Kuungudza kwaJeremia 3:55-60
Kuungudza kwaJeremia 3:55-60 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndakadana zita renyu, imi Jehovha, ndiri mugomba rakadzika. Makanzwa kukumbira kwangu: “Regai kudzivira nzeve dzenyu pandinochemera rubatsiro.” Makaswedera pedyo pandakakudanai, mukati, “Usatya.” Haiwa Ishe, makandireverera mhaka yangu; makadzikinura upenyu hwangu. Makaona imi Jehovha, zvakaipa zvandakaitirwa. Nditongerei mhaka yangu! Makaona udzamu hwokutsva kwavo, idzo rangano dzavo dzose pamusoro pangu.
Kuungudza kwaJeremia 3:55-60 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndakadana zita renyu, Jehovha, ndiri mugomba rakadzika kwazvo. Makanzwa izwi rangu; regai kundivanzira nzeve yenyu pakufema kwangu nokuchema kwangu. Makaswedera nezuva randakadana kwamuri, makati, “Usatya.” Ishe, imi makandireverera mhaka dzomweya wangu, makadzikinura upenyu hwangu. Haiwa Jehovha, makaona kusaruramisirwa kwangu, nditongerei mhaka yangu. Makaona kutsiva kwavo kwose, namano avo ose pamusoro pangu.
Kuungudza kwaJeremia 3:55-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Ndakakudaidzai nezita imi Tenzi, ndiri pasi pegomba. Makanzwa imi chichemo changu musadzivire nzeve yenyu pandinochemera rubatsiro. Makauya pedyo pazuva randakadanidzira kwamuri mukanditi, ‘Usatye.’ “Makaita hanya nezvenyaya yangu, Tenzi mukanunura upenyu hwangu. Imi Tenzi makaona zvakaipa zvakaitwa kwandiri. Ndienzanisireiwo nyaya yangu. Makaona, imi, kutsividza kwavo kwose netwavaindirongera.
Kuungudza kwaJeremia 3:55-60 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndakaɗana zita renyu, Jehova, ndiri mugomba rakadzika kwaɀo. Makanzwa inzwi raŋgu; regai kundiʋanzira nzeʋe yenyu pakufema kwaŋgu nokucema kwaŋgu. Makasweɗera nezuʋa randakaɗana kwamuri, makati: Usatya. Ishe, imi makandireʋerera mhaka dzomŋeya waŋgu, makadzikinura ʋupenyu bgaŋgu. Haiwa Jehova, makaʋona kusaruramisirwa kwaŋgu, nditoŋgerei mhaka yaŋgu. Makaʋona kutsiʋa kwaʋo kwose, namano aʋo ose pamsoro paŋgu.
Kuungudza kwaJeremia 3:55-60 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)