Revitiko 26
26
Ʋanoterera ʋacaropafadzwa, ʋasiŋgatereri ʋacarobga.
1Musaɀiitira ɀifananidzo, kana kuɀimutsira mufananidzo wakaʋezwa kana shoŋgwe yebge; musaisa ibge rinomufananidzo munyika yenyu kuti mufugamire’po, nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu. 2Munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu, nokukudza imba yaŋgu tȿene; ndini Jehova.
3Kana mucifamba nemitemo yaŋgu, nokuceŋgeta mirairo yaŋgu, muciiita; 4ini ndicakunisirai mvura neŋguʋa yayo, nenyika icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, nemiti yesaŋgo icaɓereka ɀiɓereko ɀayo. 5Kupura kwenyu kucaȿika pakukohwa mazambiriŋga, nokukohwa mazambiriŋga kucaȿika paŋguʋa yokudɀara; mucadya ɀokudya ɀenyu mukaguta, nokugara munyika yenyu makaceŋgeteka. 6Ndicakupai rugare panyika, kuti muʋate pasi musiŋgavunduswi nomunhu; ɀikara ndicaɀipedza panyika, nomunondo hauŋgapfuʋuri nomunyika yenyu; 7mucadziŋga ʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋakaparadzwa nomunondo pamberi penyu. 8Ʋashanu ʋenyu ʋacadziŋga ʋanezana, naʋanezana ʋenyu ʋacadziŋga ʋaneɀuru ɀinegumi, ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaparadzwa nomunondo pamberi penyu. 9Ini ndicakuraŋgarirai, ndicakuɓerekesai nokukuwanzai; ndicasimbisa suŋgano yaŋgu nemi. 10Mucadya ɀiyo ɀakaceŋgetwa ŋguʋa huru, mucafanira kuɓuɗisa ɀekare kudziʋurira ɀitȿa. 11Ndicagadza tabernakeri yaŋgu pakati penyu; mŋeya waŋgu hauŋgakusemiyi. 12Ndicafamba pakati penyu, ndicaʋa Mŋari wenyu, nemi mucaʋa ʋanhu ʋaŋgu. 13Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti murege kuʋa ʋatapxa ʋaʋo; ndakavuna matanda ejoko renyu, ndikakufambisai makati tasa.
14Asi kana musiŋgaɗi kunditerera, musiŋgaɗi kuita mirairo iyi yose; 15kana muciramba mitemo yaŋgu, kana mŋeya yenyu icisema ɀandakatoŋga, kuti murege kuɗa kuita mirairo yaŋgu yose, asi muciputsa suŋgano yaŋgu, 16neni ʋo ndicakuitirai iɀi: Ndicaʋuyisa ɀinotyisa pamsoro penyu, hosha yorukosoro nefiviri ɀicaparadza meso nokuwondisa mŋeya yenyu; mucadɀara mbeu yenyu pasina, nokuti ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacaɀidya. 17Ndicakutoŋgai kuti mukundwe pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu, ʋanokuʋeŋgai ʋacaʋa ʋaɓati ʋenyu; mucatiza kunyaŋge kusinomunhu unokudziŋgai. 18Ɀino kunyaŋge ɀakaɗaro kana musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kukuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu. 19Ndicaputsa kuɀikudza kwenyu pamsoro pesimba renyu, ɗeŋga renyu ndicariita sesimbi, nenyika yenyu sendarira; 20simba renyu ricaperera pasina; nokuti nyika yenyu haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo, nemiti yenyika haiŋgaɓereki ɀiɓereko ɀayo. 21Kana mucindiramba, musiŋgaɗi kunditerera, ndicawedzera kanomŋe maɗambudziko pamsoro peɀiʋi ɀenyu. 22Ndicatuma ɀikara ɀesaŋgo pakati penyu, ɀicakupedzerai ʋana ʋenyu, nokuparadza ɀipfuwo ɀenyu, nokukutapudzai; nzira dzenyu dzicashaiwa ʋanhu. 23Ɀino kana musiŋgaɗi kudzorwa neni neɀinhu iɀi, asi mucindiramba, 24neni ʋo ndicakurambai; neni ʋo, ini ndimene, ndicakuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu. 25Ndicaʋuyisa munondo pamsoro penyu, ucatsiʋa suŋgano yaŋgu; mucaʋuŋganidzwa mumaguta enyu, ini ndicatuma matenda pakati penyu; mucaiswa mumaʋoko aʋaʋeŋgi ʋenyu. 26Kana ndicivuna muɗonɀo wenyu weciŋgwa, ʋakadzi ʋanegumi ʋacaɓika ciŋgwa cenyu mucoto cimŋe, ʋacikudzoserai ciŋgwa cenyu cayerwa; mucadya, asi hamuŋgaguti.
27Ɀino kana musiŋgaɗi naiɀoɀo ɀose kunditerera, asi mucindiramba, 28ipapo neni ʋo ndicakurambai nokutsamŋa kukuru; ndicakuroʋai kanomŋe pamsoro peɀiʋi ɀenyu. 29Mucadya nyama yaʋanakomana ʋenyu, nenyama yaʋanasikana ʋenyu mucaidya. 30Ndicaparadza nɀimbo dzenyu dzakakwirira, nokuputsa mifananidzo yenyu yezuʋa, nokukanda ɀitunha ɀenyu pamsoro peɀitunha ɀeɀifananidzo ɀenyu; mŋeya waŋgu ucakusemai. 31Ndicaita maguta enyu matoŋgo, nenɀimbo dzenyu tȿene ndicadziparadza, handiŋganhuwidzi munhuwi weɀinozipa ɀenyu. 32Ndicaparadza nyika yenyu; ʋaʋeŋgi ʋenyu ʋacagara’mo, ʋacashamiswa naɀo. 33Ndicakurashanyai pakati paʋahedeni, nokuvomora munondo shure kwenyu; nyika yenyu icaʋa renje, maguta enyu acaʋa matoŋgo. 34Ɀino nyika icafarira masaɓata ayo, paŋguʋa yokuparadzwa kwayo, imi muri munyika yaʋaʋeŋgi ʋenyu; paŋguʋa iyo nyika icazorora, icifarira masaɓata ayo. 35Paŋguʋa yose yokuparadzwa kwayo icazorora nokuzorora kwayakashaiwa pamasaɓata enyu, paŋguʋa yamakagara’mo. 36Kana ʋari ʋamŋe ʋenyu ʋakasara, ndicatuma kutya pamŋoyo yaʋo ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; kana ʋacinzwa shizha ricipepereka, ʋacatiza; ʋacatiza somunhu unotiza munondo, ʋacawa kunyaŋge kusinomunhu unoʋadziŋga. 37Ʋacawirana saʋanhu ʋanowa pamberi pomunondo, kusinomunhu unoʋadziŋga; hamuŋgaʋi nesimba rokumira pamberi paʋaʋeŋgi ʋenyu. 38Mucandofira pakati paʋahedeni, nenyika yaʋaʋeŋgi ʋenyu icakudyai. 39Ʋamŋe ʋenyu ʋakasara ʋacawonda muɀiʋi ɀaʋo panyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; ʋacawonda samadziɓaɓa aʋo akawonda muɀiʋi ɀawo. 40Ɀino ʋacaɀireʋurura ɀiʋi ɀaʋo neɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, nokuɗarika kwaʋakaɗarika nako kwandiri, ʋuye ɀaʋakandiramba, 41neni ʋo ndakaʋaramba, ndikaʋaisa kunyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo; ɀino kana mŋoyo yaʋo isina‐kudziŋgiswa ikaɀininipisa, ʋakatenda kurobga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo; 42ipapo ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu naJakobo; nesuŋgano yaŋgu naIsaka, nesuŋgano yaŋgu naAbrahama, ndicairaŋgarira; nyika ndicairaŋgarira ʋo. 43Nyika icafanira kusiyiwa naʋo, kuti ifarire masaɓata ayo icakaparadzwa iʋo ʋasi’po; ʋacarobga pamsoro peɀiʋi ɀaʋo, nokuti ʋakaramba ɀandakaŋga ndatoŋga, mŋeya yaʋo ikasema mitemo yaŋgu. 44Kunyaŋge ɀakaɗaro, kana ʋari munyika yaʋaʋeŋgi ʋaʋo, handiŋgaʋarashi, handiŋgaʋasemi, ndiʋaparadze cose, nokuputsa suŋgano yaŋgu naʋo; nokuti ndini Jehova Mŋari waʋo; 45asi nokuɗa kwaʋo ndicaraŋgarira suŋgano yaŋgu namadziteteguru aʋo, ʋandakaɓuɗisa munyika yeEgipita pamberi paʋahedeni, kuti ndiʋe Mŋari waʋo; ndini Jehova.
46Ndiyo mitemo neɀakatoŋgwa nemirairo yakaitwa naJehova pakati pake naʋana ʋaIsraeri pagomo reSinai nomuromo waMosesi.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 26: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018