Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 24

24
Mafuta omŋenje neɀiŋgwa ɀokuratidza.
1Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Raira ʋana ʋaIsraeri kuti ʋaʋuye kwauri namafuta akanaka amaorivi, akaiȿo‐naka akaȿiniwa omŋenje, kuti avenekese mŋenje ŋguʋa dzose. 3Kunze kwecidzitiro cecipupuriro, mutente rokusoŋgana, Aroni unofanira kuigadzira kubva maɗekwana kuȿikira maŋgwanani ŋguʋa dzose pamberi paJehova; unofanira kuʋa mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose. 4Unofanira kugadzira mŋenje pacigadziko cakaiȿo‐naka ŋguʋa dzose pamberi paJehova.
5Iwe unofanira kutora ʋupfu bgakatsetseka, ugoɓika nabgo ɀiŋgwa ɀinegumi neɀiʋiri; ciŋgwa cimŋe necimŋe cinofanira kuitwa neɀegumi ɀiʋiri ɀeefa. 6Unofanira kuɀigadzika patafura yakaiȿo‐naka pamberi paJehova uciita nhurikidzwa mbiri, ɀitanhatu panhurikidzwa. 7Unofanira kuisa ʋo pamsoro penhurikidzwa imŋe neimŋe ɀinonhuwira ɀakanaka, kuti ciʋe cokuraŋgaridza ceciŋgwa, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova. 8Musi mumŋe nomumŋe wesaɓata unofanira kuɀiroŋgedza pamberi paJehova ŋguʋa dzose; iʋe suŋgano isiŋgaperi inoitwa naʋana ʋaIsraeri. 9Ɀinofanira kuʋa ɀaAroni naʋanakomana ʋake; ʋaɀidye panɀimbo tȿene, nokuti citȿene kwaɀo kwaari pakati peɀipiriso ɀinopisirwa Jehova nomutemo usiŋgaperi.
Ɀiʋi nokurobga kwaɀo.
10Ɀino mŋanakomana womukadzi muIsraeri, asi ɓaɓa ʋake ʋaiʋa munhu weEgipita, wakafamba pakati paʋana ʋaIsraeri; mŋanakomana womukadzi muIsraeri akarwa nomurume muIsraeri pamisasa. 11Mŋanakomana womukadzi muIsraeri akamhura zita raJehoʋa, akatuka, ʋakaenda naye kunaMosesi. Zita ramai ʋake rakaŋga riri Sheromiti, mŋanasikana waDibri, worudzi rwaDani. 12Ʋakamuisa mutoroŋgo, kuti ʋaziʋiswe ɀinorebga naJehova.
13Ɀino Jehova akataura naMosesi, akati: 14Ƃuɗisa mutuki kunze kwemisasa; ɀino ʋose, ʋakamunzwa, ʋanofanira kuisa maʋoko aʋo pamusoro wake, ʋuŋgano yose igomutaka namabge. 15Ɀino iwe utaure naʋana ʋaIsraeri, uti: Aninani unotuka Mŋari wake unofanira kurobga pamsoro peɀiʋi ɀake. 16Munhu unomhura zita raJehova, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; ʋuŋgano yose inofanira kumutaka namabge, kana ari mutorwa, kana ari wakaɓerekerwa munyika, kana acimhura zita raJehoʋa unofanira kuʋurawa. 17Munhu unoroʋa mumŋe, akafa, ɀirokwaɀo unofanira kuʋurawa; 18nomunhu unoroʋa cipfuwo, cikafa, unofanira kuciripa; ʋupenyu pacigaro coʋupenyu. 19Kana munhu akamanikidza wokwake, seɀaakaita iye, unofanira kuitirwa ʋo; 20kuvunika kucatsibga nokuvunika, ziso neziso, zino nezino, seɀaakamanikidza mumŋe, naiye unofanira kuitirwa saiɀoɀo. 21Munhu unoʋuraya cipfuwo, unofanira kuripa; unoʋuraya munhu, unofanira kuʋurawa. 22Munofanira kuʋa nomurairo mumŋe cete kumutorwa kana kunowakaɓerekerwa panyika; nokuti ndini Jehova Mŋari wenyu. 23Mosesi akataura naʋana ʋaIsraeri, iʋo ʋakaɓuɗisa mutuki kunze kwemisasa, ʋakamutaka namabge. Ʋana ʋaIsraeri ʋakaita seɀaʋakarairwa naMosesi.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 24: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda