso uye vakamurova netsiva. Vamwe vakamurova nembama uye vakati, “Profita kwatiri, Kristu. Ndiani akurova?” Zvino Petro akanga agere panze muruvazhe, uye mumwe muranda wechisikana akauya kwaari akati, “Newewo wakanga una Jesu weGarirea.” Asi akaramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura nezvazvo.” Ipapo akabuda akandomira pasuo apo paakaonekwa nomumwe musikana uyo akati kuvanhu vose vaivapo, “Murume uyu akanga ari pamwe chete naJesu weNazareta.” Akarambazve, akapika achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Mushure mechinguva, vaya vakanga vamirepo vakaenda kuna Petro vakasvikoti, “Zvechokwadi uri mumwe wavo nokuda kwamatauriro ako.” Ipapo akatanga kuzvituka uye akapika kwavari achiti, “Murume uyu handimuzivi!” Pakarepo jongwe rakarira. Ipapo Petro akarangarira shoko rakanga rataurwa naJesu rokuti: “Jongwe risati rarira uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda kunze akandochema zvikuru.
Mateo 26:44-75 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo. Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.” Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.” Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata. Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri? “Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?” Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata. Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza. Avo, vakanga vabata Jesu, vakamuisa kuna Kaifasi, mupristi mukuru, apo pakanga paungana vanyori navakuru vavanhu. Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo. Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuuraye; asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya. Pashure zviviri zvakasvika, zvikati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari, ndikaivakazve namazuva matatu.’ ” Zvino mupristi mukuru akasimuka, akati kwaari, “Haupinduri chinhu here? Chinyiko ichi chavanokupomedzera?” Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.” Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Ashonha Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kushonha kwake. Munoti kudiniko?” Vakapindura, vakati, “Anofanira kufa.” Zvino vakamupfira mate kumeso, vakamurova netsiva, vamwe nembama, vachiti, “Fembera iwe Kristu, kuti ndiani akurova.” Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGariria.” Asi iye akaramba pamberi pavose, achiti, “Handizivi zvaunoreva.” Zvino akati asvika kusuo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kunavaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.” Akarambazve nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.” Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza. Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.
Mateo 26:44-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.” Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu. Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.” Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru. Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza. Vaya vakabata Jesu vakaenda naye kuna Kaifasi, mupristi mukuru, kwakanga kwaunganwa nenyanzvi dzomutemo navakuru–vakuru. Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hokunenedzera Jesu kuti vamuuraye asi vakahushaya kunyange zvazvo vazhinji vakamupupurira zvenhema. Pokupedzisira vaviri vakauya mberi vakati, “Munhu uyu akati ndinokwanisa kupaza Temberi yaMwari ndichiivaka namazuva matatu.” Ipapo mupristi mukuru akasimuka akati, “Hauna mhinduro here? Ko mhosva dzaurikupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia here Mwanakomana waMwari?” Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake ashatirwa achiti, “Ashonha Mwari. Tichadirei zvapupu? Manzwa moga kushonha kwake Mwari. Ko munoti kudii nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa.” Vakamusvipira mate kumeso, vachimurova. Vamwe vakamurova nembama vachiti, “Porofitaka tinzwe nhai iwe Mesia kuti akurova ndiani.” Pita akanga agere panze muruvanze, mumwe musikana webasa akauya kwaari akati, “Newewo wanga uina Jesu wokuGarirea.” Asi Pita akazviramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura.” Paakaenda kumusuo woruvanze, mumwewo musikana webasa akamuona. Akati kune vakanga vamirepo, “Murume uyu akanga ana Jesu weNazareti.” Akazvirambazve achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Kwapera chinguvana, vakanga vamirepo vakauya vakati kuna Pita, “Zvechokwadi iwe uri mumwe wavo nokuti mutauriro wako unokubatisa.” Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza. Pita akayeuka zvakanga zvarehwa naJesu zvokuti, “Uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akabuda panze akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.
Mateo 26:44-75 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo Ɀino akaenda kuʋadzidzi, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; tarirai, ŋguʋa yaȿika, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo. Acataura, tarira Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaɓata minondo, netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandicaȿeta, ndiye; mumuɓate. Pakarepo akaȿika kunaJesu, akati: Kwaziwai, Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Jesu akati kwaari: Shamŋari, ita ɀawaʋiŋga. Ipapo ʋakaʋuya, ʋakaisa maʋoko kunaJesu, ʋakamuɓata. Ɀino tarira, mumŋe waʋaiʋa naJesu, akatambanudza ruʋoko rwake, akavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ɀino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti ʋose ʋanoɓata munondo, ʋacafa nomunondo. Unofuŋga here kuti handigoni kukumbira kunaƂaɓa ʋaŋgu, ʋakandipa ikoɀino ʋatumŋa ʋanopfuʋura mapoka makuru‐kuru anegumi namaʋiri? Magwaro aŋgagoitika seiko, anoti ɀinofanira kuitwa kuɗaro? Neŋguʋa iyo Jesu akati kuʋanhu ʋazhinji: Maɓuɗa neminondo netȿimbo kuzondiɓata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuʋa ose, ndicidzidzisa, mukasandiɓata. Asi iɀi ɀose ɀaitwa kuti magwaro aʋaprofita aitike. Ɀino ʋadzidzi ʋose ʋakamusiya, ʋakatiza. Aʋo, ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuisa kunaKayafasi, muprista mukuru, apo pakaŋga paʋuŋgana ʋanyori naʋakuru. Asi Petro wakamuteʋera ari kure, kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru, akapinda mukati, akagara naʋatariri kuzoʋona kupera kwaɀo. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka ʋucapupu bgenhema kuti ʋapomere Jesu, ʋamuʋuraye; asi haʋana‐kuwana, kunyaŋge ɀapupu ɀizhinji ɀenhema ɀakaʋuya. Pashure ɀiʋiri ɀakaȿika, ɀikati: Munhu uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMŋari, ndikaiʋaka ɀe namazuʋa matatu. Ɀino muprista mukuru akasimuka, akati kwaari: Haupinduri cinhu here? Cinyiko ici caʋanokupomedzera? Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari: Ndinokupikisa naMŋari mupenyu, kuti utiʋudze kana uri Kristu, Mŋanakomana waMŋari. Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀawataura; asi ndinoti kwamuri: Kubva ɀino mucaʋona Mŋanakomana womunhu agere kurudyi rwesimba, aciʋuya namakore okuɗeŋga. Ipapo muprista mukuru akabvarura ŋguʋo dzake, akati: Wamhura Mŋari! Ticatȿakireiko ɀapupu? Tarirai, manzwa ɀino kumhura kwake. Munoti kuɗiniko? Ʋakapindura, ʋakati: Unofanira kufa. Ɀino ʋakamupfira mate paciso, ʋakamuroʋa netsiʋa, ʋamŋe noruʋoko, ʋaciti: Profita, iwe Kristu, kuti ndiani wakuroʋa. Petro wakaŋga agere panze paruʋazhe. Ɀino mushandiri akaʋuya kwaari, akati: Newe ʋo wakaŋga unaJesu weGarirea. Asi iye wakaramba pamberi paʋose, aciti: Handiziʋi ɀaunoreʋa. Ɀino wakati aɓuɗa pasuʋo, mumŋe mushandiri akamuʋona, akati kunaʋaiʋa’po: Uyu munhu wakaŋga anaJesu weNazareta. Akaramba ɀe nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. Caʋa ciŋguʋa ʋakaŋga ʋamire’po ʋakaʋuya, ʋaciti kunaPetro: Ɀirokwaɀo, newe ʋo uri mumŋe waʋo, nokuti kutaura kwako kunokuziʋisa. Ɀino wakataŋga kutuka nokupika, aciti: Handimuziʋi munhu uyu. Pakarepo joŋgwe rikarira. Ipapo Petro akaraŋgarira shoko rakaŋga rarebga naJesu, rokuti: Joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Ipapo akaɓuɗa panze, akandocema ɀikuru.
Mateo 26:44-75 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)