Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mupiro 27:14-34

Mupiro 27:14-34 SCLBD

“Kana munhu achiturira imba yake kuna Tenzi, mupristi ngaandoona imba yacho kuti yakanaka here kana kuti kwete ateme mutengo wayo. Mutengo waanenge atema ndiwoyo. Kana nyakumboiturira kuna Mwari oda kudzikinura, ngaabvise mutengo wacho wemari achiwedzera makumi maviri pazana roga roga, igobva yava yake zvakare. “Kana munhu akaturira chidimbu chomunda wake wenhaka kuna Tenzi, mutengo wacho ngautemwe maererano nouwandi hwembeu dzinogona kudyarwamo, ngaabvise gumi remari yesirivha yamashekeri pakoroni inorema makirogiramu makumi maviri. Kana aturira Mwari munda iwoyo gore rehwamanda richangopera, ngaabvise mutengo wawo wose. Asi kana munhu akazoturira Mwari munda wake kwapera makore akati kuti, gore rehwamanda rapfuura, mupristi ngaateme mutengo wawo unokwanirana namakore asara kusvika pagore rehwamanda achibvisa mari yawo yamakore akapfuura. Munhu anenge aturira Mwari munda wake, kana oda kuudzikinura ngaabvise mutengo wawo achiwedzera makumi maviri pazana roga roga ucharamba uri wake. Asi kana asisadi kuudzikinura outengesa asina kutanga aununura kuna Tenzi akazoutengesera mumwe munhu, munhu wakadaro haazobvumirwi kuununurazve. Pagore rehwamanda paunofanira kudzoserwa muridzi wawo, unenge wava munda unoera wakakumikidzwa kuna Tenzi, uchava wavapristi. “Kana munhu akaturira Tenzi munda waakatenga, usiri wake wenhaka, mupristi ngaateme mutengo wawo unoenderana namakore asara kusvika kugore rehwamanda. Ngaabvise mari iyoyo pazuva rakarero, sechinhu chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Pagore rehwamanda munda iwoyo ngaudzoserwe kumunhu uya kwawakatengwa, kumuridzi wawo wenhaka. “Mutengo upi noupi zvawo ngautemwe maererano nemari yesirivha yemashekeri iri pamurao yomunzvimbo inoera. Magera makumi maviri anoita shekeri rimwechete. “Pamusana pokuti chipfuwo choga choga chinotanga kuberekwa ndechaTenzi, hakuna munhu anofanira kupira dangwe rechipfuwo, chingave mombe kana hwai nokuti ndechaTenzi nakare. Asi dangwe rechipfuwo chakan'ora rinofanira kudzikinurwa. Ngaaridzikinure nomutengo waunenge watema. Ngaaubvise achiwedzera mukumi maviri pazana roga roga rawo. Kana dangwe iroro rechipfuwo risina kudzikinurwa, ngaritengeswe nomutengo waunenge watema. “Hakuna munhu angatengese kana angadzikinure chinhu chanyatsotsidzwa kupiwa kuna Tenzi pazvinhu zvose zvaanazvo angave munhu, kana chipfuwo kana munda wenhaka. Chinhu ichocho ndechaTenzi, chinhu chinenge chanyatsotsidzirwa Tenzi chinhu chinoera kwazvo. Kana zvatemwa chaizvo kuti munhu apirwa kuna Tenzi haanunurwe anofanira kutourayiwa. “Chegumi chembesa kana chemichero yamunorima chinoera chakatsaurirwa Tenzi. Kana munhu akada kununura chegumi chake, ngaabvise mutengo wacho achiwedzera makumi maviri pazana roga roga. Chegumi chose zvacho chemombe nechezvimwe zvipfuwo zvichireva kuti kana muchiverenga zvipfuwo, chipfuwo chipi nechipi chechigumi chinoera, chakatsaurirwa Tenzi. Muridzi wacho ngaarege kutinha zvipfuwo zvake achizvironga nomutoo wokuti zvipfuwo zvisina maturo zvisarudzirwe Tenzi. Ngaaregewo kuzvitsinhanisa nezvimwe zvipfuwo. Kana akatsinhanisa chipfuwo ichocho nechimwe chipfuwo zvose zviri zviviri nechatsinhaniswa nacho zvatova zvinoera. Hazvifaniri kana kumbodzikinurwa.” Iyi ndomirao yakatemerwa vaIsiraeri naTenzi, ikapiwa Mosesi pagomo reSinai.

Verenga chikamu Mupiro 27