Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateu 26:44-75

Mateu 26:44-75 SCLBD

Jesu akavasiyazve, akaenda akandonamata rwechitatu achitaura mazwi mamwechetewo. Akadzokazve kuna vadzidzi vake akati kwavari, “Muchiri kungokotsira zvenyu muchitozorora nhai? Tarirai muone kuti nguva yatosvika yavakuturirwa Mwanakomana womunhu mumaoko avatadzi. Chisimukai tiende, houno anonditengesa wavakusvika.” Paakanga achiri kutaura, Judhasi, mumwe wavane gumi navaviri akasvika, nechikwata chikuru chavanhu vaine mapakatwa netsvimbo vachibva kuvapristi vakuru navakuru–vakuru vavanhu. Mutengesi uya akanga avapa chiratidzo chokuti uyo wandinenge ndatsvoda ndiyeyo, mubatei. Judhasi akabva auya pana Jesu akati, “Tikukwaziseika, Mudzidzisi,” akabva amutsvoda. Jesu akati kwaari, “Shamwari, ingoita zvawavinga.” Vakabva vauya vakati Jesu dzvi kumubata. Ipapo mumwe wavakanga vaina naJesu akatambanudza ruoko rwake ndiye bakatwa rake wee ndokuvaura kudimura nzeve yomuranda womupristi mukuru. Jesu akamuti, “Dzosera bakatwa rako panzvimbo paro nokuti vose vanoshandisa bakatwa vanofa nebakatwa. Unofunga here kuti handikwanisi kukumbira Baba vangu, vachinditumira pakarepo zvikwata zvavatumwa zviuru gumi nezviviri. Ko zvino Magwaro Matsvene anozozadzikiswa sei anoti zvinofanira kuti zvive saizvozvo?” Panguva iyoyo Jesu akati kuzvikwata zviya zvavanhu, “Nhaimi, mauya kuzondibata segororo, muina mapakatwa netsvimbo? Zuva nezuva ndaigara muTemberi ndichidzidzisa asi hamuna kundibata. Asi izvi zvaitika kuti Magwaro Matsvene avaporofita azadziswe.” Ipapo vadzidzi vose vakamusiya votiza. Vaya vakabata Jesu vakaenda naye kuna Kaifasi, mupristi mukuru, kwakanga kwaunganwa nenyanzvi dzomutemo navakuru–vakuru. Asi Pita akamutevera ari chinhambwe kusvikira paruvanze rwomupristi mukuru. Akapinda akagara pamwechete namapurisa kuti aone pazvinoperera. Vapristi vakuru nedare rose vakatsvaka uchapupu hwenhema hokunenedzera Jesu kuti vamuuraye asi vakahushaya kunyange zvazvo vazhinji vakamupupurira zvenhema. Pokupedzisira vaviri vakauya mberi vakati, “Munhu uyu akati ndinokwanisa kupaza Temberi yaMwari ndichiivaka namazuva matatu.” Ipapo mupristi mukuru akasimuka akati, “Hauna mhinduro here? Ko mhosva dzaurikupomerwa navanhu ava ndedzei?” Asi Jesu akaramba akanyarara. Mupristi mukuru akati kwaari, “Ini ndinoti pika naMwari mupenyu utiudze kuti ndiwe Mesia here Mwanakomana waMwari?” Jesu akati kwaari, “Ko inga matozvireva kare moga wani uye ndinokutaurirai kuti kubvira zvino muchatoona Mwanakomana womunhu agere kurudyi rwaSamasimbaose achiuya ari pamakore okudenga.” Ipapo mupristi mukuru akabvarura hanzu dzake ashatirwa achiti, “Ashonha Mwari. Tichadirei zvapupu? Manzwa moga kushonha kwake Mwari. Ko munoti kudii nazvo?” Vakapindura vachiti, “Anofanira kufa.” Vakamusvipira mate kumeso, vachimurova. Vamwe vakamurova nembama vachiti, “Porofitaka tinzwe nhai iwe Mesia kuti akurova ndiani.” Pita akanga agere panze muruvanze, mumwe musikana webasa akauya kwaari akati, “Newewo wanga uina Jesu wokuGarirea.” Asi Pita akazviramba pamberi pavo vose achiti, “Handizivi zvauri kutaura.” Paakaenda kumusuo woruvanze, mumwewo musikana webasa akamuona. Akati kune vakanga vamirepo, “Murume uyu akanga ana Jesu weNazareti.” Akazvirambazve achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Kwapera chinguvana, vakanga vamirepo vakauya vakati kuna Pita, “Zvechokwadi iwe uri mumwe wavo nokuti mutauriro wako unokubatisa.” Pita akatanga kuzvirengerera rushambwa achitopika achiti, “Handizivi munhu uyu.” Pakarepo jongwe rakabva rakukuridza. Pita akayeuka zvakanga zvarehwa naJesu zvokuti, “Uchandiramba katatu jongwe risati rakukuridza.” Pita akabuda panze akahwihwidza kuchema zvinosiririsa.

Verenga chikamu Mateu 26