Jehovha akati kuna Mozisi, “Taura kuungano yose yeIsraeri uti kwavari, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Jehovha Mwari wenyu ndiri mutsvene. “ ‘Mumwe nomumwe wenyu anofanira kuremekedza mai nababa vake uye munofanira kuchengetedza maSabata angu. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Musava nehanya nezvifananidzo kana kuzviitira vamwari vesimbi dzakanyungudutswa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Kana uchipa Jehovha chibayiro chechipiriso chokuwadzana, unofanira kuchipa nenzira inoita kuti chigamuchirwe pachinzvimbo chako. Chichadyiwa nomusi waunochibayira kana zuva rinotevera; chinhu chipi nechipi chinosiyiwa kusvika pazuva rechitatu chinofanira kupiswa. Kana zvimwe zvacho zvikadyiwa pazuva rechitatu hazvina kuchena uye hazvigamuchirwi. Ani naani anozvidya achapiwa mhosva nokuti asvibisa chitsvene kuna Mwari; munhu iyeye anofanira kubviswa pakati pavanhu vokwake. “ ‘Kana uchikohwa mumunda wako usakohwa kusvika kumuchetocheto womunda wako, kana kunhongera zvawira pasi pakukohwa. Musakohwa kechipiri mumunda wemizambiringa kana kunhonga mazambiringa adonha. Zvisiyire varombo kana vatorwa. Ndini Jehovha Mwari wenyu. “ ‘Usaba. “ ‘Usareva nhema. “ ‘Musanyengedzana. “ ‘Usapika nhema nezita rangu ugozvidza zita raMwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usabiridzira muvakidzani wako kana kumutorera chinhu nechisimba. “ ‘Usachengeta mubayiro womushandi kusvikira mangwana. “ ‘Usatuka matsi kana kuisa chigumbuso mberi kwebofu, asi itya Mwari wako. Ndini Jehovha. “ ‘Usaminamisa kururamisira, usatsaura murombo uchifarira mupfumi, asi tonga muvakidzani wako zvakakodzera. “ ‘Usafamba uchiparadzira makuhwa pakati pavanhu vokwako. “ ‘Usaita chinhu chinoisa upenyu hwomuvakidzani wako panjodzi. Ndini Jehovha. “ ‘Usavenga hama yako mumwoyo mako. Tsiura muvakidzani wako zviri pachena kuitira kuti usazova nomugove pamhosva yake. “ ‘Usatsvaka kutsiva kana kugara nedaka nomumwe wavanhu vokwako, asi ida muvakidzani wako sokuda kwaunozviita iwe. Ndini Jehovha.
Verenga chikamu Revhitiko 19
Terera ku Revhitiko 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Revhitiko 19:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo