Kana munhu aciita imba yake tȿene, kuti iʋe tȿene kunaJehova, muprista unofanira kuitarira, kana yakanaka kana yakaipa; seɀainotarirwa nomuprista, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. Kana iye wakaita imba yake tȿene aciɗa kuidzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakatara iwe, ipapo icaʋa yake.
Kana munhu akaitira Jehova ndima yomunda wake tȿene, iwe unofanira kuitarira muteŋgo ucienzanisa neɀakadɀarwa’mo; homeri imŋe yebari yakadɀarwa iite mashekeri makumi mashanu esirveri. Kana aciita munda wake mutȿene kubva pagore rejuberi, seɀawakautarira iwe, ɀinofanira kuramba ɀakaɗaro. Asi kana acitsaura munda wake shure kwegore rejuberi, muprista unofanira kumutarira mari yakaenzana namakore akasara kuȿikira pagore rejuberi; ɀino mari iyo inofanira kutapudzwa pakutara kwako. Kana munhu wakatsaura munda wake aciɗa kuudzikinura, unofanira kuwedzera ceshanu cemari yawakamutarira, ugoʋa wake. Kana asiŋgaɗi kudzikinura munda, kana ɀimŋe aciŋge ateŋgesa munda kunomumŋe, hauŋgazodzikinurwi; asi munda uyu, kana ucisunuŋgurwa negore rejuberi, unofanira kuʋa mutȿene kunaJehova, somunda wakayeriswa; ucaʋa womuprista. Kana acitsaurira Jehova munda waakateŋga, usati uri munda wenhaka yake, muprista unofanira kumutarira muteŋgo seɀawakatara iwe kuȿikira pagore rejuberi; ɀino iye unofanira kuripa mari seɀawakatara iwe, ciʋe cinhu citȿene kunaJehova. Pagore rejuberi munda unofanira kudzokera kumunhu waakaŋga ateŋga kwaari, kunaiye wakaŋga ari muridzi wenyika. Kutara kwako kwose kunofanira kuenzaniswa neshekeri rapanɀimbo tȿene; shekeri rimŋe rinoita magera maʋiri.
Asi mŋana wemhoŋgora pakati peɀipfuwo, uri waJehova ɀauri mŋana wemhoŋgora, ŋgakurege kuʋa nomunhu unoutsaura; kana iri nzombe, kana gwai, ndeɀaJehova. Kana ciri cipfuwo cisina‐kunaka, unofanira kucidzikinura seɀawakacitarira iwe, aciwedzera ʋo ceshanu caco; kana cisiŋgadzikinurwi, cinofanira kuteŋgeswa seɀawakacitarira iwe.
Kunyaŋge ɀakaɗaro, hakunecinhu cakayeriswa, cakayerisirwa Jehova nomunhu paɀose ɀaanaɀo, kana ciri caʋanhu, kana ɀipfuwo, kana munda wenhaka yake, ciŋgateŋgeswa kana kudzikinurwa; cinhu cipi necipi cakayeriswa, cinofanira kuʋa citȿene kwaɀo kunaJehova. Munhu upi noupi wakayeriswa, kana ari munhu wakayeriswa kuʋanhu, haaŋgadzikinurwi; unofanira kuʋurawa ɀirokwaɀo.
Ɀegumi ɀose ɀenyika, kana ɀiri ɀembeu dzenyika, kana micero yemiti, ndeɀaJehova; ɀitȿene kunaJehova. Kana munhu aciɗa kudzikinura cimŋe paɀegumi ɀake, unofanira kuwedzera kwaciri ceshanu caco. Ɀegumi ɀose ɀeŋombe, kana ɀeɀipfuwo ɀiɗuku, ɀose ɀinopfuʋura napazasi petȿimbo, cegumi cinofanira kuʋa citȿene kunaJehova. Haafaniri kucerekedza kana ciri cakanaka kana cakaipa, kana kucitsinhanhisa necimŋe; kana aciŋge atsinhanhisa necimŋe, ɀose ɀiri ɀiʋiri, ico necakatsinhiwa, ɀicaʋa ɀitȿene; haɀiŋgadzikinurwi.
Ndiyo mirairo yaʋana ʋaIsraeri yakarairwa Mosesi naJehova pagomo reSinai.