Zvino Jehovha wakataura naMosesi, shure kwokufa kwavanakomana vaAroni, musi wavakaswedera pamberi paJehovha, vakafa; Jehovha akati kuna Mosesi, “Taura naAroni mukuru wako, kuti arege kupinda nguva dzose panzvimbo tsvene mukati mechidzitiro, pamberi pechifunhiro chokuyananisa, chiri pamusoro peareka, kuti urege kufa; nokuti ndichazviratidza mugore pamusoro pechifunhiro chokuyananisa. Zvino Aroni ngaapinde munzvimbo tsvene nezvinhu izvi: Nzombe duku, chive chipiriso chezvivi, negondohwe, chive chipiriso chinopiswa.
“Anofanira kufuka jasi dzvene romucheka, avewo namabhurukwa omucheka pamuviri wake, nokuzvisunga chiuno chake nebhanhire romucheka, nokudzikawo nguwani yomucheka; ndidzo nguo tsvene; ngaashambidze muviri wake nemvura, agozvifuka.
“Zvino anofanira kutora kuungano yavana vaIsiraeri nhongo mbiri dzembudzi, chive chipiriso chezvivi, negondohwe rimwe, chive chipiriso chinopiswa. Aroni anofanira kuuya nenzombe yake duku yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire, iye neveimba yake. Zvino ngaatore mbudzi mbiri, adziise pamberi paJehovha pamukova wetende rokusangana; Aroni zvino anofanira kukanda mijenya pamusoro pembudzi mbiri, mumwe mujenya waJehovha, mumwe waAzazeri.
“Zvino Aroni anofanira kuuya nembudzi yakabatwa nomujenya pamberi paJehovha, ndokuibayira chive chipiriso chezvivi. Asi mbudzi yakabatwa nomujenya waAzazeri, inofanira kuiswa iri mhenyu pamberi paJehovha kuti ayananisire pamusoro payo, igoregedzwa iende kurenje, ive yaAzazeri.
“Zvino Aroni anofanira kuuya nenzombe duku yake yechipiriso chezvivi, kuti azviyananisire nayo, iye naveimba yake, auraye nzombe yake yechipiriso chezvivi; ipapo ngaatore harana yezvinonhuwira, izere namazimbe omoto uri paatari pamberi paJehovha, namaoko ake azere nezvinonhuwira zvakanaka zvakakuyiwa, auye nazvo mukati mechidzitiro; zvino ngaaise zvinonhuwira pamusoro pomoto pamberi paJehovha, kuti gore routsi hwezvinonhuwira rifukidze chifunhiro chokuyananisa chiri pamusoro pechipupuriro, kuti arege kufa; zvino ngaatore rimwe ropa renzombe, arisase nomunwe wake pamusoro pechifunhiro chokuyananisa, kurutivi rwamabvazuva, nerimwe ropa arisase nomunwe wake kanomwe pamberi pechifunhiro chokuyananisa.