Revitiko 27
27
Mirairo yemhiko neyeɀegumi.
1Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana munhu akaɀisuŋga nokupika kukuru, ʋanhu ŋgaʋaʋe ʋaJehova seɀaunotara iwe. 3Kana ucitara muteŋgo womurume unamakore anamakumi maʋiri kuȿikira pamakumi matanhatu, kutara kwako ŋgakuite mashekeri makumi mashanu esirveri, ucienzanisa neshekeri#27:3 Shekeri rimŋe mari ineŋge mashereni maʋiri nesisipenzi. rapanɀimbo tȿene. 4Kana ari mukadzi, kutara kwako ŋgakuite mashekeri makumi matatu esirveri. 5Kana anamakore anobva pamashanu kuȿikira pamakore makumi maʋiri, kutara kwako kwomurume ŋgakuite mashekeri makumi maʋiri, nokwomukadzi mashekeri anegumi. 6Kana anomŋedzi mumŋe kuȿikira pamakore mashanu, kutara kwako kwomurume ŋgakuite mashekeri mashanu esirveri, nokutara kwako kwomukadzi ŋgakuite mashekeri matatu esirveri. 7Kana anamakore makumi matanhatu naanopfuʋura, kana ari murume, kutara kwako ŋgakuite mashekeri anegumi namashanu, kana ari mukadzi mashekeri anegumi. 8Kana ari murombo, asiŋgaȿiki pakutara kwako, unofanira kuiswa pamberi pomuprista, kuti muprista amutarire; muprista unofanira kumutarira iye wakapika seɀaaŋgagona kuripa.
9Kana ciri cipfuwo cinopiwa Jehova, cokutenda naco, ɀose ɀaco ɀinopa munhu Jehova ɀinofanira kuʋa ɀitȿene. 10Haafaniri kuɀishandura kana kutsinhanhisa cakaipa necakanaka, kana cakanaka necakaipa; kana atsinhanhisa cipfuwo necipfuwo, ico necakatsinhiwa, ɀose ɀiri ɀiʋiri ɀinofanira kuʋa ɀitȿene. 11Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, cisiŋgapiwi Jehova cokutenda naco, cipfuwo ico cinofanira kuiswa kumuprista; 12ɀino muprista unofanira kucitarira muteŋgo, kana cakanaka kana cakaipa; seɀawakacitarira iwe muprista, ndiɀo ɀacicaita. 13Ɀino kana aciɗa kucidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu caco pakutara kwako.
14Kana munhu aciita imba yake tȿene, kuti iʋe tȿene kunaJehova, muprista unofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; seɀainotarirwa nomuprista, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. 15Kana iye wakaita imba yake tȿene aciɗa kuidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakatara iwe, ipapo icaʋa yake.
16Kana munhu akaitira Jehova ndima yomunda wake tȿene, iwe unofanira kuitarira muteŋgo ucienzanisa neɀakadɀarwa’mo; homeri#27:16 Homeri imŋe aneŋge masaga matatu nehafu. imŋe yebari yakadɀarwa iite mashekeri makumi mashanu esirveri. 17Kana aciita munda wake mutȿene kubva pagore rejuberi, seɀawakautarira iwe, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. 18Asi kana acitsaura munda wake shure kwegore rejuberi, muprista unofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kuȿikira pagore rejuberi; ɀino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. 19Kana munhu wakatsaura munda wake aciɗa kuudzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakamutarira, ugoʋa wake. 20Kana asiŋgaɗi kudzikinura munda, kana ɀimŋe aciŋge ateŋgesa munda kunomumŋe, hauŋgazodzikinurwi; 21asi munda uyu, kana ucisunuŋgurwa negore rejuberi, unofanira kuʋa mutȿene kunaJehova, somunda wakayeriswa; ucaʋa womuprista. 22Kana acitsaurira Jehova munda waakateŋga, usati uri munda wenhaka yake, 23muprista unofanira kumutarira muteŋgo seɀawakatara iwe kuȿikira pagore rejuberi; ɀino iye unofanira kuripa mari seɀawakatara iwe, ciʋe cinhu citȿene kunaJehova. 24Pagore rejuberi munda unofanira kudzokera kumunhu waakaŋga ateŋga kwaari, kunaiye wakaŋga ari muridzi wenyika. 25Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanɀimbo tȿene; shekeri rimŋe rinoita magera maʋiri.
26Asi mŋana wemhoŋgora pakati peɀipfuwo, uri waJehova ɀauri mŋana wemhoŋgora, ŋgakurege kuʋa nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndeɀaJehova. 27Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, unofanira kucidzikinura seɀawakacitarira iwe, aciwedzera ʋo ceshanu caco; kana cisiŋgadzikinurwi, cinofanira kuteŋgeswa seɀawakacitarira iwe.
28Kunyaŋge ɀakaɗaro, hakunecinhu cakayeriswa, cakayerisirwa Jehova nomunhu paɀose ɀaanaɀo, kana ciri caʋanhu, kana ɀipfuwo, kana munda wenhaka yake, ciŋgateŋgeswa kana kudzikinurwa; cinhu cipi necipi cakayeriswa, cinofanira kuʋa citȿene kwaɀo kunaJehova. 29Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuʋanhu, haaŋgadzikinurwi; unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
30Ɀegumi ɀose ɀenyika, kana ɀiri ɀembeu dzenyika, kana micero yemiti, ndeɀaJehova; ɀitȿene kunaJehova. 31Kana munhu aciɗa kudzikinura cimŋe paɀegumi ɀake, unofanira kuwedzera kwaciri ceshanu caco. 32Ɀegumi ɀose ɀeŋombe, kana ɀeɀipfuwo ɀiɗuku, ɀose ɀinopfuʋura napazasi petȿimbo, cegumi cinofanira kuʋa citȿene kunaJehova. 33Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi.
34Ndiyo mirairo yaʋana ʋaIsraeri yakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 27: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018