Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 19:1-18

Revhitiko 19:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako. Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa. Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi. Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.

Revhitiko 19:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe. Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto. Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi. Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.’ “Kana muchikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako. Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu. “Musaba; musanyengera, musareverana nhema. Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha. “Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira. Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu; asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha. “Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama. Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha. “Usavenga hama yako mumwoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake. Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.

Revhitiko 19:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Tenzi, Mwari wenyu ndiri mutsvene. Mumwe nomumwe wenyu ngaaremekedze amai vake nababa vake, achengete maSabata angu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.’ “Musapindukire kuzvifananidzo. Musagadzire vamwari vokuumba noutare. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. “Kana mopira chibayiro chemipiro yokuwadzana kuna Tenzi chipirei nomutoo unoita kuti chive chinogamuchirwa. Ngachidyiwe musi wakarewo wachinenge chapirwa, kana mangwana acho. Zvose zvinenge zvasara zvichiripo kusvikira pazuva retatu ngazvipiswe nomoto. Kana chikazodyiwa pazuva retatu kunenge kwava kuita chinhu chakaipa kwazvo, hachizogamuchirwa. Ani naani anochidya imhosva yake nokuti anenge an'oresa chinhu chaTenzi chinoera, munhu iyeyo ngaachekwe ukama nevokwake. “Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kusvikira kumichetocheto, kana kufuhwa muchitora mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu pakukohwa. Musabva mafuhwiridza munda wamagirepisi kana kubva manhongerera magirepesi anenge adonhera pasi. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ini Tenzi Mwari wenyu ndini ndinodaro. “Musabe kana kunyengedzana kana kureva nhema. Musapike nhema nezita rangu muchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi ndinodaro. “Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani. Musati kune matsi dai ukawana chinokuwana. Usaisire bofu chinhu chokuripingirisha, unofanira kutya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. “Pakutonga mhosva tonga usingatsaudzire, usinganyari murombo kana kuremekedza mupfumi, asi unofanira kutonga mhosva nomazvo. Usafambe-fambe uchiita makuhwa pakati pevekwako. Usapupurire mumwe zvenhema kuti aurayiwe, ndini Tenzi ndinodaro. Usaite daka uchivenga hama yako mumwoyo mako, asi gara pasi unyatsotaurirana naye urege kuita chitadzo pamusana pake. Usatsive kana kuita daka uchivenga vamwe vako. Asi ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, ndini Tenzi ndinodaro.

Revhitiko 19:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, akati: Taura neʋuŋgano yose yaʋana ʋaIsraeri, uti kwaʋari: Iʋai ʋatȿene, nokuti ini Jehova Mŋari wenyu ndiri mutȿene. Mumŋe nomumŋe wenyu unofanira kutya mai ʋake naɓaɓa ʋake, ʋuye munofanira kuceŋgeta masaɓata aŋgu; ndini Jehova Mŋari wenyu. Musaʋa nehanya neɀifananidzo, kana kuɀiitira ʋamŋari ʋakaʋumbga; ndini Jehova Mŋari wenyu. Kana mucipa Jehova ciɓayiro ceɀipiriso ɀokuyananisa, munofanira kucipa kuti mugamucirwe. Cinofanira kudyiwa nomusi wamunocipa nawo, ʋuye nomusi unoteʋera; kana ɀimŋe ɀikasara kuȿikira pazuʋa retatu, ɀinofanira kupiswa nomŋoto. Kana cikatoŋgodyiwa nezuʋa retatu, ɀinonyaŋgadza; hacigamucirwi. Asi mumŋe nomumŋe unocidya, ucaʋa nemhoȿa, nokuti wamhura cinhu citȿene caJehova; munhu uyu unofanira kubviswa pakati porudzi rwake. Kana mucikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa miceto yomunda wako, ʋuye usaʋuŋganidza ɀawira pasi pakukohwa kwako. Usakohwa ɀose pamunda wako wemizambiriŋga, ʋuye usaʋuŋganidza micero yawira pasi yomunda wako wemizambiriŋga; unofanira kuɀisiyira ʋarombo naʋaeni; ndini Jehova Mŋari wenyu. Musaɓa; musanyeŋgera, musareʋerana nhema. Musapika nhema nezita raŋgu, kuti usamhura zita raMŋari wako; ndini Jehova. Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara ʋusiku bgose kuȿikira maŋgwana nomuɓayiro womuranda unokuɓatira. Usatuka matsi, kana kupiŋganidza ɓofu; asi unofanira kutya Mŋari wako; ndini Jehova. Musaita ɀisakarurama pakutoŋga; usatsaura murombo, kana kukudza unesimba; asi unofanira kutoŋga wokwako nokururama. Usafamba‐famba pakati paʋanhu ʋokwako, uciʋacera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehova. Usaʋeŋga hama yako mumŋoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwaɀo, kuti urege kuʋa neɀiʋi nokuɗa kwake. Usatsiʋa, kana kugara wakatsamŋira ʋana ʋaʋanhu ʋokwako, asi unofanira kuɗa wokwako seɀaunoɀiɗa iwe; ndini Jehova.

Revhitiko 19:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)