Revhitiko 11:12-18
Revhitiko 11:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Chose chinhu chinorarama mumvura chisina zvimbi namakwati chinonyangadza kwamuri. “ ‘Idzi ndidzo shiri dzamunofanira kusema, uye musadzidya nokuti dzinonyangadza kwamuri: gondo, gora, chapungu, njerere, marudzi ose oruvangu rutema, marudzi ose amakunguo, marudzi ose amazizi, shiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, nezizi duku, nekanyururahove, nezizi guru, nejichidza, nekondo, negora
Revhitiko 11:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvose zviri mumvura zvisina zvimbi namakwande zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri. “Izvi pakati peshiri zvinofanira kuva zvinonyangadza kwamuri, ngazvirege kudyiwa, ngazvive zvinonyangadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura; noruvangu, nenjerere, namarudzi adzo; namarudzi ose amakunguo; nemhou, nezizi, neshiri yegungwa, namarudzi ose oruvangu; nezizi duku, nekanyurura-hove, nezizi guru, nejichidza, nekondo, negora
Revhitiko 11:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvose zvomumvura zvisina zvimbi namakwande zvakaipa kwazvo kwamuri. “Pashiri dzose, idzi ndidzo shiri dzakan'ora kwamuri, hadzifanire kudyiwa, dzakaipa kwazvo kwamuri, kunoti: gondo negora nechapungu nenjerere nakarukodzi nemhando dzako nemhando dzose dzemakunguo, jichidza, nemazizi neshiri yegungwa namarudzi ose oruvangu, kouya zizi nekondo, nejambwa nenhapata nesvorenyama nehungwe
Revhitiko 11:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀose ɀiri mumvura ɀisineɀimbi namakwande ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri. Iɀi pakati peshiri ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri, ŋgaɀirege kudyiwa, ŋgaɀiʋe ɀinonyaŋgadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura; noruʋaŋgu, nenjerere, namarudzi adzo; namarudzi ose amakuŋguʋu; nemhou, nezizi, neshiri yeguŋgwa, namarudzi ose oruʋaŋgu; nezizi ɗuku, nekanyurura‐hoʋe, nezizi guru; nejicidza, nekondo, negora
Revhitiko 11:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)