Revhitiko 27:14-34
Revhitiko 27:14-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro. Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake. “Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha. “Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro. Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake. Kana asingadi kudzikinura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikinurwi; asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupristi. Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake, mupristi anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha. Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika. Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri. “Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha. Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikinura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe. “Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha. Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikinurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo. “Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu achida kudzikinura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho. Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha. Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.” Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mosesi naJehovha pagomo reSinai.
Revhitiko 27:14-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Kana munhu akakumikidza imba yake sechinhu chitsvene kuna Jehovha, muprista achatara kukosha kwayo kuti yakanaka here kana kuti yakaipa. Mutengo upi noupi uchatemwa nomuprista, ndiwo ucharamba uripo. Kana murume anokumikidza imba yake akaidzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu zvomutengo wayo. Uye imba ichava yake zvakare. “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha chikamu chomunda wemhuri yake, mutengo wawo unofanira kutarwa zvichienderana nouwandu hwezviyo zvinodiwa ipapo, mashekeri makumi mashanu esirivha pahomeri yezviyo yebhari. Kana akakumikidza munda wake mugore reJubhiri, mutengo wakatarwa unoramba uripo. Asi kana akakumikidza munda wake mushure meJubhiri, muprista achatara mutengo zvichienderana namakore asara Jubhiri rinotevera risati rasvika, uye mutengo wawo wakatarwa uchaderedzwa. Kana murume anokumikidza munda achida kuudzikinura, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho, uye munda uchava wake zvakare. Kunyange zvakadaro, kana asingadzikinuri munda wake, kana akautengesera mumwe munhu, hauzogoni kudzikinurwa. Kana munda ukasunungurwa muJubhiri, uchava mutsvene, somunda wakapiwa kuna Jehovha; uchava munda wavaprista. “ ‘Kana munhu akakumikidza kuna Jehovha munda waakatenga, usiri chikamu chomunda wemhuri yake, muprista achatara mutengo wawo kusvikira mugore reJubhiri, uye munhu uyu anofanira kuripa mutengo wawo musi iwoyo sechinhu chitsvene kuna Jehovha. Mugore reJubhiri munda uchadzokera kumunhu waakatengeserana naye uyo aiva muridzi womunda. Mutengo wose unofanira kutarwa zvichienderana neshekeri repanzvimbo tsvene, makumi maviri amagera pashekeri rimwe. “ ‘Zvisinei hazvo, hapana munhu angakumikidza dangwe remhuka, sezvo dangwe ragara riri raJehovha kare; ingava mombe kana gwai; ndezvaJehovha. Kana iri imwe yemhuka dzisina kuchena, anogona kuidzikinura nomutengo wayo wakatarwa, achipamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wayo. Kana isina kudzikinurwa, inofanira kutengeswa nomutengo wayo wakatarwa. “ ‘Asi hakuna chinhu chomunhu chinopiwa kuna Jehovha, angava munhu kana mhuka kana munda wemhuri, chinogona kutengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chose chinopiwa saizvozvo chinova chitsvene kwazvo kuna Jehovha. “ ‘Hakuna munhu anopiwa kuti aparadzwe angadzikinurwa; anofanira kuurayiwa. “ ‘Chegumi chezvinhu zvose zvinobva mumunda, zvingava zviyo zvinobva muvhu kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu akadzikinura chimwe chinhu pazvegumi zvake, anofanira kupamhidzira chikamu chimwe chete muzvishanu pamutengo wacho. Chegumi chose chemombe namakwai, mhuka yose yegumi inopfuura napasi petsvimbo yomufudzi, ichava tsvene kuna Jehovha. Haafaniri kusarudza zvakanaka kubva mune zvakaipa kana kuzvitsinhanisa. Kana akazvitsinhanisa, mhuka dzose dziri mbiri, yatsiviwa neyatsiva, dzichava tsvene uye hadzigoni kudzikinurwa.’ ” Iyi ndiyo mirayiro yavaIsraeri yakapiwa Mozisi naJehovha paGomo reSinai.
Revhitiko 27:14-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Kana munhu achiturira imba yake kuna Tenzi, mupristi ngaandoona imba yacho kuti yakanaka here kana kuti kwete ateme mutengo wayo. Mutengo waanenge atema ndiwoyo. Kana nyakumboiturira kuna Mwari oda kudzikinura, ngaabvise mutengo wacho wemari achiwedzera makumi maviri pazana roga roga, igobva yava yake zvakare. “Kana munhu akaturira chidimbu chomunda wake wenhaka kuna Tenzi, mutengo wacho ngautemwe maererano nouwandi hwembeu dzinogona kudyarwamo, ngaabvise gumi remari yesirivha yamashekeri pakoroni inorema makirogiramu makumi maviri. Kana aturira Mwari munda iwoyo gore rehwamanda richangopera, ngaabvise mutengo wawo wose. Asi kana munhu akazoturira Mwari munda wake kwapera makore akati kuti, gore rehwamanda rapfuura, mupristi ngaateme mutengo wawo unokwanirana namakore asara kusvika pagore rehwamanda achibvisa mari yawo yamakore akapfuura. Munhu anenge aturira Mwari munda wake, kana oda kuudzikinura ngaabvise mutengo wawo achiwedzera makumi maviri pazana roga roga ucharamba uri wake. Asi kana asisadi kuudzikinura outengesa asina kutanga aununura kuna Tenzi akazoutengesera mumwe munhu, munhu wakadaro haazobvumirwi kuununurazve. Pagore rehwamanda paunofanira kudzoserwa muridzi wawo, unenge wava munda unoera wakakumikidzwa kuna Tenzi, uchava wavapristi. “Kana munhu akaturira Tenzi munda waakatenga, usiri wake wenhaka, mupristi ngaateme mutengo wawo unoenderana namakore asara kusvika kugore rehwamanda. Ngaabvise mari iyoyo pazuva rakarero, sechinhu chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Pagore rehwamanda munda iwoyo ngaudzoserwe kumunhu uya kwawakatengwa, kumuridzi wawo wenhaka. “Mutengo upi noupi zvawo ngautemwe maererano nemari yesirivha yemashekeri iri pamurao yomunzvimbo inoera. Magera makumi maviri anoita shekeri rimwechete. “Pamusana pokuti chipfuwo choga choga chinotanga kuberekwa ndechaTenzi, hakuna munhu anofanira kupira dangwe rechipfuwo, chingave mombe kana hwai nokuti ndechaTenzi nakare. Asi dangwe rechipfuwo chakan'ora rinofanira kudzikinurwa. Ngaaridzikinure nomutengo waunenge watema. Ngaaubvise achiwedzera mukumi maviri pazana roga roga rawo. Kana dangwe iroro rechipfuwo risina kudzikinurwa, ngaritengeswe nomutengo waunenge watema. “Hakuna munhu angatengese kana angadzikinure chinhu chanyatsotsidzwa kupiwa kuna Tenzi pazvinhu zvose zvaanazvo angave munhu, kana chipfuwo kana munda wenhaka. Chinhu ichocho ndechaTenzi, chinhu chinenge chanyatsotsidzirwa Tenzi chinhu chinoera kwazvo. Kana zvatemwa chaizvo kuti munhu apirwa kuna Tenzi haanunurwe anofanira kutourayiwa. “Chegumi chembesa kana chemichero yamunorima chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Kana munhu akada kununura chegumi chake, ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga. Chegumi chose zvacho chemombe nechezvimwe zvipfuwo zvichireva kuti kana muchiverenga zvipfuwo, chipfuwo chipi nechipi chechigumi chinoera, chakatsaurirwa Tenzi. Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.” Iyi ndomirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi, ikapiwa Mosesi pagomo reSinai.
Revhitiko 27:14-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Kana munhu aciita imba yake tȿene, kuti iʋe tȿene kunaJehova, muprista unofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; seɀainotarirwa nomuprista, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. Kana iye wakaita imba yake tȿene aciɗa kuidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakatara iwe, ipapo icaʋa yake. Kana munhu akaitira Jehova ndima yomunda wake tȿene, iwe unofanira kuitarira muteŋgo ucienzanisa neɀakadɀarwa’mo; homeri imŋe yebari yakadɀarwa iite mashekeri makumi mashanu esirveri. Kana aciita munda wake mutȿene kubva pagore rejuberi, seɀawakautarira iwe, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. Asi kana acitsaura munda wake shure kwegore rejuberi, muprista unofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kuȿikira pagore rejuberi; ɀino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. Kana munhu wakatsaura munda wake aciɗa kuudzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakamutarira, ugoʋa wake. Kana asiŋgaɗi kudzikinura munda, kana ɀimŋe aciŋge ateŋgesa munda kunomumŋe, hauŋgazodzikinurwi; asi munda uyu, kana ucisunuŋgurwa negore rejuberi, unofanira kuʋa mutȿene kunaJehova, somunda wakayeriswa; ucaʋa womuprista. Kana acitsaurira Jehova munda waakateŋga, usati uri munda wenhaka yake, muprista unofanira kumutarira muteŋgo seɀawakatara iwe kuȿikira pagore rejuberi; ɀino iye unofanira kuripa mari seɀawakatara iwe, ciʋe cinhu citȿene kunaJehova. Pagore rejuberi munda unofanira kudzokera kumunhu waakaŋga ateŋga kwaari, kunaiye wakaŋga ari muridzi wenyika. Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanɀimbo tȿene; shekeri rimŋe rinoita magera maʋiri. Asi mŋana wemhoŋgora pakati peɀipfuwo, uri waJehova ɀauri mŋana wemhoŋgora, ŋgakurege kuʋa nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndeɀaJehova. Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, unofanira kucidzikinura seɀawakacitarira iwe, aciwedzera ʋo ceshanu caco; kana cisiŋgadzikinurwi, cinofanira kuteŋgeswa seɀawakacitarira iwe. Kunyaŋge ɀakaɗaro, hakunecinhu cakayeriswa, cakayerisirwa Jehova nomunhu paɀose ɀaanaɀo, kana ciri caʋanhu, kana ɀipfuwo, kana munda wenhaka yake, ciŋgateŋgeswa kana kudzikinurwa; cinhu cipi necipi cakayeriswa, cinofanira kuʋa citȿene kwaɀo kunaJehova. Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuʋanhu, haaŋgadzikinurwi; unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo. Ɀegumi ɀose ɀenyika, kana ɀiri ɀembeu dzenyika, kana micero yemiti, ndeɀaJehova; ɀitȿene kunaJehova. Kana munhu aciɗa kudzikinura cimŋe paɀegumi ɀake, unofanira kuwedzera kwaciri ceshanu caco. Ɀegumi ɀose ɀeŋombe, kana ɀeɀipfuwo ɀiɗuku, ɀose ɀinopfuʋura napazasi petȿimbo, cegumi cinofanira kuʋa citȿene kunaJehova. Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi. Ndiyo mirairo yaʋana ʋaIsraeri yakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai.
Revhitiko 27:14-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)