Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Revitiko 11

11
Mhuka dzakanaka nedzisina‐kunaka.
1Ɀino Jehova wakataura naMosesi naAroni, akati kwaʋari: 2Taurai naʋana ʋaIsraeri, muti: Ndiɀo ɀipenyu ɀamuŋgadya pakati pemhuka dzose dziri panyika: 3Ɀose pakati pemhuka ɀinamahwanda akaparadzana, kana ɀinetȿoka dzakaparadzana, ɀinodzeya, muŋgaɀidya. 4Asi pakati peɀinodzeya, kana pakati peɀinamahwanda akaparadzana, regai kudya kamera, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri; 5nembira, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri. 6netsuro, nokuti inodzeya, asi hainamahwanda akaparadzana; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri. 7Neŋguruʋe, nokuti inetsoka dzakaparadzana, asi haidzeyi; inofanira kuʋa cinhu cisina‐kunaka kwamuri. 8Regai kudya nyama yaɀo, kana kuɓata ɀitunha ɀaɀo; ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka kwamuri.
9Ndiɀo ɀamuŋgadya kuneɀose ɀiri mumvura: Ɀose ɀiri mumvura, mumakuŋgwa nomunzizi, ɀineɀimbi namakwande, ndiɀo ɀamuŋgadya. 10Asi ɀose ɀisineɀimbi namakwande ɀiri mumakuŋgwa nomunzizi, paɀose ɀinopfakanyika mumvura, paɀose ɀipenyu ɀiri mumvura, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri. 11Ŋgaɀiʋe ɀinonyaŋgadza kwamuri; musadya nyama yaɀo, neɀitunha ɀaɀo ɀinofanira kuʋa cinhu cinonyaŋgadza kwamuri. 12Ɀose ɀiri mumvura ɀisineɀimbi namakwande ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri.
13Iɀi pakati peshiri ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri, ŋgaɀirege kudyiwa, ŋgaɀiʋe ɀinonyaŋgadza: Gora guru, negondo guru, nenyamudzura; 14noruʋaŋgu, nenjerere, namarudzi adzo; 15namarudzi ose amakuŋguʋu; 16nemhou, nezizi, neshiri yeguŋgwa, namarudzi ose oruʋaŋgu; 17nezizi ɗuku, nekanyurura‐hoʋe, nezizi guru; 18nejicidza, nekondo, negora; 19nezimudo, namarudzi ose ekondo, nemhupupu, neciremŋaremŋa.
20Ɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀicifamba namakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀinhu ɀinonyaŋgadza kwamuri. 21Asi iɀi muŋgadya pakati peɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀicifamba namakumbo manna, ɀinamakumbo pamsoro petsoka dzaɀo aɀinokwakuka nawo panyika. 22Ndiɀo ɀamuŋgadya pakati paɀo: Marudzi ose emhashu, namarudzi ose ecinjiki, namarudzi eɓambamukota, namarudzi egwatakwata. 23Asi ɀose ɀinamapapiro ɀicikambaira, ɀinamakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza kwamuri.
24Mucaȿiɓiswa neɀiɀi: Aninani unoɓata ɀitunha ɀaɀo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 25Aninani wakatakura citunha caɀo, unofanira kusuka ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 26Mhuka dzose dzinamahwanda akaparadzana, asi dzisinetsoka dzakaparadzana, dzisiŋgadzeyi, ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri; mumŋe nomumŋe unoɀiɓata ucaʋa usina‐kunaka. 27Ɀose ɀinofamba netsoka dzakapfaʋa pakati pemhuka dzose dzinofamba namakumbo manna, ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri; aninani unoɓata ɀitunha ɀaɀo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 28Munhu unotakura ɀitunha ɀaɀo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri.
29Ɀisakanaka kwamuri pakati peɀinokambaira, ɀinokambaira panyika ndiɀo: Ciɗembo, negonzo, namarudzi egwaʋaʋa, 30necipfira, nedɀinyu, negoroʋodyo, nedambakura, norwaivi. 31Iɀoɀo ɀinofanira kuʋa ɀisakanaka kwamuri pakati peɀose ɀinokambaira; aninani unoɀiɓata kana ɀakafa ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 32Cinhu cipi necipi cinowirwa necimŋe caɀo kana cakafa, cicaʋa cisina‐kunaka; kana iri nhumbi yamatanda, kana ŋguʋo, kana ɗebge, kana homboɗo, kana iri nhumbi ipi neipi inoɓatwa ɓasa nayo, inofanira kunyikwa mumvura, iʋe isina‐kunaka kuȿikira maɗeko; ipapo icaʋa yakanaka. 33Hari imŋe neimŋe yevu yawirwa mukati mayo necimŋe caɀo, ɀose ɀiri mukati mayo ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka, naiyo munofanira kuiputsa. 34Ɀokudya ɀose ɀiri’mo ɀiŋgadyiwa, kana ɀaɗirwa mvura, ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka; neɀinonwiwa ɀose ɀiri muhari iyo ɀinofanira kuʋa ɀisina‐kunaka. 35Ɀose ɀinowirwa necitunha caɀo, ɀicaʋa ɀisina‐kunaka, kana coto, kana cikuʋa cehari, ɀinofanira kuputswa cose; haɀina‐kunaka, ŋgaɀiʋe ɀisina‐kunaka kwamuri. 36Asi tsime kana dziʋa makaceŋgetwa mvura, ɀicaʋa ɀakanaka; asi cinogunɀa citunha caɀo cicaʋa cisina‐kunaka. 37Kana citunha cecimŋe caɀo cikawira pamsoro pembeu yakaŋga yokushwa, icaʋa yakanaka. 38Asi kana mbeu ikaɗirwa mvura, citunha cecimŋe caɀo cikawira pamsoro payo, inofanira kuʋa isina‐kunaka kwamuri.
39Kana mhuka ipi neipi iŋgadyiwa, ikafa, aninani unogunɀa citunha cayo ucaʋa usina‐kunaka kuȿikira maɗeko. 40Unodya citunha cayo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko; nomunhu unotakura citunha cayo ŋgaasuke ŋguʋo dzake, aʋe usina‐kunaka kuȿikira maɗeko.
41Ɀose ɀinokambaira, ɀinokambaira panyika, ɀinofanira kuʋa ɀinonyaŋgadza, haɀifaniri kudyiwa. 42Ɀose ɀinofamba neɗumbu, ʋuye ɀose ɀinofamba namakumbo manna, ʋuye ɀose ɀinofamba namakumbo mazhinji, ɀose ɀinokambaira, ɀinokambaira panyika, hamufaniri kuɀidya; nokuti ɀinonyaŋgadza. 43Musaɀiita ʋanonyaŋgadza necinokambaira cipi necipi, musaɀiita ʋasina‐kunaka naɀo, kuti murege kuȿiɓiswa naɀo. 44Nokuti ndini Jehova, Mŋari wenyu; naiɀoɀo ɀitsaurei, muʋe ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene; musaɀiȿiɓisa necinokambaira cipi necipi cinopfakanyika panyika. 45Nokuti ndini Jehova wakakuɓuɗisai panyika yeEgipita, kuti ndiʋe Mŋari wenyu; naiɀoɀo muʋe ʋatȿene, nokuti ini ndiri mutȿene.
46Ndiwo murairo wemhuka, noweshiri, noweɀipenyu ɀose ɀinopfakanyika mumvura, neɀisikwa ɀose ɀinokambaira panyika; 47kuti mutsaure pakati peɀisakanaka neɀakanaka, napakati peɀipenyu ɀiŋgadyiwa neɀipenyu ɀisiŋgadyiwi.

Zvasarudzwa nguva ino

Revitiko 11: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda