Revitiko 22
22
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 2Taura naAroni naʋanakomana ʋake, kuti ʋaɀitsaure paɀinhu ɀitȿene ɀavana ʋaIsraeri, ɀaʋanonditsaurira, kuti ʋarege kushatsa zita raŋgu dɀene; ndini Jehova. 3Uti kwaʋari: Aninani kuʋana ʋenyu kumarudzi enyu ose, unosweɗera kuɀinhu ɀitȿene, ɀakatsaurirwa Jehova naʋana ʋaIsraeri, asina‐kunaka, munhu uyo unofanira kubviswa pamberi paŋgu; ndini Jehova. 4Aninani kuʋana ʋaAroni unamaperembudzi kana uneɀinoyerera ŋgaarege kudya ɀinhu ɀitȿene kuȿikira anaka. Aninani unoɓata cinhu cakaȿiɓiswa nowakafa kana munhu unoɓuɗirwa nembeu yake; 5kana aninani unoɓata cinhu cipi necipi cinokambaira ciŋgamuȿiɓisa, kana munhu waaŋgaȿiɓiswa naye, unokusanaka kupi nokupi. 6Munhu unoɓata cinhu cipi necipi cakaɗai, ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; haafaniri kudya ɀinhu ɀitȿene asati ashambidza muʋiri wake nemvura. 7Kana zuʋa raʋira ucaʋa wakanaka; pashure uŋgadya hake ɀinhu ɀitȿene, nokuti ndiɀo ɀokudya ɀake. 8Ŋgaarege kudya cinhu cakafa coga, kana cakaʋurawa neɀikara, kuti aɀiȿiɓise naɀo; ndini Jehova. 9Naiɀoɀo ʋanofanira kuceŋgeta ɀandakaraira, kuti ʋarege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwaɀo, ʋafe naɀo, kana ʋaɀishatsa; ndini Jehova, ndinoʋatsaura. 10Mŋeni ŋgaarege kudya cinhu citȿene; mutorwa ugere nomuprista, kana muranda, ŋgaʋarege kudya cinhu citȿene. 11Asi kana muprista akateŋga munhu nomuteŋgo wemari yake, iye uŋgaɀidya; ʋuye ʋose ʋanoɓerekerwa mumba make, ʋaŋgadya ɀokudya ɀake. 12Kana mŋanasikana womuprista akawanikwa nomŋeni, ŋgaarege kudya cipiriso cinotsaurwa ceɀinhu ɀitȿene. 13Asi kana mŋanasikana womuprista iri cirikadzi, kana warambga nomurume, asinaʋana, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake, sapaʋusikana bgake, iye uŋgadya ɀokudya ɀaɓaɓa ʋake; asi mŋeni ŋgaarege kuɀidya. 14Kana munhu akadya cinhu citȿene asiŋgaziʋi, ucafanira kuwedzera ceshanu caco kwaciri, kuti adzosere kumuprista cinhu citȿene. 15Ŋgaʋarege kushatsa ɀinhu ɀitȿene ɀaʋana ʋaIsraeri ɀaʋanopa Jehova; 16kuti ʋarege kuʋa nemhoȿa yeɀiʋi, kana ʋacidya ɀinhu ɀaʋo ɀitȿene; nokuti ndini Jehova ndinoʋatsaura.
Ɀipo ɀinofanira kuʋa ɀakaɗini.
17Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 18Taura naAroni, naʋanakomana ʋake, naʋana ʋaIsraeri ʋose, uti kwaʋari: Aninani weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa pakati paʋaIsraeri, unoʋuya necipo cake, kana ciri cemhiko, kana iri nhendo ipi neipi yokuɗa kwaʋo, caʋanoʋuya naco kunaJehova, kuti cipiswe; 19munofanira kuʋuya nomukono usina‐kuremara kana weŋombe, kana gondobge ramakwai, kana nhoŋgo yembudzi, kuti mugamucirwe. 20Asi musaʋuya necinhu cakaremara, nokuti hamuŋgagamucirwi nokuɗa kwaco. 21Aninani unoʋuya neciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa kunaJehova, cokupika naco, kana kuti iʋe nhendo yokuɗa kwake, kana ciri ceŋombe kana camakwai, cinofanira kuʋa cakakwana, kuti cigamucirwe; ŋgacirege kuʋa cakaremara. 22Kana ciri cinhu cakaita ɓofu, kana cakavunika, kana cakakuʋara, kana cinamaronda, kana cinecikwekwe, kana cinapakafunuka, murege kupa Jehova iɀoɀo, musapisira Jehova iɀoɀo paartari. 23Kana iri nzombe ɗuku kana gwaiana ɀinemitezo yakareɓesa kana yakafupika, muŋgaʋuya naɀo kuti muite nhendo yokuɗa kwenyu, asi haɀiŋgagamucirwi pakuripira mhiko. 24Musapa Jehova cinhu cinamanhu akakuʋadzwa, kana akapxanyika, kana akaputswa, kana akacekwa; musaɗaro panyika yenyu. 25Musagamucira ɀakaɗai paruʋoko rwomutorwa, kuti mupe Mŋari wenyu ɀokudya ɀakaɗai, nokuti ɀakaipa, ɀakaremara, haɀiŋgagamucirwi nokuɗa kwenyu.
26Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: 27Kana nzombe, kana gwai, kana mbudzi ɀiciɓerekwa, ɀinofanira kugara panamai ʋaɀo mazuʋa manomŋe; kubva pazuʋa rorusere napashure paro ɀiŋgagamucirwa kuti ɀiite cipo cinopisirwa Jehova. 28Kana iri mhou kana nhunɀi, musaɀiʋuraya pamusi mumŋe naʋana ʋaɀo. 29Kana muciɓayira Jehova ciɓayiro cokuʋoŋga, munofanira kuciɓayira saiɀoɀo kuti mugamucirwe. 30Cinofanira kudyiwa nomusi iwoyo; musasiya ɀimŋe kuȿikira maŋgwana; ndini Jehova. 31Naiɀoɀo ceŋgetai mirairo yaŋgu, muiite; ndini Jehova. 32Usashatsa zita raŋgu dɀene; ndinoɗa kutsaurwa pakati paʋana ʋaIsraeri, ndini Jehova, ndinokutsaurai; 33ndakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; ndini Jehova.
Zvasarudzwa nguva ino
Revitiko 22: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018