Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 27:14-34

Revhitiko 27:14-34 SNA2002

“Kana munhu achiita imba yake tsvene, kuti ive tsvene kuna Jehovha, mupristi anofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; sezvainotarirwa nomupristi, zvinofanira kuramba zvakadaro. Kana iye wakaita imba yake tsvene achida kuidzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakatara iwe, ipapo ichava yake. “Kana munhu akaitira Jehovha ndima yomunda wake tsvene, iwe unofanira kuitarira mutengo uchienzanisa nezvakadyarwamo; homeri imwe yebhari yakadyarwa iite mashekeri makumi mashanu esirivha. “Kana achiita munda wake mutsvene kubva pagore rejubheri, sezvawakautarira iwe, zvinofanira kuramba zvakadaro. Asi kana achitsaura munda wake shure kwegore rejubheri, mupristi anofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kusvikira pagore rejubheri; zvino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. Kana munhu wakatsaura munda wake achida kuudzikinura, anofanira kuwedzera cheshanu chemari yawakamutarira, ugova wake. Kana asingadi kudzikinura munda, kana zvimwe achinge atengesa munda kuno mumwe, haungazodzikinurwi; asi munda uyu, kana uchisunungurwa negore rejubheri, unofanira kuva mutsvene kuna Jehovha, somunda wakayeriswa; uchava womupristi. Kana achitsaurira Jehovha munda waakatenga, usati uri munda wenhaka yake, mupristi anofanira kumutarira mutengo sezvawakatara iwe kusvikira pagore rejubheri; zvino iye anofanira kuripa mari sezvawakatara iwe, chive chinhu chitsvene kuna Jehovha. Pagore rejubheri munda unofanira kudzokera kumunhu waakanga atenga kwaari, kuna iye wakanga ari muridzi wenyika. Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanzvimbo tsvene; shekeri rimwe rinoita magera maviri. “Asi mwana wemhongora pakati pezvipfuwo, uri waJehovha zvauri mwana wemhongora, ngakurege kuva nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndezvaJehovha. Kana chiri chipfuwo chisina kunaka, unofanira kuchidzikinura sezvawakachitarira iwe, achiwedzerawo cheshanu chacho; kana chisingadzikunurwi, chinofanira kutengeswa sezvawakachitarira iwe. “Kunyange zvakadaro, hakune chinhu chakayeriswa, chakayerisirwa Jehovha nomunhu pazvose zvaanazvo, kana chiri chavanhu, kana zvipfuwo, kana munda wenhaka yake, chingatengeswa kana kudzikinurwa; chinhu chipi nechipi chakayeriswa, chinofanira kuva chitsvene kwazvo kuna Jehovha. Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuvanhu, haangadzikinurwi; anofanira kuurawa zvirokwazvo. “Zvegumi zvose zvenyika, kana zviri zvembeu dzenyika, kana michero yemiti, ndezvaJehovha; zvitsvene kuna Jehovha. Kana munhu achida kudzikinura chimwe pazvegumi zvake, anofanira kuwedzera kwachiri cheshanu chacho. Zvegumi zvose zvemombe, kana zvezvipfuwo zviduku, zvose zvinopfuura napazasi petsvimbo, chegumi chinofanira kuva chitsvene kuna Jehovha. Haafaniri kucherekedza kana chiri chakanaka kana chakaipa, kana kuchitsinhanhisa nechimwe; kana achinge atsinhanhisa nechimwe, zvose zviri zviviri, icho nechakatsinhiwa, zvichava zvitsvene; hazvingadzikinurwi.” Ndiyo mirairo yavana vaIsiraeri yakarairwa Mosesi naJehovha pagomo reSinai.