Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 16:15-34

Revitiko 16:15-34 SUB1949

Ipapo unofanira kuʋuraya mbudzi yecipiriso ceɀiʋi caʋanhu, ndokuʋuya neropa rayo mukati mecidzitiro, agoita neropa rayo seɀaakaita neropa renzombe, arisase pamsoro pecifunhiro cokuyananisa; unofanira kuyananisira ʋo nɀimbo tȿene nokuɗa kwokusanaka kwaʋana ʋaIsraeri, ʋuye nokuɗa kwokuɗarika kwaʋo neɀiʋi ɀaʋo ɀose; saiɀoɀo unofanira kuitira ʋo tente rokusoŋgana rinogara naʋo pakati pokusanaka kwaʋo. Ŋgakurege kuʋa nomunhu mutente rokusoŋgana, kana iye acipinda’mo kundoyananisira panɀimbo tȿene kuȿikira aɓuɗa, apedza kuɀiyananisira iye naʋeimba yake, neʋuŋgano yose yaʋaIsraeri. Ipapo unofanira kuɓuɗa kuartari iri pamberi paJehova, agondoiyananisira; ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, nerimŋe ropa rembudzi, ariise panyaŋga dzeartari panhiʋi dzose. Rimŋe ropa ŋgaarisase kanomŋe pamsoro payo nomunwe wake, kuti ainatse nokuiita tȿene pakusanaka kwaʋana ʋaIsraeri. Kana apedza kuyananisira nɀimbo tȿene netente rokusoŋgana, neartari, ŋgaaʋuye nembudzi mhenyu, Aroni agoisa maʋoko ake ose pamusoro wembudzi mhenyu, ndokureʋurura pamsoro payo ɀakaipa ɀose ɀaʋana ʋaIsraeri nokuɗarika kwaʋo kwose, iɀo ɀiʋi ɀaʋo ɀose; ŋgaaɀiise pamusoro wembudzi, ndokuiregedza, itumŋe kurenje nomunhu wakaŋga arairwa. Mbudzi iyo inofanira kutakurira ɀakaipa ɀaʋo ɀose kunyika isinaʋanhu; unofanira kuregedza mbudzi iyo murenje. Ɀino Aroni unofanira kupinda mutente rokusoŋgana, unofanira kubvisa ŋguʋo dzake dzomuceka, idzo dzaakaŋga akafuka pakupinda kwake panɀimbo tȿene, agodzisiya’po. Unofanira kushambidza muʋiri wake nemvura munɀimbo tȿene, ndokufuka ŋguʋo dzake ndokuɓuɗa, agoɓayira cipiriso cake cinopiswa necipiriso cinopiswa caʋanhu, kuti aɀiyananisire iye naʋanhu. Ɀino ŋgaapise mafuta ecipiriso ceɀiʋi pamsoro peartari. Uya munhu unondoregedza mbudzi yaAzazeri unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. Asi nzombe yecipiriso ceɀiʋi, nembudzi yecipiriso ceɀiʋi ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene kuti ɀiyananisire, ɀinofanira kutakurirwa kunze kwemisasa; ɀino ʋanofanira kupisa matebge aɀo nenyama yaɀo namaɀiɀi aɀo nomŋoto. Nomunhu unoɀipisa unofanira kusuka ŋguʋo dzake, nokushambidza muʋiri wake nemvura, agozopinda mumisasa pashure. Unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri: Nomŋedzi wecinomŋe, nezuʋa regumi romŋedzi, munofanira kucema pamŋeya yenyu, nokusaɓata maɓasa ose, kana ari munhu wakaɓerekerwa pakati penyu, kana ari mutorwa ugere pakati penyu; nokuti munofanira kuyananisirwa nezuʋa iro, kuti munatswe; munofanira kunatswa paɀiʋi ɀenyu ɀose pamberi paJehova. Rinofanira kuʋa saɓata rokuzorora kwaɀo kwamuri, munofanira kucema pamŋeya yenyu; murairo usiŋgaperi. Muprista ucazozodzwa nokugadzwa paʋuprista panɀimbo yaɓaɓa ʋake, iye unofanira kuyananisira nokufuka ŋguʋo dzomuceka, idzo ŋguʋo tȿene; unofanira kuyananisira nɀimbo tȿene, ʋuye unofanira kuyananisira tente rokusoŋgana neartari; ʋuye unofanira kuyananisira ʋaprista naʋanhu ʋose ʋeʋuŋgano. Uyu unofanira kuʋa murairo usiŋgaperi kwamuri, kuyananisira ʋana ʋaIsraeri kamŋe cete pagore pamsoro peɀiʋi ɀaʋo. Akaita seɀakaŋga ɀarairwa Mosesi naJehova.

Verenga chikamu Revitiko 16