Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza vaIsiraeri kuti, ‘Ivai vatsvene nokuti ini Tenzi, Mwari wenyu ndiri mutsvene. Mumwe nomumwe wenyu ngaaremekedze amai vake nababa vake, achengete maSabata angu. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu.’ “Musapindukire kuzvifananidzo. Musagadzire vamwari vokuumba noutare. Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. “Kana mopira chibayiro chemipiro yokuwadzana kuna Tenzi chipirei nomutoo unoita kuti chive chinogamuchirwa. Ngachidyiwe musi wakarewo wachinenge chapirwa, kana mangwana acho. Zvose zvinenge zvasara zvichiripo kusvikira pazuva retatu ngazvipiswe nomoto. Kana chikazodyiwa pazuva retatu kunenge kwava kuita chinhu chakaipa kwazvo, hachizogamuchirwa. Ani naani anochidya imhosva yake nokuti anenge an'oresa chinhu chaTenzi chinoera, munhu iyeyo ngaachekwe ukama nevokwake. “Kana mokohwa minda yenyu regai kukohwa kusvikira kumichetocheto, kana kufuhwa muchitora mbesanwa dzinosaririra muminda yenyu pakukohwa. Musabva mafuhwiridza munda wamagirepisi kana kubva manhongerera magirepesi anenge adonhera pasi. Ngazvisiyirwe varombo navatorwa. Ini Tenzi Mwari wenyu ndini ndinodaro. “Musabe kana kunyengedzana kana kureva nhema. Musapike nhema nezita rangu muchiipisa zita raMwari wenyu, ndini Tenzi ndinodaro. “Musabate mumwe wenyu zvakaipa kana kupamba zvinhu zvake. Regai kurara muine mubayiro womushandi usiku hwose kusvikira mangwanani. Musati kune matsi dai ukawana chinokuwana. Usaisire bofu chinhu chokuripingirisha, unofanira kutya Mwari wako, ndini Tenzi ndinodaro. “Pakutonga mhosva tonga usingatsaudzire, usinganyari murombo kana kuremekedza mupfumi, asi unofanira kutonga mhosva nomazvo. Usafambe-fambe uchiita makuhwa pakati pevekwako. Usapupurire mumwe zvenhema kuti aurayiwe, ndini Tenzi ndinodaro. Usaite daka uchivenga hama yako mumwoyo mako, asi gara pasi unyatsotaurirana naye urege kuita chitadzo pamusana pake. Usatsive kana kuita daka uchivenga vamwe vako. Asi ida mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako, ndini Tenzi ndinodaro.
Verenga chikamu Mupiro 19
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mupiro 19:1-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo