Zvino Jehovha wakataura naMosesi akati, “Taura neungano yose yavana vaIsiraeri, uti kwavari, ‘Ivai vatsvene, nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. Mumwe nomumwe wenyu anofanira kutya mai vake nababa vake, uye munofanira kuchengeta maSabata angu; ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo, kana kuzviitira vamwari vakaumbwa; ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Kana muchipa Jehovha chibayiro chezvipiriso zvokuyananisa, munofanira kuchipa kuti mugamuchirwe. Chinofanira kudyiwa nomusi wamunochipa nawo, uye nomusi unotevera; kana zvimwe zvikasara kusvikira pazuva retatu, zvinofanira kupiswa nomoto. Kana chikatongodyiwa nezuva retatu, zvinonyangadza; hachigamuchirwi. Asi mumwe nomumwe unochidya, uchava nemhosva, nokuti wamhura chinhu chitsvene chaJehovha; munhu uyu anofanira kubviswa pakati porudzi rwake.’ “Kana muchikohwa gohwa reminda yenyu, rega kukohwa micheto yomunda wako, uye usaunganidza zvawira pasi pakukohwa kwako. Usakohwa zvose pamunda wako wemizambiringa, uye usaunganidza michero yawira pasi yomunda wako wemizambiringa; unofanira kuzvisiyira varombo navaeni; ndini Jehovha Mwari wenyu. “Musaba; musanyengera, musareverana nhema. Musapika nhema nezita rangu, kuti usamhura zita raMwari wako; ndini Jehovha. “Usamanikidza wokwako, kana kumutorera; haufaniri kugara usiku hwose kusvikira mangwana nomubayiro womuranda unokubatira. Usatuka matsi, kana kupinganidza bofu; asi unofanira kutya Mwari wako; ndini Jehovha. “Musaita zvisakarurama pakutonga; usatsaura murombo, kana kukudza une simba; asi unofanira kutonga wokwako nokururama. Usafamba-famba pakati pavanhu vokwako, uchivachera; usapupurira ropa rowokwako; ndini Jehovha. “Usavenga hama yako mumwoyo mako; unofanira kuraira wokwako kwazvo, kuti urege kuva nezvivi nokuda kwake. Usatsiva, kana kugara wakatsamwira vana vavanhu vokwako, asi unofanira kuda wokwako sezvaunozvida iwe; ndini Jehovha.
Verenga chikamu Revhitiko 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Revhitiko 19:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo