Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 16:1-14

Revitiko 16:1-14 SUB1949

Ɀino Jehova wakataura naMosesi, shure kwokufa kwaʋanakomana ʋaʋiri ʋaAroni, musi waʋakasweɗera pamberi paJehova, ʋakafa; Jehova akati kunaMosesi: Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda ŋguʋa dzose panɀimbo tȿene mukati mecidzitiro, pamberi pecifunhiro cokuyananisa, ciri pamsoro peareka, kuti arege kufa; nokuti ndicaɀiratidza mugore pamsoro pecifunhiro cokuyananisa. Ɀino Aroni ŋgaapinde munɀimbo tȿene neɀinhu iɀi: Nzombe ɗuku, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge, ciʋe cipiriso cinopiswa. Unofanira kufuka jasi dɀene romuceka, aʋe ʋo namaburuku omuceka pamuʋiri wake, nokuɀisuŋga ciʋuno cake nebanhire romuceka, nokudzika ʋo ŋgoani yomuceka; ndidzo ŋguʋo tȿene; ŋgaashambidze muʋiri wake nemvura, agoɀifuka. Ɀino unofanira kutora kuʋuŋgano yaʋana ʋaIsraeri nhoŋgo mbiri dzembudzi, ciʋe cipiriso ceɀiʋi, negondobge rimŋe, ciʋe cipiriso cinopiswa. Aroni unofanira kuʋuya nenzombe yake ɗuku yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire, iye naʋeimba yake. Ɀino ŋgaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehova pamukoʋa wetente rokusoŋgana; Aroni ɀino unofanira kukanda mijenya pamsoro pembudzi mbiri, mumŋe mujenya waJehova, mumŋe waAzazeri. Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nembudzi yakaɓatwa nomujenya pamberi paJehova, ndokuiɓayira ciʋe cipiriso ceɀiʋi. Asi mbudzi yakaɓatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehova kuti ayananisire pamsoro payo, igoregedzwa iende kurenje, iʋe yaAzazeri. Ɀino Aroni unofanira kuʋuya nenzombe ɗuku yake yecipiriso ceɀiʋi, kuti aɀiyananisire nayo, iye naʋeimba yake, aʋuraye nzombe yake yecipiriso ceɀiʋi; ipapo ŋgaatore haryana yeɀinonhuwira, izere namazimbe omŋoto uri paartari pamberi paJehova, namaʋoko ake azere neɀinonhuwira ɀakanaka ɀakakuyiwa, aʋuye naɀo mukati mecidzitiro; ɀino ŋgaaise ɀinonhuwira pamsoro pomŋoto pamberi paJehova, kuti gore roʋutsi bgeɀinonhuwira rifukidze cifunhiro cokuyananisa ciri pamsoro pecipupuriro, kuti arege kufa; ɀino ŋgaatore rimŋe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamsoro pecifunhiro cokuyananisa, kurutiʋi rwamabvazuʋa, nerimŋe ropa arisase nomunwe wake kanomŋe pamberi pecifunhiro cokuyananisa.

Verenga chikamu Revitiko 16