Tenzi akataura kuna Mosesi shure kwokufa kwavanakomana vaviri vaAroni pavakapira kuna Tenzi vakafa. Tenzi akati kuna Mosesi, “Udza mukoma wako Aroni kuti arege kuita chipindepinde munzvimbo inoera kuseri kwejira rokudzikatirisa achisebera pahwidibiro yebhokisi rechitenderano, angadaro akafa nokuti ini ndichazviratidza ndiri mugore nechapamusoro pehwibidiro iyoyo. Kana Aroni apinda munzvimbo inoera, ngauye nehandira ichiri duku yomupiro wokupfupira zvitadzo nehondohwe yomupiro wokupisa. Ngaauye akapfeka hanzu yerineni inoera inenge yoda kusvika mumabvi, nebhurukwa rerineni, akasunga mudya werineni akapfeka ngundu yerineni, ndohanzu dzinoera. Ngaatange ashamba muviri wake nemvura, agozoti odzipfeka. Aroni ngaapiwe negungano ravaIsiraeri makotora embudzi maviri omupiro wokupfupira zvitadzo pamwechete nehondohwe yomupiro wokupisa. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaatore mbudzi mbiri dziya aende nadzo kumusuo wetendhe rokusanganira, adzimise pana Tenzi. Aroni ngaaitire mbudzi dziya mbiri chin'ange, imwe ive yaTenzi imwe ive yaAzazeri yokurasirira. Aroni ngaauye nembudzi inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyaTenzi, aiite mupiro wokupfupira zvitadzo. Asi mbudzi iya inenge yaratidzwa nechin'ange kuti ndeyokurasirira ngaiuyiwe nayo pana Tenzi iri mhenyu ive yokuripira nayo zvitadzo kuti indorasirirwa kurenje kuna Azazeri. “Aroni ngaapire handira iya somupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake achiripira zvitadzo zvake iye pachake nezvemba yake. Ngaauraye handira ive yomupiro wokupfupira zvitadzo zvake iye pachake. Ngaatore kabisiro kazere mazimbe omoto unobva paatari iri pana Tenzi, nezvanza zviviri zvizere zvorusenzi runonhuhwirira rwakadzvurwa, auye nako apinde kuseri kwejira rokudzikatirisa. Ngaaise rusenzi mumoto uri pana Tenzi kuitira kuti bwititi routsi hworusenzi riputire hwidibiro iyi yebhokisi rechitenderano, arege kufa. Ngaatore rimwe ropa rehandira iya, arisase nomunwe wake pamberi pehwidibiro kumabvazuva, arisasewo pamberi pehwidibiro iyoyo kanomwe.
Verenga chikamu Mupiro 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mupiro 16:1-14
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo