Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revhitiko 16:1-14

Revhitiko 16:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)

Tenzi akataura kuna Mosesi shure kwokufa kwavanakomana vaviri vaAroni pavakapira kuna Tenzi vakafa. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza mukoma wako Aroni kuti arege kuita chipindepinde munzvimbo inoera kuseri kwejira rokudzikatirisa achisebera pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, angadaro akafa nokuti ini ndichazviratidza ndiri mugore nechapamusoro pehwibidiro iyoyo. Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa. Ngaauye akapfeka hanzu yerineni inoera inenge yoda kusvika mumabvi, nebhurukwa rerineni, akasunga mudya werineni akapfeka ngundu yerineni, ndohanzu dzinoera. Ngaatange ashamba muviri wake nemvura, agozoti odzipfeka. Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe.

Revhitiko 16:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha akataura naMozisi mushure mokufa kwavanakomana vaAroni vaviri avo vakafa pavakaswedera kuna Jehovha. Jehovha akati kuna Mozisi, “Udza mukoma wako Aroni kuti asangopinda paanodira muNzvimbo Tsvene-tsvene kuseri kwechidzitiro pamberi pechigaro chenyasha paareka, nokuti angangofa, nokuti ndinozviratidza mugore pamusoro pechigaro chenyasha. “Aya ndiwo mapindiro anofanira kuita Aroni munzvimbo tsvene: apinde nehando diki yechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. Anofanira kupfeka nguo tsvene yomucheka, nguo dzomukati dzomucheka pamuviri wake; anofanira kusunga bhanhire romucheka muchiuno chake agopfeka nguwani yomucheka. Idzi ndidzo nguo tsvene, saka anofanira kushamba nemvura asati adzipfeka. Kubva kuungano yavaIsraeri anofanira kutora nhongo mbiri dzechipiriso chechivi uye negondobwe rechipiriso chinopiswa. “Aroni anofanira kupa hando yechipiriso chechivi chake kuti azviyananisire iye nemhuri yake. Ipapo anofanira kutora mbudzi mbiri agouya nadzo pamberi paJehovha pamusuo weTende Rokusangana. Anofanira kukanda mijenya pambudzi mbiri idzi, mumwe mujenya waJehovha nomumwe wembudzi yokutakudzwa. Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya waJehovha agoibayira sechipiriso chechivi. Asi mbudzi inosarudzwa nomujenya sembudzi yokutakudzwa ichauyiswa iri mhenyu pamberi paJehovha igoshandiswa pakuyananisira, icharegedzwa ichienda kurenje sembudzi yokutakudzwa. “Aroni anofanira kuuya nehando yake yechipiriso chake chechivi, kuti azviyananisire iye nemhuri yake, uye anofanira kubaya hando yechipiriso chake chechivi. Anofanira kutora hadyana yakazara namazimbe ari kubvira kubva paaritari pamberi paJehovha nezvanza zviviri zvezvinonhuhwira zvakatsetseka agoenda nazvo seri kwechidzitiro. Anofanira kuisa zvinonhuhwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, uye utsi hwezvinonhuhwira huchafukidza chigaro chenyasha pamusoro peChipupuriro, kuti asafa. Anofanira kutora rimwe ropa rehando uye nomunwe wake agorisasa pamberi pechigaro chenyasha.

Revhitiko 16:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino Jehovha wakataura naMosesi, shure kwokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa; Jehovha akati kuna Mosesi, “Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nokuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa. Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa. “Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka. “Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa. Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake. Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana; Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri. “Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi. Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri. “Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi; ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paatari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro; zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa; zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.

Revhitiko 16:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tenzi akataura kuna Mosesi shure kwokufa kwavanakomana vaviri vaAroni pavakapira kuna Tenzi vakafa. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza mukoma wako Aroni kuti arege kuita chipindepinde munzvimbo inoera kuseri kwejira rokudzikatirisa achisebera pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, angadaro akafa nokuti ini ndichazviratidza ndiri mugore nechapamusoro pehwibidiro iyoyo. Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa. Ngaauye akapfeka hanzu yerineni inoera inenge yoda kusvika mumabvi, nebhurukwa rerineni, akasunga mudya werineni akapfeka ngundu yerineni, ndohanzu dzinoera. Ngaatange ashamba muviri wake nemvura, agozoti odzipfeka. Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe.

Revhitiko 16:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, shure kwokufa kwaʋanakomana ʋaʋiri ʋaAroni, musi waʋakasweɗera pamberi paJehova, ʋakafa; Jehova akati kunaMosesi: Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda ŋguʋa dzose panɀimbo tȿene mukati mecidzitiro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa, ciri pamsoro peareka, kuti arege kufa; nokuti ndicaɀiratidza mugore pamsoro pecifunhiro cokuyananisa. Ɀino Aroni ŋgaapinde munɀimbo tȿene neɀinhu iɀi: Nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge, ciʋe cipiriso cinopiswa. Unofanira kufuka jasi dɀene romuceka, aʋe ʋo namaburuku omuceka pamuʋiri wake, nokuɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire romuceka, nokudzika ʋo ŋgoani yomuceka; ndidzo ŋguʋo tȿene; ŋgaashambidze muʋiri wake nemvura, agoɀifuka. Ɀino unofanira kutora kuʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri nhoŋgo mbiri dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa. Aroni unofanira kuʋuya nenzombe yake ɗuku yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire, iye naʋeimba yake. Ɀino ŋgaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana; Aroni ɀino unofanira kukanda mijenya pamsoro pembudzi mbiri, mumŋe mujenya waJehova, mumŋe waAzazeri. Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nembudzi yakaɓatwa nomujenya pamberi paJehova, ndokuiɓayira ciʋe cipiriso ceɀiʋi. Asi mbudzi yakaɓatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehova kuti ayananisire pamsoro payo, igoregedzwa iende kurenje, iʋe yaAzazeri. Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi; ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro; ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa; ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa.