“Ngaachiuraya mbudzi yemupiro wokupfupira zvitadzo zvavanhu, aunze ropa rayo munzvimbo inoera, arisase pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, arisasewo pasi pamberi paro sezvaanenge aita zviya neropa rehandira. Nokudaro achachenura nzvimbo inoera pamusana pokun'ora kwavaIsiraeri, uye nokuda kwezvikanganiso zvavo, nezvitadzo zvavo zvose. Ngaaite zvimwechetezvo kutendhe rokusanganira riri pakati pavo; mukati mokun'ora kwavo. Hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Kubvira nguva inopinda Aroni munzvimbo inoera kundoripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemhuri yake nezvegungano rose ravaIsiraeri kusvikira nguva yaanobudamo, hakuna munhu anobvumirwa kunge ari mutendhe rokusanganira. Ngaabude imomo andopira Tenzi mupiro wokupisa paatari ichenurwe. Ngaatore ropa rehandira iya pamwechete neropa rembudzi iya arizore pane zvose zvinenge nyanga zviri paatari. Nomunwe wake, ngaasase ropa kanomwe pamusoro payo, aichenure pakun'oreswa kwayakaitwa navaIsiraeri.
“Kana Aroni apedza kuchenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari ngaapire, mbudzi mhenyu iya. Aroni ngaaise maoko ake ose ari maviri pamusoro wayo areurure pairi uipi hwose hwavaIsiraeri, noumhandupandu hwavo hwose nezvitadzo zvavo zvose, aise zvose pamusoro payo. Ngaaise mumaoko omumwe munhu anenge asarudzwa andoirasirira mugwenga. Mbudzi iyoyo ichatakura uipi hwavo hwose. Munhu uya achandoirasirira kugwenga.
“Aroni ngaapinde mutendhe rokusanganira abvise hanzu dzerineni dzaanga akapfeka paya paambopinda munzvimbo inoera adzisiye dziri imomo. Ngaashambe muviri ari panzvimbo inoera apfeke hanzu dzake dzamazuva ose, ozobuda imomo ondopira mupiro wake iye wokupisa, nokuitira vanhu mupiro wavowo wokupisa aripire zvitadzo zvake iye pachake nezvavanhu. Ngaapise mafuta echibayiro chomupiro wokupfupira zvitadzo paatari. Munhu uya anenge andorasirira mbudzi kugwenga ngaasuke hanzu dzake ashambe muviri, ozoti odzokera kumatendhe. Handira iya nembudzi iya dzomupiro wokupfupira zvitadzo dzine ropa rinenge rakaunzwa munzvimbo inoera kuti riripire zvitadzo, ngadziendwe nadzo kunze kwematendhe. Matehwe adzo nenyama, yadzo nechinzvinzvi chadzo, ngazvipiswe nomoto. Munhu anondopisa zvinhu izvozvo ngaasuke hanzu dzake, ashambe muviri, nemvura ozodzokera zvake kumatendhe.
“Kwamuri imi murao uyu, murao uchagara uripo narini wose wokuti mumwedzi wechinomwe pazuva regumi romwedzi munofanira kuzvirwadzisa musaite basa imi kana vatorwa vamugere navo. Ndinodaro nokuti pazuva irori ndipo panoripirwa zvitadzo zvenyu kuti muchenurwe kuzvitadzo zvenyu zvose, munobva macheneswa pana Tenzi. Sabata, zuva rokuzorora, munofanira kuzvirwadzisa. Uyu murao uchagara uripo narini wose. Mupristi anenge azodzwa akagadzwa kuva mupristi panzvimbo yababa vake, ndiye acharipira akapfeka hanzu dzerineni dzinoera. Ndiye achachenura nzvimbo inoera netendhe rokusanganira neatari, nokuripira zvitadzo zvevapristi nezvegungano. Murao iwoyu uchagara uripo narini wokuti zvitadzo zvose zvevaIsiraeri zvinofanira kuripirwa kamwechete pagore.” Naizvozvo Mosesi akaita sezvaakaudzwa naTenzi.