Akavasiyazve, akandonyengetera rwechitatu, achitaurazve mashoko iwayo.
Zvino akaenda kuvadzidzi, akati kwavari, “Chivatai henyu, muzorore; tarirai, nguva yasvika, Mwanakomana womunhu achaiswa mumaoko avatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwavari wava pedyo.”
Achataura, tarira Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri, akasvika, ana vanhu vazhinji-zhinji vakabata minondo, netsvimbo, vachibva kuvapristi vakuru navakuru vavanhu. Zvino iye, akamupandukira, akanga avapa chiratidzo, achiti, “Uyo wandichatsvoda, ndiye; mumubate.”
Pakarepo akasvika kuna Jesu, akati, “Kwaziwai, Rabhi!” Akamutsvoda zvikuru.
Jesu akati kwaari, “Shamwari, ita zvawavinga.” Ipapo vakauya, vakaisa maoko kuna Jesu, vakamubata. Zvino tarira, mumwe wavaiva naJesu, akatambanudza ruoko rwake, akavhomora munondo wake, akatema muranda womupristi mukuru, akagura nzeve yake. Zvino Jesu akati kwaari, “Dzosera munondo wako muhara ravo, nokuti vose vanobata munondo, vachafa nomunondo. Unofunga here kuti handigoni kukumbira kuna Baba vangu, vakandipa iko zvino vatumwa vanopfuura mapoka makuru-kuru ane gumi namaviri?
“Magwaro angagoitika seiko, anoti zvinofanira kuitwa kudaro?”
Nenguva iyo Jesu akati kuvanhu vazhinji, “Mabuda neminondo netsvimbo kuzondibata sendiri gororo here? Ndaigara mutemberi mazuva ose, ndichidzidzisa, mukasandibata. Asi izvi zvose zvaitwa kuti magwaro avaporofita azadziswe.” Zvino vadzidzi vose vakamusiya, vakatiza.
Avo, vakanga vabata Jesu, vakamuisa kuna Kaifasi, mupristi mukuru, apo pakanga paungana vanyori navakuru vavanhu. Asi Petirosi akamutevera ari kure, kusvikira paruvazhe rwomupristi mukuru, akapinda mukati, akagara navatariri kuzoona kupera kwazvo.
Zvino vapristi vakuru namakurukota ose vakatsvaka uchapupu hwenhema kuti vapomere Jesu, vamuuraye; asi havana kuwana, kunyange zvapupu zvizhinji zvenhema zvakauya. Pashure zviviri zvakasvika, zvikati, “Munhu uyu akati, ‘Ndinogona kuputsa temberi yaMwari, ndikaivakazve namazuva matatu.’ ”
Zvino mupristi mukuru akasimuka, akati kwaari, “Haupinduri chinhu here? Chinyiko ichi chavanokupomedzera?”
Asi Jesu akaramba anyerere. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ndinokupikisa naMwari mupenyu, kuti utiudze kana uri Kristu, Mwanakomana waMwari.”
Jesu akati kwaari, “Ndizvo zvawataura; asi ndinoti kwamuri, kubva zvino muchaona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimba achiuya ari mumakore edenga.”
Ipapo mupristi mukuru akabvarura nguo dzake, akati, “Ashonha Mwari! Tichatsvakireiko zvapupu? Tarirai, manzwa zvino kushonha kwake. Munoti kudiniko?” Vakapindura, vakati, “Anofanira kufa.”
Zvino vakamupfira mate kumeso, vakamurova netsiva, vamwe nembama, vachiti, “Fembera iwe Kristu, kuti ndiani akurova.”
Petirosi akanga agere panze paruvazhe. Zvino mushandiri akauya kwaari, akati, “Newewo wakanga unaJesu weGariria.”
Asi iye akaramba pamberi pavose, achiti, “Handizivi zvaunoreva.” Zvino akati asvika kusuo, mumwe mushandirikadzi akamuona, akati kunavaivapo, “Uyu munhu akanga ana Jesu weNazareta.”
Akarambazve nokupika, achiti, “Handimuzivi munhu uyu.”
Chava chinguva vaya vakanga vamirepo vakauya, vachiti kuna Petirosi, “Zvirokwazvo, newewo uri mumwe wavo, nokuti kutaura kwako kunoita kuti uzikanwe.”
Zvino akatanga kutuka nokupika, nemhiko achiti, “Handimuzivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rikakukuridza. Ipapo Petirosi akarangarira shoko rakanga rarehwa naJesu, rokuti, “Jongwe risati rakukuridza, uchandiramba katatu.” Ipapo akabuda panze, akandochema zvikuru.