Numeri 1
1
Mosesi unorairwa kuʋereŋga ʋaIsraeri.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi murenje reSinai, patente rokusoŋgana, nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri negore recipiri rokuɓuɗa kwaʋo Egipita, akati: 2Ʋereŋga ʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋarume ʋose, mumŋe nomumŋe. 3Iwe naAroni muʋereŋge mapoka aʋo, ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose pakati paʋaIsraeri ʋanogona kundorwa. 4Munofanira kuenda nomurume worudzi rumŋe norumŋe, mukuru weimba yamadziɓaɓa ake. 5Ndiwo mazita aʋarume ʋanofanira kukuɓatsirai: WokwaRubeni, Erizuri, mŋanakomana waShedeuri. 6WokwaSimeoni, Sherumieri, mŋanakomana waZurishadai. 7WokwaJuda, Nashoni, mŋanakomana waAminadabi. 8WokwaIsakari, Netaneri, mŋanakomana waZuari. 9WokwaZeburuni, Eriabi, mŋanakomana waHeroni. 10Ʋokuʋana ʋaJosefa: WokwaEfraimi, Erishama, mŋanakomana waAmihudi; wokwaManase, Gamarieri, mŋanakomana waPedazuri. 11WokwaBenjamini, Abidani, mŋanakomana waGideoni. 12WokwaDani, Ahiezeri, mŋanakomana waAmishadai. 13WokwaAsheri, Pagieri, mŋanakomana waOkrani. 14WokwaGadi, Eriasafi, mŋanakomana waDeueri. 15WokwaNaftari, Ahira, mŋanakomana waEnani. 16Ndiʋo ʋakaɗanwa paʋuŋgano, ari macinda amarudzi amadziɓaɓa aʋo, ʋakuru ʋedzimba dzaʋaIsraeri. 17Ɀino Mosesi naAroni ʋakatora ʋarume aʋa ʋarebga mazita aʋo, 18ʋakakoka ʋuŋgano yose nezuʋa rokutaŋga romŋedzi wecipiri, iʋo ʋakaʋarondedzera marudzi aʋo, mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋose ʋakaŋga ʋanamakore anamakumi maʋiri naʋanopfuʋura, mumŋe nomumŋe. 19Akaʋaʋereŋga murenje reSinai, seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
20Ʋokuʋana ʋaRubeni, mŋanakomana weɗaŋgwe waIsraeri naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, mumŋe nomumŋe, ʋarume ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 21ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaRubeni ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀitanhatu namazana mashanu.
22Ʋokuʋana ʋaSimeoni, namarudzi aʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋose ʋakaʋereŋgwa kwaʋari namazita aʋo, ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 23ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaSimeoni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀipfumbamŋe namazana matatu.
24Ʋokuʋana ʋaGadi, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋose ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 25ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaGadi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna neɀishanu namazana matanhatu namakumi mashanu.
26Ʋokuʋana ʋaJuda, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 27ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaJuda, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manomŋe neɀinna namazana matanhatu.
28Ʋokuʋana ʋaIsakari, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 29ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaIsakari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu namazana manna.
30Ʋokuʋana ʋaZeburuni, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 31ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaZeburuni, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀinomŋe namazana mashanu.
32Ʋokuʋana ʋaJosefa, iʋo ʋana ʋaEfraimi, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri, ʋose ʋaigona kundorwa, 33ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaEfraimi, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna namazana mashanu.
34Ʋokuʋana ʋaManase, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 35ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaManase, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀiʋiri namazana maʋiri.
36Ʋokuʋana ʋaBenjamini, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 37ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaBenjamini, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matatu neɀishanu namazana manna.
38Ʋokuʋana ʋaDani, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 39ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaDani, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi matanhatu namazana manomŋe.
40Ʋokuʋana ʋaAsheri, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 41ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaAsheri, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi manna necuru cimŋe, namazana mashanu.
42Ʋokuʋana ʋaNaftari, naʋana ʋaʋo, ʋakaʋereŋgwa mhuri dzaʋo, nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, namazita aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa, 43ʋakaʋereŋgwa kwaʋari, ʋorudzi rwaNaftari, ʋakaȿika ɀuru ɀinamakumi mashanu neɀitatu namazana manna.
44Ndiʋo ʋakaʋereŋgwa, ʋakaʋereŋgwa naMosesi naAroni, namacinda aʋaIsraeri; ʋaiʋa ʋarume ʋanegumi naʋaʋiri, mumŋe nomumŋe panɀimbo yeimba yaɓaɓa ʋake. 45Naiɀoɀo ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋaʋana ʋaIsraeri nedzimba dzamadziɓaɓa aʋo, ʋakaŋga ʋanamakore makumi maʋiri naʋanopfuʋura, ʋose ʋaigona kundorwa pakati paʋaIsraeri, 46ʋose ʋakaʋereŋgwa ʋakaȿika ɀuru ɀinamazana matanhatu neɀitatu namazana mashanu namakumi mashanu.
47Asi ʋaRevi, norudzi rwamadziɓaɓa aʋo, haʋana‐kuʋereŋgwa pakati paʋo. 48Nokuti Jehova wakaŋga ataura naMosesi, akati: 49Asi ʋorudzi rwaRevi ʋoga usaʋaʋereŋga, usaʋaʋereŋgera pakati paʋana ʋaIsraeri; 50asi ʋaRevi uʋagadze, ʋaʋe ʋatariri ʋetabernakeri yecipupuriro, nenhumbi dzayo dzose, neɀose ɀayo; ndiʋo ʋanofanira kutakura tabernakeri, nenhumbi dzayo dzose, nokushumira’po, nokukomba tabernakeri nemisasa yaʋo. 51Ɀino kana tabernakeri icipfuʋura mberi, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuibvisa; ʋuye kana tabernakeri icidzikwa ɀe, ʋaRevi ndiʋo ʋanofanira kuiʋaka; munhu usina‐kufanira unosweɗera’ko, unofanira kuʋurawa. 52Ʋana ʋaIsraeri ʋanofanira kudzika matente aʋo, mumŋe nomumŋe pamisasa yoʋokwake, mumŋe nomumŋe pamureza woʋokwake, ʋaciita mapoka aʋo. 53Asi ʋaRevi ʋanofanira kudzika matente aʋo ʋacikomba tabernakeri yecipupuriro, kuti ʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri irege kutsamŋirwa; ʋaRevi ʋanofanira kuɓata maɓasa etabernakeri yecipupuriro. 54Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo; Mosesi seɀaakarairwa naJehova, ndiɀo ɀaʋakaita.
Zvasarudzwa nguva ino
Numeri 1: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018