Revhitiko 16:15-34
Revhitiko 16:15-34 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Ipapo anofanira kubaya mbudzi yechipiriso chechivi chavanhu agotora agoenda neropa racho seri kwechidzitiro agoita naro sezvaakaita neropa rehando. Acharisasa pachigaro chenyasha napamberi pacho. Nenzira iyi achayananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene nokuda kwokudarika uye nokumukira kwavaIsraeri, zvisinei kuti zvivi zvavo zvanga zviri zvipi. Anofanira kuitira Tende Rokusangana zvimwe chetezvo, iro riri pakati pavo, pakati pokusachena kwavo. Hapana munhu anofanira kunge ari muTende Rokusangana panguva inopindwamo naAroni kunoyananisira muNzvimbo Tsvene-tsvene kusvikira abuda, azviyananisira iye nemhuri yake uye neungano yose yavaIsraeri. “Ipapo achabuda oenda kuaritari iri pamberi paJehovha agoiyananisira. Achatora rimwe ropa rehando nerembudzi agoriisa panyanga dzose dzearitari. Achasasa rimwe ropa racho pairi nomunwe wake kanomwe kuti aichenese uye aitsaure kubva pakusachena kwavaIsraeri. “Kana Aroni apedza kuyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene, Tende Rokusangana nearitari, achauya nembudzi mhenyu. Anofanira kuisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu agoreurura pamusoro payo kuipa nokumukira kwose kwavaIsraeri, zvivi zvavo zvose agozviisa pamusoro pembudzi. Acharega mbudzi ichienda kurenje nomunhu anenge apiwa basa iroro. Mbudzi iyi ichatakura pairi zvivi zvavo zvose kunzvimbo isina vanhu, uye munhu uyu achairegedzera murenje. “Ipapo Aroni achapinda muTende Rokusangana agobvisa nguo dzomucheka dzaapfeka asati apinda muNzvimbo Tsvene-tsvene uye achadzisiya imomo. Achashamba nemvura munzvimbo tsvene agopfeka nguo dzake dzamazuva ose. Ipapo achabuda agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, agozviyananisira iye navanhu. Achapisawo mafuta echipiriso chechivi paaritari. “Murume achandoregedzera mbudzi yokutakudzwa, anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura; mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. Hando yechipiriso chezvivi nembudzi yechipiriso chezvivi, zvine ropa rinenge rauyiswa muNzvimbo Tsvene-tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kuendeswa kunze kwomusasa, matehwe acho, nyama namazvizvi zvinofanira kupiswa. Munhu anozvipisa anofanira kusuka nguo dzake agoshamba nemvura mushure maizvozvo agozopinda mumusasa. “Uyu unofanira kuva mutemo unogara nokusingaperi kwamuri: Pazuva regumi romwedzi wechinomwe munofanira kutsanya musingaiti kana basa, chingava chizvarwa chenyu kana mutorwa agere pakati penyu, nokuti pazuva iri muchayananisirwa, kuti mucheneswe. Ipapo, pamberi paJehovha muchava vakachena pazvivi zvenyu zvose. Isabata rokuzorora, uye munofanira kuzvinyima; uyu murayiro unogara nokusingaperi. Muprista akazodzwa nokugadzwa kuti atevere baba vake somuprista mukuru anofanira kuyananisira. Anofanira kupfeka nguo dzomucheka, nguo tsvene agoyananisira Nzvimbo Tsvene-tsvene neTende Rokusangana, nearitari uye navaprista navamwe vanhu vose veungano. “Uyu unofanira kuva murayiro unogara nokusingaperi kwamuri: Kuyananisira uku kunofanira kuitwa kamwe chete pagore, nokuda kwezvivi zvose zvavaIsraeri.” Uye zvakaitwa, sezvakarayirwa Mozisi naJehovha.
Revhitiko 16:15-34 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Ipapo anofanira kuuraya mbudzi yechipiriso chezvivi chavanhu, ndokuuya neropa rayo mukati mechidzitiro, agoita neropa rayo sezvaakaita neropa renzombe, arisase pamusoro pechifunhiro chokuyananisa; anofanira kuyananisirawo nzvimbo tsvene nokuda kwokusanaka kwavana vaIsiraeri, uye nokuda kwokudarika kwavo nezvivi zvavo zvose; saizvozvo anofanira kuitirawo tende rokusangana rinogara navo pakati pokusanaka kwavo. Ngakurege kuva nomunhu mutende rokusangana, kana iye achipindamo kuyananisira panzvimbo tsvene kusvikira abuda, apedza kuzviyananisira iye naveimba yake, neungano yose yavaIsiraeri. Ipapo anofanira kubuda kuatari iri pamberi paJehovha, agondoiyananisira; ngaatore rimwe ropa renzombe, nerimwe ropa rembudzi, ariise panyanga dzeatari panhivi dzose. Rimwe ropa ngaarisase kanomwe pamusoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tsvene pakusanaka kwavana vaIsiraeri. “Kana apedza kuyananisira nzvimbo tsvene netende rokusangana, neatari, ngaauye nembudzi mhenyu, Aroni agoisa maoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureurura pamusoro payo zvakaipa zvose zvavana vaIsiraeri nokudarika kwavo kwose, izvo zvivi zvavo zvose; ngaazviise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumwe kurenje nomunhu wakanga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira zvakaipa zvavo zvose kunyika isina vanhu; anofanira kuregedza mbudzi iyo murenje. “Zvino Aroni anofanira kupinda mutende rokusangana, anofanira kubvisa nguo dzake dzomucheka, idzo dzaakanga akafuka pakupinda kwake panzvimbo tsvene, agodzisiyapo. Anofanira kushambidza muviri wake nemvura munzvimbo tsvene, ndokufuka nguo dzake ndokubuda, agobayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chinopiswa chavanhu, kuti azviyananisire iye navanhu. Zvino ngaapise mafuta echipiriso chezvivi pamusoro peatari. Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri anofanira kusuka nguo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. Asi nzombe yechipiriso chezvivi, nembudzi yechipiriso chezvivi zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene kuti zviyananisire, zvinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; zvino vanofanira kupisa matehwe azvo nenyama yazvo namazvizvi azvo nomoto. Nomunhu unozvipisa anofanira kusuka nguo dzake, nokushambidza muviri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. “Unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri: Nomwedzi wechinomwe, nezuva regumi romwedzi, munofanira kuchema pamweya yenyu, nokusabata mabasa ose, kana ari munhu wakaberekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu; nokuti munofanira kuyananisirwa nezuva iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa pazvivi zvenyu zvose pamberi paJehovha. Rinofanira kuva Sabata rokuzorora kwazvo kwamuri, munofanira kuchema pamweya yenyu; murayiro usingaperi. Mupristi uchazozodzwa nokugadzwa paupristi panzvimbo yababa vake, iye anofanira kuyananisira nokufuka nguo dzomucheka, idzo nguo tsvene; anofanira kuyananisira nzvimbo tsvene, uye anofanira kuyananisira tende rokusangana neatari; uye anofanira kuyananisira vapristi navanhu vose veungano. Uyu unofanira kuva murayiro usingaperi kwamuri, kuyananisira vana vaIsiraeri kamwe chete pagore pamusoro pezvivi zvavo.” Akaita sezvakanga zvarairwa Mosesi naJehovha.
Revhitiko 16:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri. “Kana Aroni apedza kuchenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari ngaapire, mbudzi mhenyu iya. Aroni ngaaise maoko ake ose ari maviri pamusoro wayo areurure pairi uipi hwose hwavaIsiraeri, noumhandupandu hwavo hwose nezvitadzo zvavo zvose, aise zvose pamusoro payo. Ngaaise mumaoko omumwe munhu anenge asarudzwa andoirasirira mugwenga. Mbudzi iyoyo ichatakura uipi hwavo hwose. Munhu uya achandoirasirira kugwenga. “Aroni ngaapinde mutendhe rokusanganira abvise hanzu dzerineni dzaanga akapfeka paya paambopinda munzvimbo inoera adzisiye dziri imomo. Ngaashambe muviri ari panzvimbo inoera apfeke hanzu dzake dzamazuva ose, ozobuda imomo ondopira mupiro wake iye wokupisa, nokuitira vanhu mupiro wavowo wokupisa aripire zvitadzo zvake iye pachake nezvavanhu. Ngaapise mafuta echibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo paatari. Munhu uya anenge andorasirira mbudzi kugwenga ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, ozoti odzokera kumatendhe. Handira iya nembudzi iya dzomupiro wokupfupira zvitadzo dzine ropa rinenge rakaunzwa munzvimbo inoera kuti riripire zvitadzo, ngadziendwe nadzo kunze kwematendhe. Matehwe adzo nenyama, yadzo nechinzvinzvi chadzo, ngazvipiswe nomoto. Munhu anondopisa zvinhu izvozvo ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri, nemvura ozodzokera zvake kumatendhe. “Kwamuri imi murao uyu, murao uchagara uripo narini wose wokuti mumwedzi wechinomwe pazuva regumi romwedzi munofanira kuzvirwadzisa musaite basa imi kana vatorwa vamugere navo. Ndinodaro nokuti pazuva irori ndipo panoripirwa zvitadzo zvenyu kuti muchenurwe kuzvitadzo zvenyu zvose, munobva macheneswa pana Tenzi. Sabata, zuva rokuzorora, munofanira kuzvirwadzisa. Uyu murao uchagara uripo narini wose. Mupristi anenge azodzwa akagadzwa kuva mupristi panzvimbo yababa vake, ndiye acharipira akapfeka hanzu dzerineni dzinoera. Ndiye achachenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari, nokuripira zvitadzo zvevapristi nezvegungano. Murao iwoyu uchagara uripo narini wokuti zvitadzo zvose zvevaIsiraeri zvinofanira kuripirwa kamwechete pagore.” Naizvozvo Mosesi akaita sezvaakaudzwa naTenzi.
Revhitiko 16:15-34 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa; unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo. Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri. Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose. Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri. Kana apedza kuyananisira nɀimbo tȿene netente rokusoŋgana, neartari, ŋgaaʋuye nembudzi mhenyu, Aroni agoisa maʋoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureʋurura pamsoro payo ɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri nokuɗarika kwaʋo kwose, iɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀose; ŋgaaɀiise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumŋe kurenje nomunhu wakaŋga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira ɀakaipa ɀaʋo ɀose kunyika isinaʋanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje. Ɀino Aroni unofanira kupinda mutente rokusoŋgana, unofanira kubvisa ŋguʋo dzake dzomuceka, idzo dzaakaŋga akafuka pakupinda kwake panɀimbo tȿene, agodzisiya’po. Unofanira kushambidza muʋiri wake nemvura munɀimbo tȿene, ndokufuka ŋguʋo dzake ndokuɓuɗa, agoɓayira cipiriso cake cinopiswa necipiriso cinopiswa caʋanhu, kuti aɀiyananisire iye naʋanhu. Ɀino ŋgaapise mafuta ecipiriso ceɀiʋi pamsoro peartari. Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. Asi nzombe yecipiriso ceɀiʋi, nembudzi yecipiriso ceɀiʋi ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene kuti ɀiyananisire, ɀinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; ɀino ʋanofanira kupisa matebge aɀo nenyama yaɀo namaɀiɀi aɀo nomŋoto. Nomunhu unoɀipisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. Unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri: Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi romŋedzi, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokusaɓata maɓasa ose, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu; nokuti munofanira kuyananisirwa nezuʋa iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa paɀiʋi ɀenyu ɀose pamberi paJehova. Rinofanira kuʋa saɓata rokuzorora kwaɀo kwamuri, munofanira kucema pamŋeya yenyu; murairo usiŋgaperi. Muprista ucazozodzwa nokugadzwa paʋuprista panɀimbo yaɓaɓa ʋake, iye unofanira kuyananisira nokufuka ŋguʋo dzomuceka, idzo ŋguʋo tȿene; unofanira kuyananisira nɀimbo tȿene, ʋuye unofanira kuyananisira tente rokusoŋgana neartari; ʋuye unofanira kuyananisira ʋaprista naʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano. Uyu unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri, kuyananisira ʋana ʋaIsraeri kamŋe cete pagore pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. Akaita seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.
Revhitiko 16:15-34 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)