Revitiko 25
25
Gore resaɓata nereJuberi.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi pagomo reSinai, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika munyika yandicakupai, nyika inofanira kuitira Jehova saɓata. 3Unofanira kudɀara munda wako makore matanhatu, nokugurira mizambiriŋga yako makore matanhatu, nokuʋuŋganidza micero yayo. 4Asi pagore recinomŋe nyika inofanira kuzorora kwaɀo, riʋe saɓata kunaJehova; usadɀara munda wako, kana kugurira mizambiriŋga yako. 5Magoko ako usaakohwa, namazambiriŋga womuzambiriŋga wako usina‐kugurirwa usaatanha; rinofanira kuʋa gore rokuzorora kwaɀo kwenyika. 6Gohwa resaɓata renyika ndiɀo ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀenyu; ɀako neɀomuranda wako, neɀomurandakadzi wako, neɀomuɓatiri wako, neɀomutorwa wako ugere newe; 7neɀeɀipfuwo ɀako, neɀemhuka dziri munyika yako; ɀiɓereko ɀaɀo ɀose ɀinofanira kuʋa ɀokudya ɀaɀo.
8Unofanira kuʋereŋga ʋo masaɓata manomŋe amakore, manomŋe akaʋereŋgwa kanomŋe; kuti mazuʋa amasaɓata manomŋe amakore aite kwauri makore makumi manna namapfumbamŋe. 9Ɀino pazuʋa regumi romŋedzi wecinomŋe unofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe kwaɀo; pazuʋa rokuyananisira munofanira kuraira kuti hwamanda iridzwe panyika yenyu yose. 10Munofanira kutsaura gore ramakumi mashanu, mugoparidza sunuŋguko panyika yose kunaʋose ʋagere’mo; rinofanira kuʋa gore rejuberi kwamuri; munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuneɀake, munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuhama dzake. 11Gore irero ramakumi mashanu rinofanira kuʋa rejuberi kwamuri; musadɀara, ʋuye musakohwa naro magoko, ʋuye musatanha naro mazambiriŋga emizambiriŋga isina‐kugurirwa. 12Nokuti igore rejuberi; rinofanira kuʋa dɀene kwamuri; munofanira kudya ɀiɓereko ɀaro paminda. 13Negore iri rejuberi munofanira kudzokera mumŋe nomumŋe kuneɀake. 14Ɀino kana uciteŋgesera wokwako cinhu, kana kuteŋga cinhu kwaari, musamanikidzana. 15Uteŋge kunowokwako ucienzanisa namakore kubva pagore rejuberi, naiye unofanira kukuteŋgesera acienzanisa namakore akasara okukohwa. 16Unofanira kuwedzera muteŋgo waɀo ucienzanisa nokuwanda kwamakore, ʋuye unofanira kutapudza muteŋgo ucienzanisa noʋushoma bgamakore; nokuti iye unokuteŋgesera ŋguʋa dzokukohwa. 17Musamanikidzana, asi utye Mŋari wako; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu. 18Naiɀoɀo munofanira kuita ɀandakatema, nokuceŋgeta ɀandakatoŋga, nokuɀiita, kuti mugare munyika makaceŋgeteka. 19Nyika icaɓereka ɀiɓereko ɀayo, imi mucadya mukaguta, mukagara’mo makaceŋgeteka. 20Ɀino kana mukati: Ticadyei negore recinomŋe? Tarirai, hatifaniri kudɀara, hatifaniri kuʋuŋganidza ɀiɓereko ɀeɗu; 21ipapo ndicaraira kuti mukomborerwe neni pagore recitanhatu, kuti rikuɓerekerei ɀiɓereko ɀicariŋgana makore matatu. 22Negore rorusere mucadɀara, mucidya ɀiɓereko ɀisharu; kuȿikira gore repfumbamŋe, kuȿikira ɀiɓereko ɀaro ɀiciȿika, mucadya ɀisharu. 23Nyika haifaniri kuteŋgeswa cose nokusiŋgaperi, nokuti nyika ndeyaŋgu; nokuti muri ʋaeni naʋatorwa kwandiri. 24Panyika yenyu yose munofanira kutendera kuti nyika idzikinurwe.
25Kana hama yako ikaʋa murombo, ikateŋgesa ɀimŋe ɀayo, ipapo hama yako yomumba inofanira kuʋuya kuzodzikinura iɀo ɀakateŋgeswa nehama yako. 26Kana munhu akashaiwa unoɀidzikinura, akazoʋa mufumi, akawana ɀinoriŋgana kuɀidzikinura; 27unofanira kuʋereŋga makore kubva pakuteŋgeswa kwaɀo, agodzosera kunaiye waakateŋgana naye ɀakasara, iye ndokudzokera kuneɀake; 28asi kana asiŋgagoni kuɀidzikinura, iɀo ɀaakateŋgesa ɀinofanira kugara kunaiye wakaɀiteŋga kuȿikira pagore rejuberi; ɀino pagore rejuberi ɀinofanira kusunuŋgurwa, iye agodzokera kuneɀake.
29Kana munhu akateŋgesa imba iri muguta rakakombga namaȿiŋgo, uŋgaidzikinura gore rose raakateŋga naro risati rapera; unofanira kuʋa nesimba rokuidzikinura gore rose. 30Kana isiŋgadzikinurwi gore rose rikapera, ɀino imba iyo iri muguta rakakombga namaȿiŋgo inofanira kusimbiswa kuti ndeyaiye wakaiteŋga nokusiŋgaperi, nokumarudzi ake; haiŋgasunuŋgurwi negore rejuberi. 31Asi dzimba dzemisha isina‐kukombga namaȿiŋgo dzinofanira kuʋereŋgwa pamŋe cete neminda yenyika; dziŋgadzikinurwa, dzicasunuŋgurwa pagore rejuberi. 32Asi pamaguta aʋaRevi, idzo dzimba pamaguta aʋo, ʋaRevi ʋaŋgadzidzikinura ŋguʋa ipi neipi. 33Kana munhu akadzikinura kuʋaRevi, imba yakateŋgeswa neguta rake ɀinofanira kusunuŋgurwa pagore rejuberi; nokuti dzimba mumaguta aʋaRevi ndedzaʋo pakati paʋana ʋaIsraeri. 34Asi minda yokuruwa rwamaguta aʋo haiŋgateŋgeswi, nokuti ndeyaʋo nokusiŋgaperi.
35Kana hama yako ikaʋa murombo, akapera simba anewe, unofanira kumuɓatsira, agare newe somŋeni kana mutorwa. 36Usatora mhindu yemari kwaari kana yeɀiɓereko kwaari, asi unofanira kutya Mŋari wako, kuti hama yako igare newe. 37Usamupa mari yako ucireʋa mhindu, kana ɀokudya ɀako ucireʋa kuwedzerwa. 38Ndini Jehova Mŋari wenyu, wakakuɓuɗisai munyika yeEgipita, kuti ndikupei nyika yeKanani, ndiʋe Mŋari wenyu.
39Kana hama yako ikaʋa murombo, agere newe, akaɀiteŋgesa kwauri, usamuɓatisa somusuŋgwa; 40ŋgaaʋe somuɓatiri unopiwa muɓairo, kana somutorwa kwauri; ŋgaakuɓatire kuȿikira pagore rejuberi. 41Ipapo ŋgaaɓuɗe hake kwauri, iye pamŋe cete naʋana ʋake, adzokere kuhama dzake, adzokere kunamadziɓaɓa ake. 42Nokuti iʋo ʋaranda ʋaŋgu ʋandakaɓuɗisa munyika yeEgipita; ŋgaʋarege kuteŋgeswa, seɀinoitwa ʋasuŋgwa. 43Usamuɓata nehasha, asi utye Mŋari wako. 44Kana ʋari ʋasuŋgwa ʋako, ʋarume kana ʋakadzi, ʋaucazoʋa naʋo — muŋgaɀiteŋgera ʋasuŋgwa, ʋarume naʋakadzi, kumarudzi anokupoteredzai. 45Muŋgateŋga ʋo kuʋana ʋaʋatorwa ʋagere pakati penyu nokuʋana ʋaʋo ʋari pakati penyu, ʋaʋakaɓereka panyika yenyu; iʋo ʋaŋgaʋa ʋenyu. 46Muʋaite nhaka yaʋana ʋenyu ʋanokuteʋerai, kuti ʋaʋe ʋaʋo; munofanira kutora ʋasuŋgwa ʋenyu kwaʋari nokusiŋgaperi; asi kana dziri hama dzenyu, ʋana ʋaIsraeri, mumŋe ŋgaarege kuɓata mumŋe nehasha.
47Kana mŋeni kana mutorwa akafuma agere newe, asi hama yako igere naye ikaʋa murombo, akaɀiteŋgesa kumŋeni kana mutorwa uyo ugere newe, kana kumŋana worudzi rwomŋeni uyo, 48kana ateŋgeswa, uŋgadzikinurwa; munuŋuna kana mukoma wake uŋgamudzikinura; 49kana ɓaɓamunini ʋake, kana mŋanakomana waɓaɓamunini ʋake, uŋgamudzikinura, kana aninani ʋehama dzake dzomumba make uŋgamudzikinura; kana iye akazoʋa mufumi, uŋgaɀidzikinura amene. 50Ɀino iye nomuteŋgi wake ʋanofanira kuʋereŋga makore kubva pagore raakaɀiteŋgesa naro kwaari kuȿikira pagore rejuberi, muteŋgo waakaɀiteŋgesa nawo unofanira kuenzaniswa namakore; ŋguʋa yokugara kwake naye inofanira kuenzaniswa neŋguʋa yomuɓatiri unopiwa muɓairo wake. 51Kana makore mazhinji aciŋge asara, unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake yakaenzaniswa namakore iwayo, ɀicibva pamari yaakaŋga ateŋga nayo. 52Kana kuciŋge kwasara makore mashoma kuȿikira pagore rejuberi, unofanira kuraŋgana naye; unofanira kudzosera mari yokudzikinurwa kwake ɀicienzaniswa namakore ake. 53Unofanira kugara naye gore rimŋe nerimŋe somuɓatiri unopiwa muɓairo wake; ŋgaarege kumuɓata nehasha pamberi pako. 54Kana asiŋgadzikinurwi nemitoʋo iyi, unofanira kusunuŋgurwa negore rejuberi, iye naʋana ʋake pamŋe cete naye. 55Nokuti ʋana ʋaIsraeri ʋaranda ʋaŋgu; ʋaranda ʋaŋgu ʋandakaɓuɗisa panyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 25: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018