Revitiko 23
23
Mirairo yemitambo mikuru.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Mitambo yakatarwa naJehova, yamunofanira kuparidzira muciti ndidzo ʋuŋgano tȿene, ndiyo mitambo yaŋgu yakatarwa. 3Maɓasa ŋgaaɓatwe mazuʋa matanhatu; asi zuʋa recinomŋe isaɓata rokuzorora kwaɀo, iʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa ripi neripi; isaɓata raJehova mudzimba dzenyu dzose.
4Ndiyo mitambo yaJehova yakatarwa, ndidzo ʋuŋgano tȿene, dzamunofanira kuparidzira neŋguʋa dzakatarwa: 5Nomŋedzi wokutaŋga, nezuʋa regumi namanna romŋedzi, maɗekwana, ipaseka raJehova. 6Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi iwoyo ndiwo mutambo weɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa; munofanira kudya ciŋgwa cisina‐kuʋiriswa mazuʋa manomŋe. 7Nomusi wokutaŋga munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa raʋaranda. 8Asi munofanira kupa Jehova cipiriso cinopiswa mazuʋa manomŋe; pazuʋa recinomŋe munofanira kuita ʋuŋgano tȿene; musaɓata ɓasa raʋaranda.
9Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 10Taura naʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Kana muciȿika munyika yandicakupai, mukakohwa ɀiyo ɀayo, munofanira kuʋuya necisote ceɀitȿa ɀokukohwa kwenyu kumuprista, 11iye unofanira kuzuŋguzira cisote ico pamberi paJehova, kuti cigamucirwe kwamuri; muprista unofanira kucizuŋguzira nomusi unoteʋera saɓata. 12Nomusi wamunozuŋguzira cisote nawo, munofanira kuʋuya negwaiana regondobge risina‐kuremara, rinegore rimŋe, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova. 13Necipiriso caco coʋupfu cinofanira kuʋa ceɀegumi ɀiʋiri ɀeefa#23:13 Efa imŋe aneŋge magaroni mapfumbamne. yoʋupfu bgakatsetseka, bgakakanyiwa namafuta, ciʋe cipiriso cinopisirwa Jehova cinonhuwira ɀakanaka; necipiriso caco cinoɗururwa cinofanira kuʋa cewaini cecinna cehini.#23:13 Hini imŋe rineŋge garon nehafu. 14Musadya ciŋgwa, kana ɀiyo ɀakakaŋgiwa, kana hura itȿa, kuȿikira pamusi iwoyo, kuȿikira maʋuya necipo caMŋari wenyu; ndiwo mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose.
15Ɀino munofanira kuʋereŋga kubva pamusi unoteʋera saɓata, kubva pamusi wamakaʋuya nawo necisote cinozuŋguzirwa, masaɓata manomŋe. 16Munofanira kuʋereŋga mazuʋa makumi mashanu kuȿikira pamusi unoteʋera saɓata recinomŋe; ipapo munofanira kupa Jehova cipiriso citȿa coʋupfu. 17Munofanira kutora kudzimba dzenyu ɀiŋgwa ɀiʋiri ɀinozuŋguzirwa ɀeɀegumi ɀiʋiri ɀeefa; ɀinofanira kuʋa ɀoʋupfu bgakatsetseka, ɀiɓikwe nembiriso, kuti ɀiʋe ɀitȿa kunaJehova. 18Pamŋe cete neɀiŋgwa munofanira kuʋuya namakwaiana manomŋe asina‐kuremara, egore rimŋe, nenzombe imŋe ɗuku, namakondobge maʋiri; iɀoɀo ɀinofanira kuʋa ciɓayiro cinopisirwa Jehova, pamŋe cete necipiriso caɀo coʋupfu neɀipiriso ɀinoɗururwa, ciʋe cipiriso cinopiswa cinonhuwira ɀakanaka kunaJehova. 19Ʋuye munofanira kuɓayira nhoŋgo imŋe, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, namakwaiana maʋiri, mikono yegore rimŋe, ciʋe ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa. 20Muprista unofanira kuɀizuŋguzira pamŋe cete neɀiŋgwa ɀitȿa, ciʋe cipiriso cinozuŋguzirwa pamberi paJehova, pamŋe cete namakwaiana maʋiri iwayo; ɀinofanira kuʋa ɀitȿene kunaJehova ɀiri ɀomuprista. 21Munofanira kuparidza nomus woyo kuti muʋe neʋuŋgano itȿa; hamufaniri kuɓata maɓasa aʋaranda; uʋe mutemo usiŋgaperi padzimba dzenyu dzose kuȿikira kumarudzi enyu ose.
22Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa kwaɀo miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu.
23Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 24Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Pamŋedzi wecinomŋe, zuʋa rokutaŋga romŋedzi rinofanira kuʋa kwamuri zuʋa rokuzorora kwaɀo, rinoyeʋudzwa nokuridzwa kwehwamanda, iʋe ʋuŋgano tȿene. 25Musaɓata naro maɓasa ose aʋaranda; munofanira kuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto.
26Jehova wakataura naMosesi, akati: 27Zuʋa regumi romŋedzi uyu wecinomŋe izuʋa rokuyananisira; munofanira kuita naro ʋuŋgano tȿene, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto. 28Nomusi uyo musaɓata ɓasa ripi neripi, nokuti izuʋa rokuyananisirwa, kuti muyananisirwe pamberi paJehova Mŋari wenyu. 29Nokuti aninani usiŋgacemi pamŋeya wake nomusi iwoyo, ucabviswa pakati porudzi rwake. 30Nomunhu upi noupi unoɓata ɓasa ripi neripi nomusi iwoyo, munhu uyo ndicamuparadza pakati porudzi rwake. 31Musaita ɓasa ripi neripi; mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose padzimba dzenyu dzose. 32Rinofanira kuʋa kwamuri saɓata rokuzorora kwaɀo, munofanira kucema pamŋeya yenyu; munofanira kuceŋgeta saɓata renyu, nezuʋa repfumbamŋe romŋedzi maɗekwana, kubva pamaɗekwana kuȿikira pamaɗekwana ɀe.
33Jehova wakataura naMosesi, akati: 34Taura naʋana ʋaIsraeri, uti: Nezuʋa regumi namashanu romŋedzi uyu wecinomŋe Jehova unofanira kuitirwa mutambo wamatumba mazuʋa manomŋe. 35Nomusi wokutaŋga kunofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; musaita ɓasa ripi neripi raʋaranda. 36Munofanira kuʋigira Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto mazuʋa manomŋe; nomusi worusere munofanira kuʋa neʋuŋgano tȿene; muʋigire Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto; izuʋa romutambo mukuru, musaɓata ɓasa ripi neripi raʋaranda.
37Ndiyo mitambo yakatarwa yaJehova, yamunofanira kuparidzira, muciti iʋuŋgano tȿene, kuti muʋigire Jehova cipiriso cinoitwa nomŋoto, cipiriso cinopiswa, necipiriso coʋupfu, neciɓayiro, neɀipiriso ɀinoɗururwa, cimŋe necimŋe nezuʋa raco; 38iɀi ŋgaɀiitwe, kunze kwamasaɓata aJehova, nokunze kweɀipo ɀenyu, nokunze kwemhiko dzenyu dzose, nokunze kwenhendo dzenyu dzose dzokuɗa kwenyu, dzamunopa Jehova.
39Ɀino pazuʋa regumi namashanu romŋedzi wecinomŋe, kana makohwa gohwa reminda, munofanira kuita mutambo waJehova mazuʋa manomŋe; zuʋa rokutaŋga rinofanira kuʋa rokuzorora kwaɀo, nezuʋa rorusere rinofanira kuʋa rokuzorora kwaɀo. 40Pazuʋa rokutaŋga munofanira kutora micero yemiti yakanaka, namashizha emicindwe, namataʋi emiti mikobvu, nemikonacando yomurukoʋa; munofanira kufara pamberi paJehova Mŋari wenyu mazuʋa manomŋe. 41Munofanira kuitira Jehova mutambo mazuʋa manomŋe gore rimŋe nerimŋe; uʋe mutemo usiŋgaperi kuȿikira kumarudzi enyu ose; munofanira kuuita nomŋedzi wecinomŋe. 42Munofanira kugara mumatumba mazuʋa manomŋe; ʋose ʋakaɓerekerwa munyika pakati paʋaIsraeri ʋanofanira kugara mumatumba. 43Kuti marudzi enyu aziʋe, kuti ndakagarisa ʋana ʋaIsraeri mumatumba, ŋguʋa yandakaʋaɓuɗisa munyika yeEgipita; ndini Jehova Mŋari wenyu. 44Ipapo Mosesi wakarondedzera kuʋana ʋaIsraeri mitambo yakatarwa yaJehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 23: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018